Uncategorized

Kana ndanzwa kuda murume . . .

26 May, 2017 - 00:05 0 Views
Kana ndanzwa kuda murume . . .

Kwayedza

— ‘ndinotanangira hari’
— ‘Mushonga wandakapihwa namhamha’

Kingstone Mapupu —
“JUJU” kana kuti mushonga wekusimbisa musha unonzi wapandukira imwe mhuri yekuGokwe, izvo zvave kuita kuti mudzimai wepo ati kana akanzwa kuda murume, anotanangira hari ari musvo — otogutswa zvekuramba kurara nemurume wake.

Murume nemukadzi uyu vari kuzvitaurira voga kuti hari iyi ndiyo yatotora chinzvimbo chababa mumba mavo — muridzi wemukadzi achirara akaita “$ sign”.

Vari kuziva nezvenyaya iri kuitika mubhuku raMuzerengani, kwaNemangwe iyi vanoti hari inotanangirwa nemudzimai wechidiki uyu chikwambo kana kuti chidhoma, icho chave ndicho murume wake.

Mudzimai uyu ava kuti pose paanonzwa kuda murume, anotanangira hari asina kupfeka, izvo zvinobva zvamugutsa.

Pamusoro paizvozvo, mhuri iyi inoti iri kuona zvirume zvipfupi, zvine mazindebvu nemisoro michena.

VICTOR NEMANGWE

VaMangena Mahohona (29) nemudzimai wavo Alice Siyan’andu (35) ndivo vari kubuda pachena kuti vaoneswa ndondo netudhara tupfupi tuviri, twune ndebvu chena dziri refu nemisoro yachena imvi utwo twavanoona pamusha pavo — pachivanze nemudzimba husiku kana kuti kunze kwave kuedza.

VaMahohona — avo vane vana vashanu — vanoti zvose izvi zvakatanga pavakapihwa mushonga waiva kamudzi naambuya, amai vemudzimai wavo, vachinzi waiva wekutsigisa nekusimbisa musha.

Vanoti mudzi wemuti wavakapihwa uyu vakautyora-tyora ndokuucherera kumativi ose emusha wavo uri muplastic husiku.

VaMahohona vanoti vakazoshamisika mushure mekushandisa mushonga uyu apo mudzimai wavo akatanga kubatwa nemweya unoita semudzimu, asi usingade kuti arare navo.

MANGENA MAHOHONA

Ndipo pavanoti mudzimai wavo akatanga kuti kana akanzwa shungu dzebonde, ane hari yaakanzi nemweya uyu anofanirwa kutanangira ari musvo, chidakadaka chekuda murume chobva chapera.

Mai Siyan’andu vanotsinhira kuti vakapihwa mushonga wainzi ndewekutsigisa musha naamai vavo — vachibva vangosanduka hunhu hwavo.

“Amai vangu vakauya pano gore rakapera vaine mushonga wemudzi mutema, apo vakasvikotiudza — ini nemurume wangu — kuti waiva mushonga wekusimbisa nekudzikamisa musha wedu sevana vadiki. Takauisa mutupepa tweplastic tikacherera mativi ose mana emusha wedu izvo takaita pakati pehusiku,” anodaro mukadzi uyu.

Vaviri ava vanoti kubva ipapo, vana vavo vakatanga kuona zvirume zvipfupi zvine ndebvu chena neimvi mumisoro.

“Kunze kwekuona zvivanhu zvipfupi, ini ndakatanga kusema murume wangu uye mudzimu unonzi uri pandiri ndokutaura kuti haudi kuti ndirare nemurume wangu uyu, asi kupedzera nyota pahari. Ndakanzi ndinofanirwa kuti kana ndave kuda murume, ndinotanangira hari iyi yakashama, ndisina kupfeka chipfeko chemukati, izvo zvandiri kuita nanhasi uno ndichitogutsikana,” vanodaro Mai Siyan’andu.

Mudzimai uyu anoti paanotanangira hari iyi, hapana zvaanoona asi kuti anozongonzwa shungu dzekuda murume dzapera. “Hari iyi takangoitsvagawo mushure mekunge ndatanga ndichiita zvekurota ndichinzi hari ndiyo yava murume wangu. Zvadaro, takazofamba tikanzi dambudziko iri rinobva pamushonga watakapihwa naamai vangu,” vanodaro Mai Siyan’andu.

Mukadzi uyu anoti pose paanoedza kuda kufadza murume wake mumagumbeze, anobva arwara zvekupotsa afa.

“Dzimwe nguva ndinoti ndikada kungodanana nemurume wangu, ndinonzwa kuda kurutsa. Zvakare, ndinonzwa izwi ndakatosvinura rinonditi ndirambe murume uyu richiti, “Wako watakakupa ihari”.

“Ndakazoudzwa kuti ndakapihwa murume wechikwambo chinoita kuti ndisada murume wangu kuburikidza nemushonga watakacherera pamba pedu.”

VaMahohona vanoti vakamboshevedza imwe n’anga ikabvisa zvinhu pamusha pavo zvinosanganisira mudende waiva wakamonerwa machira matsvuku nematema nechuma zvichinzi chikwambo.

Mweya unosvika pamudzimai uyu unonzi wakazoudza murume uyu kuti anofanirwa kuroora mumwe mukadzi wechipiri.

“Ndakatozosvika pakutsvagirwa mumwe mukadzi wechipiri, Nomsa Vitori (25), uyo ndakagara naye ndikatobvisa pfuma yemari nembudzi asi tikazorambana ava kurambazve kusangana neni achiti ane zvinhu zvaanoona,” vanodaro VaMahohona.

Vanoti mweya unobuda pamudzimai wavo ndiwozve wakazotaura kuti mukadzi wechipiri uyu achienda zvake, izvo vakatevedzera.

VaMahohona vanoti vatezvara vavo havana chavanoziva pamusoro pemushonga wavakapihwa naambuya vavo uyo wakazovapandukira.

Zvakadai, vaviri ava vanoti vari kushandirwa nemamwe magodobori.

Mumiriri waMambo Nemangwe — vari zvakere gurukota ravo guru — VaVictor Nemangwe (34), vanoti VaMahohona nemudzimai wavo vakasvitsa nyaya yavo kudare ravo vachiti vatambudzwa nemushonga wavakapihwa.

“VaMahohona nemudzimai wavo vakasvika kudare vachipira nyaya yavo vachiti vanoda kubatsirwa kubvisa zvinhu zvinovatambudza izvi,” vanodaro.

VaNemangwe vanoti dare ramambo rine hurongwa hwekushevedza vabereki vaMai Siyan’andu kuti vazotsanangura mafambiro akaita nyaya yemushonga unonzi wakapihwa mukuwasha ukazopanduka uyu.

Kwayedza haina kukwanisa kutaura navatezvara naambuya vaVaMahohona uye nemudzimai wavo wechipiri wavanoti vakange vapihwa nemudzimu.

Asi Madzibaba Steven Mugariri (33) vechechi yeJohane Masowe Zambuko yekuChitungwiza vanoti VaMahohona nemudzimai wavo vanoda kubatsirwa nekukasika.

“Vanhu ava vanogona kufa vose nekuti vari kuramba kutevedzera mhiko dzezvidhoma saka vanoda kubatsirwa nekuchimbidza,” vanodaro madzibaba ava.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey