Katsi pagedhi ndiyani?

05 May, 2017 - 00:05 0 Views
Katsi pagedhi ndiyani?

Kwayedza

Abel Ndooka —
SVONDO rino mitambo yeCastle Larger Premier League iri kupinda muvhiki rechinomwe panguva iyo zvikwata zvizhinji zviri kurwira kuenda pamusoro pelog apo parizvino pakagarwa neHighlanders zvichitevera kukunda kwayakaita Ngezi Platinum 1-0 svondo radarika.

Svondo rapera, Kwayedza yakaita ongororo yekuona kuti ndezvipi zvikwata zviri kunwisa kudarika zvimwe apo Chicken Inn ndiyo yaitungamira asi yakazodarikwa neCAPS UNITED zvichitevera kukunda kwayakaita Chapungu 4-0.

Kepekepe kusvika parizvino yakwanisa kunwisa kapfumbamwe mumitambo mishanu.

Zvakadai, Kwayedza svondo rino yakaita ongororo yevatambi vepagedhi vari kubata bhora zvinonwiswa mvura ndokuona kuti pazvikwata zvose mubati weBlack Rhinos – Herbert Rusawo – ndiye anwiswa zvibodzwa zvishoma kana zvichienzaniswa nevamwe.

HERBERT RUSAWO

Rusawo akangonwisa mumutambo wekutanga weChauya Chipembere iyo ichangodzoka muPSL apo yakakundwa 1-0 neNgezi Platinum uye mumitambo yawo wakatevera yakahwina 1-0, ndokuzvambura Bantu Rovers 3-0 neChicken Inn 1-0.

Rusawo anoteverwa naTafadzwa Dube weYadah Stars FC uyo angonwiswa kaviri chete mumwaka wekutanga chikwata ichi chapindawo muPremier League.

Pakutanga, Yadah yaitonetsa kunwisa izvo zvakazoitika pamutambo wayo wechishanu apo yakaita mangange 1-1 neChapungu United uye ndokuzokundwa 1-0 neDynamos FC svondo radarika.

Yadah yakaita mangange 0-0 neHarare City, ikazokunda ZPC Kariba 1-0 ndokuita mangange zvakare 0-0 neTsholotsho FC uye ikazokunda Ngezi Platinum 1-0.

Vamwe vabati vepagedhi vari kurwira kunzi ikatsi dzepagedhi mwaka uno vanosanganisira Henry Mhari weFC Platinum uyo angonwisa katatu chete kusvika parizvino.

Kozoti Chicken Inn neHarare City ndizvo zvimwe zvine vabati vepagedhi vangonwiswa katatu chete vanoti Elvis Chipezeze wemaGamecocks naMaxwell Nyamupanedengu wemaSunshine City Boys.

Harare City iri kutatarika iri pasi pelog parizvino yakagara pech16 uye ine zvibodzwa zvitatu.

Chikwata ichi chakaita mangange mumitambo mitatu inoti neYadah Stars 0-0, neShabanie Mine 0-0 uye neBulawayo City 0-0 asi ndokukundwa miviri – neCAPS UNITED 2-1 kozoti neZPC Kariba 1-0.

City mwaka uno yangokwanisa kunwisa kamwe chete izvo zvinoreva kuti iri parumananzombe zvichitevera kubva kwakaita Ronald Chitiyo achienda kuCAPS UNITED.

Nekune rimwe divi, Bantu Rovers neChapungu United zvinofanirwa kushanda zvakasimba nevatambi vazvo vekumashure vabatsire vabati vepagedhi kuti vasanwiswe sezvavari kuitwa parizvino.

Bantu Rovers yanwiswa ka15 mumitambo mitanhatu uye ine chibodzwa chimwe chete.

Mubati wayo wepagedhi – Stephen Chimusoro – anofanirwa kukwidziridza masokisi ake kuti abatsire chikwata chake kana achida kuti chirambe chiri muPSL. Mumutambo mumwe chete, Chimusoro akanwiswa kashanu neChicken Inn.

Kozoti Chapungu United iyo yakasenga iri pasi pelog inofanirwa kushanda naRoy Mazingi kuti asarambe achinwiswa kuti iwane zvibodzwa.

Chikwata ichi chiri kutatarika zvakare kumberi sezvo changonwisa katatu chete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey