Kwavari huswa handi marara, imari

12 Dec, 2022 - 16:12 0 Views
Kwavari huswa handi marara, imari Kuruka masofa neuswa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara kuHopley, muguta reHarare, ari kuita zvinorova nehuswa uho ari kugadzirisa masofa, tswanda nemimwe midziyo inoita zvekurukwa.

VaLovemore Mungayi (39), avo kumusha vanobva kuChimanimani, vanoti vakadzidzira kugadzira zvinhu zvekuruka nehuswa kunyika yeMalawi nekukambani yemuno yavaimboshandira.

“Vamwe vachiti huswa hauna basa, ini nemhuri yangu tiri kugadzira zvinhu zvinosanganisira masofa, mabhasikiti, matebhuru, tswanda, macheya nemavhasi.

“Huswa hwandinorukisa uhwu hunodaidzwa kuti Cain Maruka, vamwe vanohuti tsopotwe, sisi kana tendi. Hunowanikwa kunzvimbo dzinopisa kwakaita sekwedu kuChimanimani, kuBuhera, Chiredzi kana kuGokwe,” vanodaro VaMungayi.

Vanoenderera mberi: “Tinogadzirawo mhasa kubva muhuswa uhwu, uhwo hwatinonotsvaga kunzvimbo dziri kure. Mashandiro aho, tinotanga nekuhufashaidza mumvura, tohusvuura ganda rinenge riri kunze.

“Tadaro, tinozoisa zvakare mumvura tichimwaya pakugadzira zvatinoda.”

Vanoti pazvigadzirwa zvavo, vanotanga nekukoma mapuranga vachimisa angava masofa, tswanda nezvimwe, vozotevedza vachiruka nehuswa.

“Ndichishanda nevana vangu vanoti Devine (18) naLearnmore (26), tinopanana majana ekunotsvaga huswa uhwu uko tinotokwira mabhazi.”

VaMungayi nevanakomana vavo vachiruka masofa. – Mifananidzo naKingstone Mapupu

VaMungayi vanoti chakakosha mubasa ravo kugona kugadzira zvinhu zvinodiwa nevanhu.

“Kune kambani yava kugadzira tambo dzakafanana nehuswa, nekudaro tinomboruka zvigadzirwa zvedu netambo idzi asi vanhu havadzide sezvo vachiti dzinodhamba, kunyanya kana ari masofa kana zvimwe zvigaro semacheya. Saka tinowanzoshandisa huswa uhwu,” vanodaro.

Vanoti dzimwe nguva vanomwaya pendi pamasofa nezvimwe zvigadzirwa zvavo zvisinei kuti kune vamwe vasingade zvakapendwa.

Vanotizve vakadzidzisa vana vavo kugadzira zvinhu kubva muhuswa inove nhaka yavo mune ramangwana.

“Ndinokurudzira vabereki kuti vawane mabasa emawoko avanodzidzisa vana vavo kuti vagowana chekuita, vosiya zvekutora zvinodhaka,” vanodaro VaMungayi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey