Uncategorized

Kana vanhu varasa chivimbo

01 May, 2020 - 00:05 0 Views

Kwayedza

naWedzerai Nhemachena
VANHU vakawanda vanokatyamara kwazvo kunzwa kuti ngana nanhingi vaive nehushamwari hwakakomba asi havachawadzana, kana kushanyirana kudzimba kwavo. Panonyanya kunetsa ndipapa pekuti ko mhuri dzedu zvadzanga dzave nehukama, hukama uhwu hwongogurwa here totomira kufambidzana nokuti baba kana amai vemusha havachafambidzana navo?

Mukomana nemusikana vaitoshairana hope unonzwazve kuti vakarambana. Baba nemwana vakachekana hukama. Mushandi nemushandirwi vanosiyana. Vekereke rimwe vanoparadzana, votanga mamwe makereke.

Vemapato ezvematongerwo enyika vaisiwadzana vanomukirana nekutanga mamwe mapato. Vamwe vanoramba kubhadhara kumakanzuru mvura, kutakurwa kwemarara, utano, nezvimwewo zvavanopihwa nemakanzuru. Vamwewo vanorasa ruvimbo nekambani isingagone kubata vatengi zvakanaka.

Vamwewo vanoshaya ruvimbo nezvinhu zvisingashande semari, zvipatara, zvikoro, makanzuru, migwagwa, magetsi, nemvura yekushandisa pamabasa nekudzimba.

Zvose izvi nezvimwe zvakawanda zvinoitika kana vanhu varasa ruvimbo pakati pavo.

Kana vanhu varasa ruvimbo pakati pavo, vanotanga kufungirana zvinhu zvakasiyana-siyana. Vamwe vanofungirana kuti vari kuda kuvatorera pfuma yavo, vamwewo vachifunga kuti vari kuda kuvatorera vadiwa vavo.

Ndizvowo vamwe vanofungirana kuti vari kuda kuvashandisira mishonga. Vamwewo ndivo vanofunga kuti vari kuda kuvashandisa mahara kumabasa vasingavape zvinovakwanira nemhuri dzavo, asi vakuru-vakuru vachiita zvekupfachura, pangave pamakambani kana makambani ehurumemde vasingaratidze rudo kune vashandi vanovaitira basa.

Vamwewo ndivo vanorasana pamusana pezvigaro zvikuru zvavanenge vachida asi votadza kana kutadziswa kuzviwana. Vamwe vanorasana nekushaya hanya nevamwe vavakabva navo kure muupenyu, vachingozvifunga ivo pachavo neve hukama hwavo chete pane zvose zvinopundutsa upenyu hwevanhu.

Vanhu vakazviona kuti ndizvo zvamuri kuita zvekupanana zvigaro pahukama hwenyu, munenge manyangira yaona, saka vanokusiyai kuti mupedze kuita zvekumba kwenyu mukambani yevaridzi mozoburitswa pachena huipi hwenyu.

CHENJEDZO:

Kuti vanhu vave nechivimbo matiri sevanhu, makambani kana mapazi ehurumende, ngatiite zvinhu pachena tichiratidza hanya nevatinoshanda navo, kwete kuita vamwe zvipanera chete tichizvifunga isu chete nevehukama hwedu. Ngatione zvakare kuti tiri kurerutsira vanhu here mukurarama kwavo tichizadzisa zvido zvavo kwete kungoita zvido zvedu setiri kushanda nevanhu vasina dzakakwana. Tikasaita zvinhu zvakajeka tinosara tega vamwe vaenda nokuti hapana chembwa.

 

 Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey