Uncategorized

Kugona ngozi huiripa

10 Apr, 2020 - 00:04 0 Views

Kwayedza

MAZUVA ano kashoma kunzwa kuti mwana arwara negwirikwiti. Izvi hazvireve kuti hakusisina gwirikwiti. Gwirikwiti richiripo asi kugona gwirikwiti kutanga kupa hutachiona hwegwirikwiti kumwana asati arwara. Kana razouya kumwana richawana verudzi rwaro vakarimirira. Zvino ndekupi kwaungarwise werudzi rwako. Ndizvo zvimwe chetewo kana mbavha dzanetsa munharaunda, kuti mugone kudzibata kutoshandisa dzimwe mbavha dzinoziva maitiro evamwe vadzo. Aya ndiwo maripirwo engozi zvakare. Ndingaenderere mberi ndichipa mimwe mienzaniso inotaurwa nehungwaru hwatakasiirwa nemadzitateguru edu asi isu tikatadza kuhushandisa zvakazara. Zvizhinji tichakurukura zvizere pamatare anotevera.

Kana munhu aponda munhu, munhu uyu apara mhosva huru chaizvo inonetsa kuregerera. Munguva yapfuura kwainzi kana wauraya munhu newewo waitongerwawo rufu. Mazuva ano zvashanduka hazvo. Asi kanapo mhondi iyi yaregererwa nematare edzimhosva, handiro dare rega rinoona nezvenyaya yakakura kudai. Kune mamwe matare atisingaone nameso edu, matare ane ruenzaniso.

Regai nditange ndataura huipi hwekuponda. Chekutanga ndechekuti nyakupondwa adimurirwa upenyu hwake hwaaifanira kurarama zvakazara. Angadai aine mhuri yake inofanira kuriritirwa naye. Zvino mhuri yake yasara isina anoiriritira.

Chepiri nyakupondwa anogona kunge aishandira kambani, zvoreva kuti kambani yarasikirwa nehunyanzvi hwepundutso. Chetatu munhu wose anotarisirwa kushandira hurumende yenyika yake, kureva kuti hurumende yarasikirwa zvakare nekusimudzira nyika kwaiitwa nanyakupondwa.

Chechina, mukurarama kwevanhu, tinoita hukama hwakawanda nevatinosangana navo, saka vanhu vose ivava vanenge varwadziswa.

Cheshanu, ngozi inoparadza musha, kambani kana nyika zvekusiya ave matongo chaiwo.

Kanapo matare edzimhosva aregerera mhondi, mamwe matare anopindirawo kupa ruenzaniso. Tinonzwa kazhinji kuti ngozi inoripwa nemunhu anonotsiva nyakupondwa. Munhu uyu anotobva kumhuri yanyakuponda.

Kana ari munhurume apondwa, kwanyakuponda kunobva mwanasikana asati aroorwa. Mwanasikana uyu anopihwa murume wekwanyakupondwa pasina pfuma yaenda kumusha kwake. Anozobva kumurume wake wengozi chete kana azvara mwanakomana achasimudzira rudzi rwuya rwakambodimurwa nehama yavo.  Apa zvinoreva kuti ngozi inoregera kurwisa nyakuponda nevehukama hwake kana vabvuma kutaurirana kunozosvitsa mwanasikana aende kunoripira ngozi yakaparwa nehama yake. Ngozi inogadzikana chete kana kwava nemwanakomana mumhuri yanyakupondwa anotsiva uya akapondwa. Kana zvadai, pava nehukama pakati pemhuri yanyakupondwa nanyakuponda. Ngozi haichakwanisa kurwisa wekwayo auya nemwanasikana.

Asi ngatibvai tayeuchidzana kuti igaroziva kuti mitemo yavako zvino haitombotenderi kuti mwanasikana kana mwanakomana anoripiswa ngozi – kuita kwakadai imhosva huru. Vanhu ngavaripisane ngozi nezvimwe, kwete nemwana.

CHENJEDZO:

Ngozi haitizike kuti ndoenda Joni kana mhiri kwemakungwa. Inokudzosa kumusha yoga pasina rubatsiro rwemapurisa. Mhuri yanyakuponda inopinda shishi yekutsvaga kuti vanoda kuripwa tovawanirepi. Ngozi inobata nekurwadzisa avo verudzi rwanyakuponda. Izvi zvinoreva kuti inotevedza ropa ranyakuponda (DNA). Nengozi munosvitsana kwa”Mvurayachekamakumbo”, muri mose kudzamara mabvuma kuti serudzi takatadzira rumwe rudzi. Izvi hazvinei kuti ngozi yakaparwa nemadzitateguru. Nokudaro, ngozi inobata musha, kambani kana nyika. Tose ngatishandei kudzivirira ngozi mumisha yedu, mumakambani edu nemunyika yedu.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies). Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey