Uncategorized

Kudzimba hakuchina chakanaka – Padare

07 Feb, 2021 - 09:02 0 Views
Kudzimba hakuchina  chakanaka – Padare VaPaul Vingi

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rinorwira kodzero dzevanhurume nevanhukadzi, rePadare/Enkudleni Men’s Forum on Gender, rinoti riri kushanda nemapoka anosanganisira vaimbi nevanoita zvemadhirama mukurwisa nyaya dzemhirizhonga mudzimba zvichitevera kuwanda kwadziri kuita nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Muhurukuro, VaPaul Vingi – avo vanova programs officer wesangano iri – vanoti mudzimba zhinji hamusisina rugare nekuda kwechirongwa chekurwisa kupararira Covid-19 (lockdown) sezvo vanhu vakawanda vasiri kuenda kumabasa uye vagere kudzimba pamwe chete nemhuri.

“Kubva palockdown yekutanga apo veruzhinji vaikurudzirwa kuti vagare kudzimba, nyaya dzekushungurudzana mudzimba dzakatanga kuwandawo. Mudzimba zhinji iye zvino hamuna rugare nekuti vanhu vave kurarama upenyu uho vasina kumbojaira zvekuti baba nemhuri yavo vave kuswera vose,” vanodaro.

VaVingi vanoenderera mberi vachiti, “Vamwe vakarasikirwa nemabasa avo naizvozvo upenyu hwavaive vajaira hwakabva hwasanduka.

“Munoziva pamba kana mange majaira tunonaka kana twave kusauya mitauro inotanga. Saka vanababa pakadai vanenge vave kuudzwa nemadzimai avo mashoko akafanana nekuti uri baba akaita sei asingagone kutsvagira mhuri yake chekudya.”

Vanoti sangano ravo riri kushanda nemapoka anosanganisira vaimbi nevanoita zvemadhirama apo vari kutenderera munharaunda dzakasiyana vachipakura mashoko ari pamusoro pekuipa kwemhirizhonga mudzimba.

“Tiri kushanda nemasangano, vaimbi nenyanzvi dzemadhirama mukukurudzira veruzhinji kuti vasaite mhirizhonga uye vagarisane zvakanaka mudzimba. Vaimbi nevanoita zvemadhirama vanhu vanoteverwa neveruzhinji saka tikashanda navo zvakanaka ndinovimba kuti zvinotibatsira kuti shoko redu ratiri kufamba naro risvike kune veruzhinji,” vanodaro VaVingi.

Vanoti vanhurume vakawanda vari kushungurudzwa mudzimba nemadzimai avo asi vanonyara kubuda pachena nekuda kwezvikonzero zvinosanganisira kunyara kusekwa maringe netsika nemagariro.

“Kune vanhurume vakawanda vari kushungurudzwa asi nekuda kwenyadzi, vazhinji vanongofa chinyararire, havazvitaure nekuti vanenge vachitya kusekwa kunzi anorohwa nemukadzi kana kuti ari kushungurudzwa nemudzimai wake.

“Asi isu tiri kuti handizvo, munhu kana asangana nedambudziko ngaamhanye kunomhan’ara dambudziko rake kwete kuti anokuvarira mukati nekuti ndipo paye munhu anozosvika pakutora upenyu hwake nenzira dzakasiyana,”

Vanoti mayarukiro anoitwa nevanhurume apo vanonzi vanofanirwa kuonekwa sevanhu vane hushingi ndizvo zvimwe zvinoita kuti vasamhan’are kana vachishungurudzwa nemadzimai.

“Ichi ndicho chimwe chikonzero tichiona vamwe vanhurume vachitora upenyu hwavo nekuti vanenge vachingokuvarira mukati vasina vekuudza matambudziko avanenge vachisangana nawo,” vanodaro VaVingi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey