Uncategorized

‘Landlord’ akamitisa mudzimai weroja

05 Feb, 2015 - 13:02 0 Views

Kwayedza

Hardway Nyakuwarwa
MUMWE muridzi wemba anonzi akadanana nemudzimai weroja rake zvekusvika pakupanana mwana izvo zvakazoita kuti mukadzi uyu asiyane nemurume wake.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court uko Francisca Jani akaendesa Washington Kasteni, uyo aimbove murume wake, achida $150 yekuchengeta vana vaviri.

“Ishe wangu, ndinokumbirawo kuti dare rindinzwewo chichemo changu. Murume uyu akatiza pamba akanotanga mumwe musha. Chinondirwadza ndechekuti ave kugara naKudzi Muchena, musikana wandaiti tete achirara pamba pangu ndichimubikira,” akadaro Jani.

“Landlord ndivo vakazonditi kana achikudzinga iwe usabuda mumba mauri kugara, ramba uripo anoda kuti uendepi.”

Kasteni akaudza dare kuti akazosiyana naJani mushure mekunge ave kudanana nemuridzi wepamba pavairoja.

“Ndakazosiya mukadzi uyu mushure mekunge ave kufambidzana nalandlord, kutaura kuno mwana waakabata mumawoko ndewaVaGwata, iye landlord. Haasi wangu saka nokudaro handikwanisi kugara nemunhu anoti gumbo-mumba gumbo-panze. Mwana wangu wandinoziva mumwe chete,” akadaro.

Mutongi Trevor Nyatsanza akati Kasteni abvise $110 pamwedzi wega wega yekuchengeta vana vake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey