Madzimai abirwa pamasowe

03 Nov, 2023 - 12:11 0 Views
Madzimai abirwa pamasowe Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MADZIMAI mana ainamata pamasowe kuAmaveni, kuKwekwe, akasvikirwa nembavha nhatu dzaiva dzakapakata rekeni, mapanga nezvamboko ndokuvhundutsirwa vachibva vabirwa nhare dzavo vose.

Makororo aya anonzi akasvika pamasowe aya nemusi wa29 Gumiguru nenguva dza10:30 mangwanani apo madzimai aya vaiva mubishi kunamata ndokuzovabira.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti varume vatatu ava vakangoerekana vabuda nemusango ndokutaurira madzimai aya kuti vavape zvose zvinokosha vachiti vaigona kuvauraya.

“Tine madzimai mana vaiva pamasowe kuAmaveni, kuKwekwe, avo vakasvikirwa nembavha dzaiva dzakapakata mapanga, rekeni nezvamboko vakavhundutsirwa kuti vaigona kuuraiwa ndokubva vatorerwa nhare dzavo ina. Madzimai aya ndiNetsai Hlatshwayo, Nokhuthula Gwisayi, Nyarai Francisca Jonasi naEverjoy Pauline Mpofu, avo vasina kurambira nenhare dzavo dzakabva dzatorwa dzinokosha US$335,” vanodaro Insp Mahoko.

Makororo aya anonzi paavakangopedza kuba, akabva atiza.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa ekuAmaveni uye mukuferefetwa kwayo zvakaita kuti Gift Kumirayi (25) wekuMbizo, kuKwekwe kwakare, asungwe.

Mapurisa vachiri kutsvaga vamwe vaviri vanoti Trymore Makandlela naKelvin Musina, vose vanobva kuKwekwe.

“Tinokumbira kuruzhinji kuti vabatsire mapurisa nemashoko anoita kuti vamwe vaviri ava vasungwe. Pakuferefetwa kwenyaya iyi, dzimwe nhare nhatu dzakawanikwa kubva kuna Gift Kumirayi kukashaikwa imwe chete. Akasungwa uyu ari kubatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi uyo ari kubatanidzwawo nedzimwe mhosva dzekuba dzakaitika kumashure munharaunda yeKwekwe,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanotenda veruzhinji nemashoko akaita kuti Kumirayi asungwe.

“Munyaya dzakadai, tinoyambira vanamati kuti masowe avo kana machechi ari mukati memasango vanofanirwa kuenda vakawanda sezvo makororo vava kuita zvose-zvose. Tinoyambirawo kuti kana zvichigoneka, ngavasiye zvose zvakakosha zvinosanganisa nhare nemari kudzimba uyewo pane nyaya yekusiiwa kwemabhegi neshangu kure zvinoitwa nevanamati vakawanda kumasowe apo vanozoona vabirwa zvinokosha izvi,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey