Uncategorized

Madungwe, wakagadzirira here?

23 Sep, 2016 - 00:09 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIHUKURE SADZA

PROPHET Madungwe vari kushatirisa vanhu nenyaya yekuti vakaona Mwari, uye Mwari vachazoshanyira nyika yeZimbabwe musi wa20 October. Ini ndinoda Mwari, asi panguva imwe chete ndinotya Mwari. Ndinoda Mwari zvekuti ndiri kutarisira kuzovewo navo muhumambo hwavo hwedenga kana ndafa, asi ndinotya Mwari zvekuti handifarire kungotaura pamusoro pezvinhu zvinenge zvanzi ndezvaMwari nekuti Mwari vari kudenga, ini ndiri pano pasi.

Nyaya yaMadungwe yaramba iri mudariro zvekuti yave kundiita kuti nditi, tomboti Madungwe ari kutaura chokwadi, isu vana Tomasi vekutenda taona tichazoti kudii? Ko Bhaibheri rinoti kudii kana paita nyaya dzakadai? “Kana zviri zvaMwari hamugone kuzviparadza.”

Chisina kujeka munyaya yaMadungwe, chandave kufunga kuti chaifanira kutsanangurwa, kuti Mwari vari kuuya kuzoitei? Nekuti ini ndinofunga kuti Mwari vanesu nguva dzese, uye kuti havauye vachienda semudzimu kana magetsi.

Mwari pavari kuuya musi wa20 October, vachange vachiuya semunhu here? Ko Mwari havasi mweya here? Chichaita kuti tizive kuti vauya chii, nekuti kana Mwari vari mweya vakauya vachaonekwa nani? Ko isu vana Tomasi tichazoona chii kuti tigoti zvekchokwadi Mwari vauya, vanga vari pano?

Ko kana Madungwe akati Mwari vari kuuya, chii chatiri kufanira kuita kuti tinge takagadzirira kuuya kwavo? Nekuti kuuya kwaMwari hakusi kushanyirwa naPresident weAmerica – asi kuuya kwaMwari. Ko kana vauya vachaitei?

Mwari vanotida zvakanyanyisa zvekuti havazvivanze. Ini kuziva kwangu, Mwari havasi kure nesu nekuti Jesu anorarama ari matiri.

Chete zvinhu zvaMwari zvinonetsa. Chazvinongona kutenda, nyangwe kutenda kwacho kuchiita sekuti kupenga. Dzimwe nguva Mwari vanotaura nesu chinyararire. Dzimwe nguva vanotaura nesu zvinhu zvisiri zvenyika yese. Dzimwe nguva Mwari vanotaura nevanhu vakashoreka zvikuru.

Mwari vakambozviita, vachenjeri vekumabvazuva pavakanga vachitsvaga kuti Jesu aive azvarirwa kupi, vafudzi vainhuwa ndove nedikita ndivo vakaona denga richivhurika. Vafudzi ivavo vakaudzwa nezvekuzvarwa kweMuponesi uye nepavaizonomuwana. Saka vakachenjera pavaimutsvaga, vamwe vakangodaro-darowo vakanga vachitaurwa navo nedenga.

Kana Madungwe achitaura chokwadi, tichazviona asiwo tinogona kusazviona nekuti zvaMwari ndezvemweya, uye zvakaudzwa Madungwe zvinogona kunge zvisinei nemhomho yevanhu.

Mwari vanozviita izvozvo. Vakaudza Abraham kuti abve munyika yake aende kunyika yavaizomuratidza. Asi Abraham aenda ikoko, akagara semutorwa mumatende zvekuti dai hama dzake dzakamutevera dzaisvikomuseka.

Asi chakakosha panyaya iyi, kuti tisakanganwe kuti kudenga kuna Mwari. Tisakanganwe kuti tichida tisingade, Mwari vanotaura nevanhu. Tinogona kutadza kunzwisisa nyaya yaMadungwe, asi ivo Mwari ndivo vanoinzwisisa.

Chakakosha ndechekuti tizive kuti ichokwadi Mwari vachauya, asi sekutaura kwavo, “Zuva iro nenguva iyo hakuna anozviziva, kunyangwe vatumwa vekudenga, kunyangwe Mwanakomana, asi Baba vega.” Saka kana zvakadaro, musi wa20 October haungave musi wekudzoka kwaMwari, asi musi wekungoshanyawo kwaMwari.

Asi musi wa20 October haungave musi wekungoshanyawo kwaMwari nekuti Mwari vanesu mazuva ese.

Ini shoko rangu ndeiri, kutaura kana kusataura kwaMadungwe hakushandure Mwari nezviitiko zvichaitika. Nyika ino haisi kuzovepo nekusingaperi, ichaguma uye kufanana nekombi yaswera ichiita City-Mbare, ichaenda kunopakwa. Hwindi nadhiraivha vagoenda kwavanogara kunorara. Hwindi agotonyararawo muromo wake usingamharwe nenhunzi.

Mwari vakarongeka, uye tinavo nekuti ndivo shoko ravo riri muBhaibheri. Kana vazouya, kwete zvekushanya asi zvekuenda kumusha, wakagadzirira here?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey