Uncategorized

‘Kubaiwa ndiko kuzvigona’

03 Feb, 2022 - 08:02 0 Views
‘Kubaiwa ndiko kuzvigona’

Kwayedza

Abel Ndooka

MUIMBI wechidiki uyo ari kusimukira – Dedicated “Kerrymore” Musasa – anoti remangwana revaimbi vakawanda raenda mudondo zvichitevera kunyuka kwakaita chirwere cheCovid-19 muna2020.

Achitaura ari kunyika yeSouth Africa uko kwaari kugara achiita zvemimhanzi, Musasa anoti sevaimbi, havachazive kuti remangwana ravo richafamba sei mune zvenziyo sezvo Covid-19 isingazivikanwe kuti ichazopera here uye rinhi.

“Takagariswa pasi sevaimbi neCovid-19 nekuti yakatidzosera kumashure zvikuru. Magitare ndiwo anoraramisa isu vakawanda zvino iye zvino hakuchina nekuti zvave kutyisa kuronga mashoo sezvo achikonzera kutapurirana kwedenda iri.

“Saka sevaimbi, tave kutofanirwa kupepuka totanga kuita mabhindauko anotiraramisa uye tisangogare tichichema nguva dzose,” anodaro Musasa.

Muimbi uyu – uyo anozivikanwa nenziyo dzinosanganisira Dariro, Rwendo Taurai Madzoka Reply, Mudzimai Wangu naRudo Saamai – anokurudzira veruzhinji kuti vatevedzere matanho ose akatarwa ekurwisa Covid-19 pamwe nekubaiwa nhomba.

“Ngatifarirei kunobaiwa majekiseni nehuwandu hwedu, chirongwa chekubaiwa ichi chakanakisa zvikuru uye ndicho chichabatsira kuti tidzokere kuupenyu hwedu hwekare hwatange takajaira.

“Asi kana vamwe vachiramba, basa rose rinoramba rakamira, hapana kwatinoenda,” anodaro Musasa.

Muimbi uyu muna2021 akaparura madambarefu matatu uye gore rino achange achibika mavhidhiyo enziyo dzake zhinji dziri pamadambarefu aya.

“Gore rino ndichange ndichishanda kunyanya kubika mavhidhiyo enziyo dziri pamadambarefu matatu andakaparura gore radarika.

“Mazuva ano kuti muimbi unyatsozivikanwa chaizvo, mavhidhiyo ndiwo ari kubatsira kusunda mhanzi yedu. Saka ndiri kubika mavhidhiyo ayo ndinoona kuti achandibatsira zvikuru,” anodaro Musasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey