‘Kupfuya huku kune mari’

04 Dec, 2023 - 17:12 0 Views
‘Kupfuya huku kune mari’ VaAnesu Marova naMai Linda Matiyenga vachiratidza dzimwe mhando dzehuku dzavari kupfuya. - Mifananidzo naMemory Mangomb

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARIMI vari kukurudzirwa kutora kupfuya huku sebhizimusi guru rinokwanisa kuvararamisa nemhuri dzavo uye nekubatsira kuti nyika iwane nyama inokwanirana izvo zvakakosha munyaya dzekusimudzira utano hweruzhinji.

Kurudziro iyi yakaitwa naVaAnesu Marova (26), avo vakavamba kambani yekupfuya huku yeUsena Solutions Organic and Maggot Farming, vachibatsirana naambuya vavo, Mai Linda Matiyenga (40), mugore ra2016.

VaMarova, avo vakaita zvidzidzo zvekurima paGwebi Agricultural College, vanoti vanodzidzisawo kurima pachishandiswa manyowa emombe, madororo ehuku kana mupfudze, kupfuya hove nezvimwe.

“Kambani iyi takaitanga naambuya vangu Linda Matiyenga. Takatanga tichipfuya mabroilers ndokuzopinda muhuku dzechivanhu dzemaroad runners. Zvakadai, tava kupfuya huku dzembeu chete idzo tinonyanya kutengesa hukwana dzichangochechenywa dziine zuva rimwe chete apo tinoendesa mazai kumahatchery,” vanodaro VaMarova.

Mhando dzehuku dzechivanhu dzavanouchika dzinosanganisira Jubilee Orpington, Splash Orpington, Lavender Orpington, Black Australorp, Brahma, Light Columbian Brahma, Brahma Orpington, Blue Orpington, Buff Columbian Brahma, Ayam Cemani neKoeKoe.

“Huku dzose idzi dzinosanganisira majongwe acho nesheshe dzinova dzembeu chete kunyangwe kuine vamwewo vanhu vanoda kuzodziita dzenyama. Huku dzedu dzinokura kubva pamakgs mashanu kusvika manomwe kumajongwe. Kuchitiwo sheshe dzinobvira pamakgs 3,8 kusvika pamakgs 5.

“Mhando dzehuku dzinodhura kudarika dzimwe dzose iAyam Cemani iyo ine makgs mashoma kune dzose,” vanodaro.

Huku dzinokandira mazai akawanda vanoti iBlack Australorp idzo dzinokandira mazai 300 pagore pahuku imwe chete.

“Kuchitiwo Orpington inokandira mazai 200 pagore, Ayam Cemani iyo inobva kuIndonesia inokandira mazai 80 pagore rose. Saka vanoda hukwana dzehuku idzi dzose vanotouya vobhadhara mari vomirira panochechenywa hukwana,” vanodaro VaMarova.

Mhando dzehuku dzeBlack Australorp dzakabva kuAustralia, Brahma yakabva kuAsia uyewo Orpington ikabva kuEngland.

“Isu basa redu ndere kuuchika huku, inokurumidza kukura iBrahma iyo inokwanisa kurema 2,8 kgs mumasvondo gumi nemaviri,” vanodaro VaMarova.

Huku dzavo hombe dzine mutengo wakaderera dzinotangira paUS$80 imwe chete zvichikwira.

“Inodhura zvakanyanya iAyam Cemani inoita US$300 pahuku.”

VaMarova vanoti havana kana pfungwa yekutsvaga basa sezvo pamwedzi vachiwana mari iri pakati peUS$1 500 neUS$2 000 kubva mubhindauko ravo iri.

“Patinoitira basa redu kuno kumba kuWarren Park hapachakwana, dai taiwanawo munda wakatambanuka mahekita mashanu zvichienda mberi apo tinovaka matanga nekurimawo chibage nemaringazuva nezvimwewo zvirimwa. Kubva mubasa redu, tinobatsirawo vechidiki nekuvapa hukwana kuti vagone kutangawo bhindauko iri,” vanodaro VaMarova.

Vanoti pari zvino vane sheshe 33 nemajongwe 11.

“Hatisi kugona kuwanisa vanhu hukwana dzavari kuda,” vanodaro.

Mai Matiyenga vanoti nekuda kwekushaya nzvimbo yakatambanuka, vava kuendesa dzimwe huku kumusha kwavo kwaChihota.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey