Jongwe otsvaga mari yendege

02 Nov, 2023 - 20:11 0 Views
Jongwe otsvaga mari yendege Stella Jongwe

Kwayedza

Abel Ndooka

SHANGWITI yemujaho wewiricheya ine mukurumbira – Stellah Jongwe – ari kutsvaga vakotsveri vanomubatsira kutenga tikiti rendege kuti aende kunokwikwidza kumujaho we42nd Oita International Wheelchair Marathon uyo uchaitirwa kuJapan nemusi wa19 Mbudzi.

Jongwe akashevedzwa kunokwikwidza kumujaho uyu nevarongi vemutambo uyu avo vakamugadzirira visa rekufambisa pamwe nekumubhadharira hotera yekuzogara kuJapan.

Maneja waJongwe – Humphrey Vambe – anoti chikwata chavo chiri kumhanya-mhanya kutsvaga rubatsiro rwekuti vawane mari yendege yekuti aende kuJapan kunokwikwidza kumujaho uyu.

Anoti mukana wakawaniswa Jongwe uyu mukuru chaizvo saka havasi kuda kuusiya uchidarika.

“Stella pari zvino ndiye musikana wechidiki ari kupisa munyika panyaya yekukwikwidza mumujaho wewiricheya. Saka tiri kumhanya-mhanya kuti tiwane mari yendege agoenda kuJapan uko akakokwa kunokwikwidza kumujaho mukuru we42nd Oita International Wheelchair Marathon 2023.

“Mujaho uyu Jongwe kubva kare aingoshuvira kuenda kunokwikwidza saka mukana waakapihwa uyu tinofanirwa kuushandisa arakidze pasi rese tarenda rake remutambo uyu,” anodaro.

Vambe anoti kana zvikafamba zvakanaka, vanoda kuti Jongwe ange asvika kuJapan nemusi wa15 Mbudzi.

“Shuviro yedu kana zvose zvikafamba zvakanaka, tinoda kuti Jongwe ange asvika kuJapan musi wa15 Mbudzi kuitira kuti ajairire nzvimbo iyi amboita gadziriro dzake dzemutambo uyu ariko ikoko. Izvi zvakakosha uye tinoona zvichizomubatsira kana nguva yekukwikwidza yasvika,” anodaro Vambe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey