‘Ipai vana nemadzimai kudya kunovaka muviri’

02 Apr, 2015 - 20:04 0 Views
‘Ipai vana nemadzimai kudya kunovaka muviri’

Kwayedza

Daphne Machiri
SANGANO reUnited States Agency for International Development (USAID) rinoti zvakakosha kuti vanhukadzi nevana vawaniswe kudya kwakakwana uye kunovaka muviri. Vachitaura svondo rapera muhurukuro yavakaita nevatori venhau, VaThemba Nduna, avo vanoona nezvekudya kunovaka muviri (nutritionist) kusangano iri, vakati ikodzero yemunhu wose kuti awane zvekudya zvinovaka muviri.
“Zvakakosha kuti vanhu vawane chikafu nenguva uye vana vawaniswe kudya kunovaka muviri.

“Madzimai ndiwo musimboti wemba naizvozvo tinovakurudzira nekuvabatsira kuita mabhindauko ekurima zvirimwa zvakaita semhunga, zviyo, mapfunde, nyimo, nzungu nenyemba,” vakadaro VaNduna.

Vanoti vanoshandawo zvakare nemamwe masangano akazvimirira ayo anosanganisira International Rescue Committee neAction Against Hunger mukusimudzira kuwanikwa kwechikafu munzvimbo dzisinganaye mvura zvakanaka munyika.

“Munyaya dzezvekudya, tinotarisa zvakare kuti vanhu vange vachiwana mvura yekunwa yakachena pamwe nekuti vabike chikafu zvine utsanana.
“Vanhu vatiri kunyanya kutarisa madzimai pamwe nevana mushure mekunge taona kuti vanoda rubatsiro rwakakura,” vakadaro VaNduna.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey