Uncategorized

Kudzivirira tsaona nemota iri kubva kwauri kuenda

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Ernest Muchena
TSAONA nemotokari iri kubva kwauri kuenda itsaona huru kwazvo. Kazhinji panofiwa, midziyo yemotokari inoparara uye vamwe vanokuvara zvakaipisisa.Tinofanirwa kugara takagadzirira kudzivirira tsaona iyoyi.

Mutemo wemumugwagwa:

MuZimbabwe motokari dzinonzi dzifambire kudivi reruboshwe. Pakati pemugwagwa panenge paine mutsara wekuratidza kurudyi nekuruboshwe.

Mutsara iwoyo unogona kunge wakanyorwa uri muchena-chena kana kuti usina kunyorwa asi vatyairi vanozviziva kuti pakati ndeapa (imaginary centre line).

Vanotoziva vega kuti kwangu ndeuku, kwavamwe ndeuku.

Hakuna motokari inodarika mutsara wepakati iwoyo pasina chikonzero chakakwana. Mutsara iwoyo unoyambukwa kana tichibuda mumugwagwa kuenda kurudyi, tichipinda mumugwagwa kunanga kuruboshwe kana paya pakupindira kungaitwe mota iri mberi (overtaking).

Izvi zvinongoitwa kana kusina mota iri kurudyi kwako uye kana mutemo uchibvumidza. Vatyairi vakakwenenzverwa vanoziva panorambidzwa nemutemo kuchirika mutsara wepakati.

Dai mutyairi wega-wega achitevedzera zvatareva pamusoro, ha-a hapana musi wataizodonhedza misodzi tichichema kuti zvauya sei.

Tsaona inouya sei?

Tsaona iyi inouya mushure mekunge mota imwe iri kupesana neimwe kana kuti mota mbiri dziri kupesana dzaenda kudivi reumwe dzozorovana.

Chinosuwisa ndechekuti hadzigumire pakurovana chete. Nekuda kwekuti dzinenge dzichimhanya uye panozoita kakuedza kunzvengana kuti dzisagumhane huma dzakanangana.

Dzinorovana dzopidiguka kana kutenderera dzotarisa kwadzabva kana kuwira mugoronga.

Mumwe mutyairi angauye sei kwauri? Mumwe mutyairi anogona kuuya kwauri nezvikonzero zvakati kuti. Akaita dambudziko kudivi rake anogona kuwana zano rekuuya kurudyi kwake. Asika zano iroro rinova dambudziko rako. Anokwanisa kuuya kudivi rako aona pari kugadzirwa mumugwagwa, aona mufambi wetsoka kana mutasvi webhizautare, aona imwe mota yopinda mumugwagwa mugwara rake kana chimwewo chingamutadzise kupfuura zvakanaka ochinzvenga.

Chimwe chingaitike ndechekuti mutyairi anogona kutyaira zvisina hanya. Anokwanisa zvakare kuuya kudivi nemakonero anoitwa nemota hombe. Dzimwewo nguva mota iri kupindira imwe inokwanisa kusazopedza izvozvo isati yasangana newe moita mahweke.

Mukupinda makamonyoroka (curves) pane kakukwevewa kanoitwa motokari iri kumhanya nemhepo ine simba zvinoita kuti auye ikoko kwauri mobonderana (centrifugal force).

Kudzivirira tsaona iyi:

Chekutanga mutyairi ngaatarise zvose zviri kuitika pamugwagwa paari, zvese nekumberi-mberi. Ngaagare akabudisa ziso kutsvaka kese kangavhiringidze mutyairi ari kubva kwauri kuenda.

Dambudziko ringamuwana rinogona kutozopedzisira rave dambudziko rako iwewe.

Chechipiri tyaira uri kuruboshwe chaiko-iko. Usatambire pedyo nemutsara uya wepakati.

Kana paine mareni maviri ari kuenda kumwe chete iwe shandisa rekuruboshwe kazhinji-kazhinji sezvo richikuisa kure nemutsara wepakati.

Hazvireve kuti hatipindi mureni remukati – tinongochingwarira vatinopesana navo.

Chechitatu, dzora mamhanyiro ako, pomhodza mota. Kana ukaona wanangwa neimwe mota iwe dzikisa mamhanyiro mota yodzikama. Bwairisa magetsi ako kuti zvimwe angakuone. Ridza bhera rako pada angapatike, zvichida avarairwa kana kuti avata.

Chechina, iwe kana zvichibvira ibva wabuda kuenda kuruboshwe chaiko. Kana pakanaka buda mumugwagwa zvachose. Zviri nani kuenda pakagwenzi pane kurovana nemota. Asiwo hautarisirwe kunowira murwizi kana kudonha pazambuko. Tati kana kwakanaka tiza uchengetedze hupenyu hwako nehwevamwe vazhinji.

Mhedziso:

Tsaona dzinoitika nemota dziri kubva kwakasiyana itsaona dzinodziviririka. Tiri kukurudzira ani nani zvake anotyaira mota kuti apinde mukosi yeDefensive Driving pamahofisi edu ari mumaguta nemadhorobha ane chitsama. Mukaunganidzana ivo ndivo vanouya kwenyu ikoko dzidzo yoenderera mberi.

  • Ernest Muchena ndimazvikokota wekudzidzisa kudzivirira tsaona pamugwagwa ari zvakare mutauriri weTSCZ. Pamusoro pezvo, ndiProduct Development and Marketing Manager uye anokwanisa kubatika panhamba dzinoti 0772 110 898, WhatsApp 0716 000 507 kana padandemutande rinoti [email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey