Kupedza AIDS nekushamwaridzana

19 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
Kupedza AIDS nekushamwaridzana

Kwayedza

Tadiwa Nyatanga

SANGANO reNational AIDS Council (NAC) rakavamba zvirongwa zvakasiyana-siyana zvakanangana nekuderedza kuparadzirwa kwehutachiona hweHIV.

Zvirongwa zvizhinji izvi zvakanangana nevasikana vabve zera nemadzimai echidiki.
Zvakazoonekwa kuti vanhu vechirume vakanga vasina mukanawo wekuwana dzidziso yekuderedza kupararira kwehutachiona naizvozvo zvimwe zvirongwa zvakamirira kudzidzisa vanhurume.
Chirongwa cheBrotha2Brotha (B2B) ndicho chimwe chezvirongwa izvi uye muchirongwa ichi kunoumbwa zvikwata zvevarume zvekuti vadzidzisane nekuvakana, kunyanya vane mukana wakakura wekubatira hutachiona hweHIV vemazera kubva pamakore 10 kusvika 24 okuberekwa.

Chirongwa ichi chakanangana nemunharaunda dzinogara vanhu uye chinoitwa kupfurikidza nemitambo.

Kupfurikidza nemitambo yakasiyana-siyana, vakomana vechidiki vanopinda muzvikwata zvemitambo.
Zvikwata izvi zvinoumbwa nekutsvagwa kunoitwa vakomana mudzimba vachipinzwa muzvikwata zvemitambo uye panowanikwa rubatsiro kubva kumakiriniki kana zvikoro. Zvikwata izvi zvinopa ruzivo maringe nezvehutano hwepabonde nekugadzirwa kwemhuri uye nzira dzekuva nehutano hwakanaka. Tsvagurudzo inoratidza kuti mitambo inzira inosanganisa vanhu kubva muzvitendero, nekumarudzi akasiyana-siyana uye ndiyo nzira zvakare iri nyore kubatanidza vanhu. Zvikwata zvemitambo izvi zvinoshanda semuzinda unobva ruzivo rwezvehutano rwakakosha kuvanakomana uye zvinobatsira kupa ruzivo vanakomana kwekuwana rubatsiro maererano nezvehutano hwevabva zera pamwe chete nezvehutano hwepabonde.

Zvidzidzo zveB2B zvinoitirwa mumahoro emunharaunda nenhandare dzenhabvu, pakati pedzimwe nzvimbo dzinoita kuitira izvi. Dzidziso iyi yevanhu vemazera mamwe chete yakaonekwa senzira yakasimba yekukurudzira kuti vanhurume vave nehunhu hwakanaka uye inzira yekukurudzira kuti vatore matanho ehutano akanaka akafanana nekuchecheudzwa, kuongororwa hutachiona hweHIV, kushandiswa kwemakondomu, kuderedza vekusangana navo pabonde nekuderedza mhirizhonga pakati pemadzimai nevarume, kuderedza kuroora kana kuroorwa kwevasati vabva zera munharaunda dzavagere.

Chirongwa cheB2B chakamirira kuraira vanakomana kuti vazoita vanababa vane hunhu hwakanaka.
Chakanangana zvakare nekupa ruzivo rwune chekuita nekuronga mhuri uye nyaya dzemhirizhonga pakati pemadzimai nevanhurume zvinozoita kuti vave nesarudzo inovachengetedza pahutano hwavo.
Chimwe chinangwa chechirongwa ichi kuvandudza nzira dzekuti varume vatsvage nadzo rubatsiro maringe nehutano hwavo.

Zvakaongororwa zvikaonekwa kuti kazhinji vanhurume havawanzoshanyira zvipatara kana nzvimbo dzezvehutano kunze kwekuti kana vave kurwara.
Muchirongwa ichi, vanodzidziswa kushanyira zvipatara zviri pedyo navo panguva yavanenge vafungira kuti pane chiri kuvanetsa pahutano hwavo.
District AIDS Coordinator kuNAC, VaLenin Koro, vakataura nezvechirongwa ichi vachiti, “Chirongwa ichi chasimudzira nekupa vanhurume vechidiki nevakomana maringe nezvinobata hupenyu hwavo. Umbowo hunoratidza kuti vanasikana vari panjodzi yakakurisa kudarika vanakomana asi kupfurikidza nechirongwa ichi, chakanangana nevanakomana nevanhurume vechidiki tinokwanisa kupedza denda reAIDS mugore ra2030.”

Obedience Bungira, anova mudzidzisi muchirongwa cheB2B, anoti mamwe matambudziko makuru aanosangana nawo ndeekutorwa kwezvinodhaka zvinokanganisa vanakomana nevanhurume vechidiki pakutora matanho akakosha muhupenyu hwavo. Izvi zvinozoita kuti vapedzisira vaita zvepabonde zvinovaisa panjodzi uye kupara mhosva dzakasiyana-siyana.

“Vanakomana nevanhurume vechidiki vazhinji vanopedzisira vaita zvepabonde nevanhukadzi vanodarika mumwe chete. Vakomana vazhinji vanoziva kuti kondomu chii asi havazivi kuti sei vachifanira kurishandisa uye kuti rinoshandiswa zvakanaka sei. Tinovadzidzisa nzira dzakanaka dzekumashandisa kana vafunga kuita zvepabonde. Ndinotenda NAC nekuuya nechirongwa ichi icho chinoita kuti tikwanise kumira munharaunda sevanhu vanopa ruzivo kwete vadzidzisi. Izvi zvinoita kuti tibatane nevatinopa ruzivo zviri nyore,” anodaro Bungira.

Chirongwa ichi chiri kubatsirawo zvakare kudzosa kuchikoro vamwe vakanga vamboramba zvikoro, kudzora vanorova madzimai pamwe chete nekurega kutora zvinodhaka.

Pari zvino, chiri kuitwa kuMashonaland West, Harare, Mashonaland East, Manicaland neMatabeleland South. Chinangwa ndechekuchiparadzira kumatunhu ese munyika kana pava nezvikwanisiro.
Pari kutarisirwa zvakare kuti panopera chirongwa chimwe nechimwe, panofanirwa kuva nekuderera kwekupararaira kweHIV, zvirwere zvepabonde uye mhirizhonga kumadzimai kuvanhurume nevakomana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey