Uncategorized

Ishe wechikadzi ari panyanga

11 Nov, 2016 - 00:11 0 Views

Kwayedza

NYAYA dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume dziri kucherechedzwa zvikuru munyika muno apo madzimai ave kuwanikwa achitorawo zvigaro nemabasa epamusoro ayo aimboitwa nevarume chete.Kwayedza nguva yadarika yakakurukura naIshe Chimukoko, Mai Olitia Chimukoko (65), kudunhu reMudzi avo vanoti vakagadzwa hushe vaine makore 13 okuberekwa.

“Ndakaberekwa muna 1949 mumhuri yaive nevana vana. Ndini ndega musikana saka panguva iyi hushe kwakange huri kune imwe imba kumhuri yekwababamukuru. Babamukuru vangu, VaChangachirere Chunye, pavakashaya mugore ra1960 pakatora makore maviri vasati vatsiviwa zvichifambirana netsika dzedu dzechivanhu sezvo rufu rwashe rwusingoshambadzwa nekuti panoitwa chivanhu kubvira pazuva raanenge afa,” vanodaro.

Vanoti kuti vave ishe, yaisava sarudzo yavo asi kuti mudzimu wekurudzi rwavo ndiwo wakataura kuti vanofanira kutora chigaro ichi.

Ishe Chimukoko vanoti hapana akapikisana nemashoko ainge ataurwa nemudzimu aya zvisinei kuti mumhuri mavo maive nevanakomana vatatu panguva iyi.

“Ini handina kusarudzwa nevanhu venyama kuti ndive Ishe Chimukoko nekuti kudai zvakaitwa nevanhu, handaiona zvichibudirira sezvo panguva yacho vanakomana ndivo vaiwaniswa mikana kupinda vanasikana.

“Ndakagadzwa hushe ndiine makore 13 okuberekwa muna 1962 mushure mekunge mudzimu wemumusha wandidoma. Vanhu havana kuda kupikisana nazvo, vakangoti ngazviitwe saizvozvo nekuti mudzimu haupikiswe, zvinoyera.”

Ishe Chimukoko vanoti nekuda kwezera ravo panguva iyi, havana kubva vangotangisa kutonga nekuti vakuru vemunhuri mavo vakati vaifanira kumirira kuti vayaruke. Saka chigaro ichi chakabva chapihwa baba vavo, VaTauro Chimukoko.

Vanoti vakazotanga kutonga zvizere muna 1978.

“Ini ndine vana vashanu uye vanofarira basa rangu. Zvakare, murume wangu – Donald Rushambwe – akange achinditsigirawo zvakanyanya nekuti ndaimuremekedza. Handaitora hutongi hwangu ndichizviita munhu anozvitutumadza, kwete. Ndairamba ndakazvininipisa kuitira kuti wanano yangu irambe yakamira. Murume wangu akazoshaya zvake muna 2006,” vanodaro.

Ishe Chimukoko vanotsanangura nezvemamwe emabasa avanobata mudunhu ravo.

“Basa guru randinoita ndere kutonga vanhu nekuvayananisa pamhosva dzavanoparirana sekuti mombe dzinenge dzadya mumunda memumwe poita bopopoto, mhirizhonga mudzimba, kubirana, kuroodzwa kwevana nevanoramba kuendesa vana kuchikoro.

“Mudunhu mangu mune vamwe vemakereke epositori vakati wandei avo vari kusiisa vanasikana chikoro panzira vachinovaroodza vasati vabva zera. Saka ndinombozama kuti ndibatsirane navo kuti vazive kukosha kwedzidzo zvisinei nekuti zvinorema nekuti zvizhinji zvacho vanozviita nerweseri zvekuti unotozonzwa nezvazvo kana mwana wacho atove nepamuviri kana kuti asununguka,” vanodaro.

Saishe wechidzimai, vanoti vari kushandawo nesangano reCampaign for Female Education (CAMFED) mukusimudzira dzidzo yevanasikana – zvikuru avo ari kushairwa mari yekuenderera mberi nedzidzo.

Zvisinei, vanoti kune vamwe vanhurume vachiri kutarisira madzimai ane zvigaro zvepamusoro pasi – anove mafungiro akasaririra zvikuru.

Zvakadai, vachitaura svondo rapera pagungano rekupemberera kuvhurwa zviri pamutemo kwedare reGoromonzi Magistrate’s Court, Chief Justice Godfrey Chidyausiku, vanoti pachiri nemukaha mukuru pakati pekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi panyaya dzezvigaro zvehushe.

“Tinofara zvikuru nekuti mitemo yave kutevedzwa, zvikuru munyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevarume nekuti tavewo nanamambokadzi vechidzimai vakadai saIshe Chimukoko asi pachine mukaha mukuru nekuti madzimai ane zvigaro zvakadai mashoma kwazvo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey