Uncategorized

kwakabva zita: Domboramwari

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

Epworth,kuno kuEpworth kune nzvimbo inonzi Domboramwari.Dombo iri rine mudhindo wetsoka yemunhu uri pamusoro paro.

Tsoka iyi inokwana munhu wese anenge aiedza,kana ukaenda wataura kuti ndinoda kuona tsoka iyi hauiwane. Ndipo pakazobva zita rekuti Domboramwari pakuti rine mudhindo wetsoka unofungirwa kuti ndewa Jesu. — OWEN KATSANDE, EPAZ (Epworth).

CHIZIVISO:

MuZimbabwe mune nzvimbo zhinji dzine mazita anoshamisa kana asingazivikanwe nevamwe kuti akabva kupi. Mamwe mazita anobva pazviitiko zvakaitika, mamwe achibva pamazita evanhu kana madzishe. Asi mamwe mazita haazivikanwe kuti akatanga sei. KwaMurehwa kune nzvimbo inonzi Zorizozo, kuMhondoro kune kunonzi kwaDhodhi uyewo kuZaka kune kunonzi kwaMuroyi. Kana ukatsvagisisa, uchaona kuti mazita ose aya ane kwaakabva, uye ane zvaanoreva.

Kwayedza iri kukoka imi vaverengi kuti mutinyorere muchitiudza zita renzvimbo yamunogara nekuti sei yakapihwa zita iroro.

Tumirai tsananguro dzenyu makanyora kuti “KWAKABVA ZITA” ku:

Kwayedza, PO Box 396, Harare

Email: [email protected]

Munogona kusiya matsamba kumahofisi ose eZimpapers ari paHerald House muHarare, Chronicle House kuBulawayo, Manica Post kwaMutare, kuStar FM, kuGweru, kuMasvingo, kuChinhoyi, kuVictoria Falls, kana kuBeitbridge.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey