Kuripwa kwaMapingure kunopembedzwa!

18 Dec, 2015 - 00:12 0 Views

Kwayedza

MUMWEDZI waMbudzi, mutongo wataive takamirira wakaturwa nedare reHigh Court. Huwandu hwemuripo waifanira kupihwa kuna Mildred Mapingure hwakatambirwa zvakasiyana, zvikuru nemadzimai nemasangano anorwira kodzero dzemadzimai. Vamwe vakafadzwa nazvo, vamwe vakafunga kuti chaive chiseko zvacho sezvo vakange vasingachazive kuti zvii chaizvo zvaifanira kupihwa kunaMapingure semuripo wake wekukanganisirwa kwaakaitwa.

Nyaya iyi yakaramba ichitenderera kubvira muna 2006 ikazopera mushure memakore mapfumbamwe apo vebazi rezveutano nebazi rinoona nezvinoitika mukati menyika vakanzi vange vachibhadhara US$6 500 semuripo wekurwadziwa uye kushungurudzika kwakaita Mapingure nekuda kwepamuviri paakaita asina taririso mushure mekubatwa chibharo nembavha dzakapaza musha wake nomusi wa4 Kubvumbi 2006 kuChegutu.

Nemuchidimbu nyaya iyi yakamira seizvi. Mildred Mapingure akabatwa chibharo kumba kwake nevanhu vakamubira. Muzuva rakatevera mudzimai uyu akaenda kunomhan’ara kumapurisa ari pedyo. Akakumbira kuti ange achinorapwa achibva azoendeswa kuchipatara mushure mekuswedzwa zuva rose akagara achimirira kuti vekuchikamu cheVictim Friendly Unit vamubatsire avo vainzi vakange vasipo.

Paakasvika kuchipatara, akasvikorapwa gumbo rake raainge akuvara nachiremba achiti aikwanisa bedzi kupa mudzimai uyu mushonga wekudzivirira zvirwere kana kubata pamuviri kana pachinge paine mupurisa.

Mapingure akaramba achifambira nyaya yake yekuti ange achirapwa kumapurisa asi zvichiramba kusvika maawa72 anofanirwa kunge munhu achirapwa adarika.
Panguva iyi, aifanira kudzivirirwa kubva kuzvirwere zvepabonde zvakadai seHIV neAIDS nezvimwe uye kudzivirirwa kubata pamuviri pasina kurongeka.
Mushure mekupfuura kwemaawa 72, machiremba akamutaurira kuti vakange vasisina dzimwe nzira dzekumubatsira nadzo.

Izvi zvakaita kuti ange achinomhan’ara nyaya yake iyi kumapurisa anoita ongororo vanove vakazoendesa chichemo chake kumatare edzimhosva kuti akange asingadi kuchengeta pamuviri pakauya nepamusaka pechibharo. Muchuchisi akamutaurira kuti akange achifanira kumirira kusvika nyaya yake yapedzwa nedare.

Mushure mekufambira nyaya yake kwenguva refu, Mapingure akazowaniswa gwaro rekuti ange achibvisa pamuviri apa pave nemwedzi minomwe.
Chiremba waakataura naye pachipatara apa akati zvakange zvisingachakodzeri kuti ange achibvisa pamuviri pakura kudaro.

Ichi ndicho chikonzero chakaita kuti Mapingure akwidze nyaya iyi kumatare edzimhosva achida muripo wekukundikana kubviswa kwepamuviri pakauya kwaari nenzira yechibharo nenguva.

Dare guru reSupreme Court rakati mudzimai uyu anokwanisa bedzi kuwana muripo wekukundikana kudzivirirwa mukubata pamuviri pachinzvimbo chekuti ange achiripwa nhau yekusabviswa kwepamuviri nenguva sezvo mutemo uyu wakange usina kunyatsojeka.

Mutongi akapa mutongo uyu aongorora zvimwe zvinhu zvakadai sekuti Mapingure akarwadziwa zvakare mundangariro mukutakura kwaakaita pamuviri pasina kurongeka zvichikonzerwa nekusave nehanya kwemapurisa uye machiremba.

Kudai mapurisa nemachiremba vakaita basa ravo nemazvo angadai asina kubata pamuviri ipapo.
Mushure memutongo uyu, dare reHigh Court rakazopasisa gwaro raiti Mapingure aifanirwa kupihwa muripo wemari inosvika US$6 500. Muripo uyu unofanira kunzwisiswa kuti ndewekubata pamuviri pangadai pakadzivirirwa.

Mimba inodzivirirwa mumazuva matatu saka zvinoreva kuti muripo weUS$6 500 ndewemazuva matatu aya. Muripo uyu uchapa tariro huru kune mamwe madzimai ayo anozoda rubatsiro rumwe chete urwu mushure mekubatwa chibharo.

Madzimai anofanira kufara nekupembera nekuti vave kukwanisa kureva miripo yakadai apo vanokundikana kuwaniswa rubatsiro mushure mekubatwa chibharo, zvikuru madzimai ekumaruwa.

Hurumende inofanira kutarisa mitemo yemuno ichienzanisa neyekune dzimwe nyika maringe nekodzero dzevanhu.
Madzimai ane kodzero yekusungisa vanenge vachifanira kuvawanisa rubatsiro urwu kana vachinge vakundikana kuita izvi nenguva yakatarwa. Kodzero dzemadzimai dzasimbiswa kubudikidza nemutongo uyu saka izvi zvinofanira kupa manyuku nyuku kumadzimai nevanasikana muZimbabwe sezvo vawana pekutangira.

Zvinyorwa zvakabva kuna: Tariro Tandi, Transformative Justice Manager.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey