‘Kupedza rusarura ngakutangire kumba’

29 Aug, 2022 - 18:08 0 Views
‘Kupedza rusarura ngakutangire kumba’ Dr Nyoni

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

GURUKOTA rinoona nenyaya dzevanhukadzi, nharaunda uye kusimudzirwa kwemabhizimusi madiki neari pakati nepakati – Cde Sithembiso Nyoni – vanoti kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume kunofanirwa kutangira kudzimba apo mhuri dzinobatsirana mabasa ose pasina rusarura.

Vakataura mashoko aya pamhemberero dzekusvitsa makore 30 kubva pavambwa sangano rinosimudzira mabasa ebudiriro munharaunda dzakatsaukana reCare International Zimbabwe muHarare svondo rapera.

“Nyaya dzekuenzaniswa kwemikana pakati pevanhukadzi nevanhurume dziri kuramba dzichimutsa gakava guru apo masangano mazhinji ari kunyanya kutarisa vanhukadzi asi vanhurume vari kusiiwa muzvirongwa zvakasiyana. Hatingakwanisi kurwisa mhirizhonga nenzara kana tichine mweya werusarura.

“Ibasa redu sebazi reHurumende kuti tisimudzirire upenyu hwemadzimai nevanasikana asi tisingasiyi vanakomana nevarume muzvirongwa zvose zvine chekuita nebudiriro,” vanodaro.

Cde Nyoni vanotenda Care International nekutsigira kwairi kuita vanhu vari munharaunda dzakasiyana, zvikuru vekumaruwa apo inovabatsira nechikafu munguva dzenzara.

“Sangano reCare International rinopindira kuburikidza nekucherera vanhu zvibhorani kuti vawane mvura, kuvaka madhamu, kuwanisa veruzhinji chikafu uye bota rekusimudzira utano hwevana kumatunhu anenge ari kutambudzwa nenzara.

Kubvira mumakore gumi adarika, sangano iri harina kumbozorora mukupa veruzhinji rubatsiro. Zvirongwa zvakadai zvinobatsira mukuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevarume. Mudzimba mune nzara munoita mhirizhonga yakanyanya,” vanodaro.

VaPatrick Sikana vanova country director weCare International vanoti sangano ravo richaramba richitsigirana nevagari vekumaruwa nemumaguta kuti vawane chouviri.

“Zvinongoda mushandirapamwe kuti tikwanise kurwisa nzara nehurombo munyika. Tave nemakore mazhinji tichishanda nevanhu munharaunda dzakasiyana uye ticharamba tichiita izvi kuti vave neraramo yakanaka, vachiwana kudya kune utano nekuzvishandira ivo pachavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey