Uncategorized

‘Kubatana kunoderedza hurombo’

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Abel Ndooka —
MUKURU weWorld Bank muZimbabwe, Mai Camille Nuamah, vanoti bhanga ravo rakazvipira kushanda nezvizvarwa zvemunyika muno mukutsvaga nzira dzekupedza hurombo nenzara.

Vachitaura muHarare svondo radarika apo paipihwa chidzidzo kune veruzhinji (public lecture) chaive nemusoro unoti, “Poverty” (hurombo) paWomen’s University in Africa, Mai Nuamah vanoti nyika zhinji – kusanganisira Zimbabwe – dzine vanhu vakawanda vari kurarama muhurombo saka zvakakosha kuti pave nezvirongwa zvinobatsira kurwisa matambudziko aya.

“Isu seWorld Bank takazvipira kubatana nemi zvizvarwa zvemuZimbabwe kuti tishande pamwe chete kupedza hurombo. Tine vanhu vakawanda vari kurarama muhurombo zvekuti dzimwe nguva vanogona kushaya chekudya saka zvakakosha kuti tirwise nyaya idzi nekubatana pamwe nekuvamba zvirongwa zvakasiyana,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Asi kubvira mumakore adarika, tiri kuona kuti hurombo huri kudzikira muZimbabwe pamwe nedzimwe nyika, asi zvichatora makore akawanda kuti hunyatsopera.”

Vachitaurawo pagungano iri, Vice-Chancellor veWUA, Professor Hope Cynthia Sadza, vanotsinhira mashoko Mai Nuamah vachiti zvakakosha kubatana nedonzvo rekurwisa hurombo munyika. Vanoti yunivhesiti yavo inofanirwa kudzidzisa zvakasimba zvirongwa zvinobatsira mukupedza hurombo.

“Munyika yedu takakomborerwa chaizvo nekuti tizere nezvicherwa zvakaita segoridhe, madhaimondi, platinum nemamiriro ekunze akanaka. Asi zvinoshamisa kuti sei vamwe vanhu vachitadza kuwana zvinhu zvinodiwa nemunhu kuti ararame zvakaita sechikafu, pekugara uye utano hwakanaka.

“Isu seWUA ibasa redu kuti tipe mhinduro dzakananga kupedza matambudziko aya izvo zvinozobatsira kuti mabasa avepo,” vanodaro Prof Sadza.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey