Uncategorized

Kudhakwa seshiri yakafira mumvura

23 Dec, 2016 - 00:12 0 Views

Kwayedza

URI kumhanyira kunonwa paKirisimasi kunge mombe yanga yafa nenyota yave kusvika parukova. Mombe yanga yafa nenyota inosvikopinda mumvura yotanga kunwa seichasiya rukova rwapwa.Iwe Kirisimasi yako iri kupi? Ko zvino kana ukaita yekumhanyira kudaro, asi unotya kuti vamwe vachakupedzera here? Dzikama mudikani, Kirisimasi inguva yekupemberera, asi haisi nguva yekumberereka nekurembera nekudhakwa.

Tiri panyaya yekudhakwa ipapa, unogona kunge uchiti Kirisimasi yegore rino yakadhakwa nekuda kwezvikonzero zvakawanda. Asi kupinda muzama nebhiro isinganyore hazvireve kuti zama rakadhakwa, asi iwe ndiwe unenge wakadhakwa. Kushaya kwako mari, kana kuomerwa nehupenyu hakutadzise Kirisimasi. Dambudziko riripo nderekuti vazhinji venyu munoda kuti Kirisimasi ive zvamunoda kuti ive, kwete zvainoreva. Kune vari kuronga kudhakwa zvekusara vati mvirinyinyi kunge shiri yakafira mumvura. Kune vari kuronga kudya mari zvekuti kana VaMangundya kuRBZ vanotsikitsira vakabata kumeso. Variko vari kuronga kufara zvekurasa hembe, njere nehunhu. Vamwe vari kuda kunoyedzerwa vari kwaJah Prayzah vachingoti mudhara achauya kusvikira vashoshoma mudhara wacho asina kuuya.

Asi chikonzero cheKirisimasi chii? Kudya nekudhakwa here? Makeke nehembe dzakanaka here? Chiiko chiri muKirisimasi? Segore rino Kirisimasi yakapenga nekuti iriko musi weSvondo, asi kuenda kuchechi kuchaitwa nevashoma nekuti mafaro angazowana nguva shoma. Vamwe ndivo vachaenda kuchechi kunoti ameni, vobva vakurumidza kubvako sekunonzi vari kutiza Ebola. Asi pamuri kudzungaira nekuda kwezuva iri, ndinoti musakanganwe kuti izuva rekurangarira kuzvarwa kwaJesu semuponesi wedu. Ko iwe unoti Kirisimasi chii?

Ndinodawo kuti kana uchidya nekuzofara paKirisimasi, usiye kanzvimbo kekurangarira Jesu. Ipapo pauri kuti vamwe vari kuhurangarira hwahwa iwe uchihuranga, Jesu ari kuda kuti umupindurewo kuti chii kwauri? Hakasi kekutanga kuti Jesu ade kuziva kuti tinomuziva kuti ndiye ani. Akambobvunza vadzidzi vake mubvunzo iwoyu kuti, “Vanhu vanoti Mwanakomana womunhu ndiani?” Vakamupindura vachiti vamwe vanoti ndiJohani Mubhabhatidzi, vamwe vachiti ndiEriya, uyewo vamwe vaifunga kuti ndiJeremiya kana mumwe wemaporofita.

Zvaifadza kuti Jesu aenzaniswe nemamwe maporofita ane mukurumbira aya, asi Jesu akanga asiri kutsvaga kupembedzwa. Kana nanhasi panguva dzino dzeKirisimasi, Jesu haasi kutsvaga kupembedzwa nekupembererwa. Ari kutsvaga kuti munoziva nekunzwisisa kuti ndiye ani here? Ndizvo zvakaita kuti Jesu abvunze mumwe mubvunzo zvakare wekuti, “Ko imi munoti ini ndini ani?”

Muchamuti kudii? Muchamuti here, “Jesu ndiwe mudhara watanga takamirira tichiimba kuti, ‘Mudhara achauya?’” Muchamuudza here kuti Jesu ndiwe chikonzero chandakanwira doro kusvikira ndasvikirwa? Ino inguva yekufara, asi kufara kwedu ngakurege kubuda mumuforo. Ngatifarire Kirisimasi tichiziva kuti Jesu ari kutikwenya kuti ticheuke. Ari kuti timuzive, iye nerudo rwake. Saka ndizvo zviri kuita kuti abvunze kuti, “Ko imi munoti ini ndini ani?” Kirisimasi inguva yaKristu. Bhaibheri harivanze kuti isu vanhu hatisisiri vana vaMwari. Nekuda kwezvatiri, tave vana vaSatani nemhandu dzaMwari. Hakuna munhu anoponeswa nekungofunga nezvaJesu naMwari, Kirisimasi nemakeke nekupa zvipo, kana kungoita munhu akanaka. Tese tiri munzira yekuenda kuGehena, kunze kwekunge tazvarwa patsva kubudikidza neshoko raMwari pamwe chete neMweya waMwari. Pamuri kuuraya huku, mombe, mbudzi zvekudya paKirisimasi, munamato wangu ndewekuti nemiwo murege kuurayiwa naSatani nedoro nekurwa, nekurasika.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey