‘Kurwisa Covid-19 zvinoda kushinga’

18 Feb, 2021 - 15:02 0 Views
‘Kurwisa Covid-19  zvinoda kushinga’ First Lady Amai Mnangagwa

Kwayedza

 Tendai Rupapa

MADZIMAI evatungamiriri venyika dzemuAfrica vari kukurudzirwa kuti varambe vachishanda nesimba panyaya yekurwisa kupararira kwechirwere cheCovid-19 icho chiri kukonzera matambudziko makukutu pasi rose.

Izvi zvakataurwa nemudzimai wemutungamiriri wenyika First Lady Amai Auxillia Mnangagwa apo vaitaura semutevedzeri wemukuru wesangano reOrganisation of African First Ladies for Development (OAFLAD).
Vakataura mashoko aya nemusi weChitatu apo vaive sachigaro pamusangano weOAFLAD Steering Committee wakaitwa padandemutande.
Amai Mnangagwa vanoti magwaro anobva kuWorld Health Organisation (WHO) anoratidza kuti vanhu 108,7 miriyoni vabatwa neCovid-19 kubvira pakatanga chirwere ichi munaZvita 2019 uye vamwe 2,4 miriyoni vafa nedenda iri pasi rose.

Mudunhu reAfrica, vanhu 2,7 miriyoni vabatwa neCovid-19 apo 25 000 vakafa.

“Muno muZimbabwe (kusvika nemusi weSvondo) vanhu 35 222 vabatwa nechirwere ichi nendufu 1 400 kubvira munaKurume 2020. Mamiriro ezvinhu aya anotibengenutsa uye tinofanirwa kuramba tichishanda nesimba kurwisa chirwere ichi.

“Ndinoziva kuti semadzimai evatungamiriri vemuAfrica, tine zvatiri kuita nekubatsira kurwisa kupararira kwechirwere ichi munyika dzedu,” vanodaro.
Amai Mnangagwa vanorumbidza pamwe nekutenda mutungamiriri weOAFLAD, Amai Antoinette Sassou-Nguesso, mudzimai wemutungamiriri wenyika yeCongo-Brazzaville, avo vakavakumbira kuti vave sachigaro pamusangano weSteering Committee uyu.

Musangano uyu wakaitwa pasi pedingindira rinokurudzira kucherechedza hushingi panyaya dzekurwisa Covid-19 kuburikidza nekudzidza kubva kubudiriro yavepo uye nezvimhingamipinyi zviri kusanganikwa nazvo pari zvino.

“Pakupera kwemusangano uno, tinofanirwa kuwirirana nekutambira chisungo chezvinofanirwa kukurukurwa pamusangano we25th Ordinary General Assembly uyo unotarisirwa kuitwa neChishanu 19 Kukadzi 2021,” vanodaro Amai Mnangagwa.

Pane zvakawanda zvinofanirwa kuitwa zvakakurukurwa pamusangano uyu, kusanganisira kuvambwa kwedandemutande (website) iro mudzimai wemutungamiriri mumwe nemumwe anokwanisa kuenda pariri pamwe nemasangano avo.

Amai Mnangagwa vanokurudzira madzimai evatungamiriri venyika dzemuAfrica vasati vave nhengo dzeOAFLAD kuti vapinde musangano iri.

“Kune mamwe madzimai evatungamiriri venyika vasati vave nhengo dzeOAFLAD. Kuti tikwanise kukura sesangano, tinofanirwa kusvika kune vasati vave nhengo tichivazivisa pamusoro pezvatiri kuita kana zviri kuitwa neOAFLAD uye nezvakanakira kuve nhengo yesangano rino nekuti ndinotenda kuti kana tichinge tave pano, tave vanamai venyika.

“Pano ndipo patinogoverana pamusoro pezvinhu zvatiri kuita kunyika dzedu, izvo zvinoita kuti tidzidze kubva kune vamwe uye tozvishandisa mubudiriro yenyika dzedu nedunhu redu,” vanodaro.

Pfungwa yavo iyi yakatambirwa pamusango uyu sezvimwe zvezvinhu zvinotarisirwa kuzoitwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey