Uncategorized

Kuchanaya mvura yakawanda: msd

23 Feb, 2018 - 00:02 0 Views
Kuchanaya mvura yakawanda: msd Mai Munyonga

Kwayedza

BAZI rinoona nezvemamiriro ekunze, reMeteorological Services Department (MSD), riri kuyambira veruzhinji nezvemvura yakawanda iri kutarisirwa kunaya ichizokonzera mafashamu mune dzimwe nzvimbo dzenyika kusvika svondo rinouya. Mukuru anoona nezvemamiriro ekunze kuMSD, VaTich Zinyemba, vanoti mvura iri kutarisirwa kunaya zvikuru izvo zvinogona kukonzera mafashamu kune dzimwe nzvimbo dzenyika.

“Kubva musi weChipiri (svondo rino) kusvika musi wa26 Kukadzi kuchange kuine makore kuchidziya uye kuchinaya mvura yakasimba.

“Kunotarisirwa kuti nzizi dzichazara zvakanyanya, kunyange kunzvimbo dzinenge dzisina kunaya mvura vanhu vanofanirwa kuziva kuti nzizi dzinokwanisa kuzarira kumusoro.

“Mvura zhinji inonaya husiku nekudaro tinokurudzira kuti vanhu vangwarire apo vanosvika pamazamuko vachida kuyambuka munguva dzehusiku,” vanodaro VaZinyemba.

Vanoti mvura yakanaya zvakanyanya kumativi mana enyika mumazuva adarika izvo zvakaona ichidzika zvekusvika 300 mm kune dzimwe nzvimbo.

“Nzvimbo zhinji dzenyika dzakawana mvura yakaringana kusvika izvozvi,” vanodaro VaZinyemba.
Vanozivisawo bazi reCivil Protection Unit, vatungamiri vematunhu, mapurisa nemamwe mapazi kuti vagare vakagadzirira njodzi inogona kukonzerwa nemvura yemafashamu iyi.

Zvakadai, mvura iri kupinda mumadhamu emunyika iri kuramba ichiwanda sezvo mamwe achinzi akatozara kare.
Mukushi wemashoko kuZimbabwe National Water Authority, Mai Marjorie Munyonga, vanoti madhamu emunyika akazara nechikamu chiri pakati nepakati che68,9%.

“Dhamu reManyame rasvika pachikamu che92,1%, Gwayi 67,3%, Mazowe 90,4% neMzingwane iri pa84%,” vanodaro Mai Munyonga.

Vanoti madhamu anosanganisira Zhove, Mtshabezi, Nyambuya, Kushinga-Phikelela, Wenimbi, Rusape neSiya atozara zvekufashukira. – The Herald.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey