Makepekepe 11 . . . zvaida Tauro izvi

13 Mar, 2015 - 15:03 0 Views
Makepekepe  11 . . . zvaida Tauro izvi

Kwayedza

Charles Mabika
SVONDO rino tinodzikisa gejo, tokuunzirai shasha dzangu dzenhabvu gumi nemumwe chete pamwe nevepabhenji vacho vechikwata cheCAPS United, kubva gore rachavambwa muna1973 kusvika zvino.Hevanoi vatambi vacho, vakamira pamatambiro anonzi “4-4-2”:

Goalkeeper – Brenna Msiska.
Defenders – Edelbert Dinha, Dumisani Mpofu, Elisha Gejo, Size Torindo.
Midfielders – Stanley Ndunduma, Joel Shambo, Joe Mugabe, Stanford Mtizwa.
Forwards – Shakeman Tauro, Friday Phiri
Substitutes – Steven “BaMunyaradzi” Chisango, Ephraim “Full Chicken” Dzimbiri (mushakabvu), William “Weeds” Chikauro, Ian “General” Bakala, Lloyd “Lodza” Chitembwe, Alois “Zola” Bunjira, Stewart “Shutto” Murisa.
Coach – Charles “The Lecturer” Mhlauri.

Hedzinoi nhoroondo dzenyanzvi 11 dzekutanga:

Brenna “Ba Gari” Msiska: Mutambi uyu ndiye akange ari shuramatongo pakati pemapango mugore ra1996 apo “Makepekepe” yakatora mukombe wavo wechipiri weLeague uye achibatira maWarriors. Mabhora emudenga, “Ba Gari” vaiasvisvina sehute!

Edelbert “Phil Collins” Dinha: Zita rake remadunhurirwa rakabva pakufanana kwaakange akaita chiso chake nechemuimbi wekuBritain, Phil Collins! Muchinda uyu aifamba segejo riri mumunda wakarara uchitsvotsvwa nemvura. Kana nzvimbo yepakati penhandare yaisamunetsa zvakare. Dumisani “Commando” Mpofu: Kuti nditsanangudze mavhariro emuchinda uyu, zvinotoda kana makore chaiwo! Matambiro aaiita ku“Makepekepe” ndiwozve aaiita ari muchikwata chenyika chemaWarriors.

Elisha “Stopper” Gejo: Uyu akanga asina nguva yakawanda yekutaura . . . aingosiya asakura nekuzunza ndima yake ariko kumashure kweCAPS. Kuzoti pakutunga bhora ari ma”cross”, haraimbomupfuura.

Size “SaManyika” Torindo: Imiwe, vakuru vakati “Kukurukura hunge wapotswa”. Mvema yairohwa na“SaManyika” kubva pama”free kicks” uye zvichisanganisira neriye rekusangana naro achimhanya, zvaiita kunge zvemapipi!

Joel “Jubilee” Shambo (mushakabvu): Chokwadi pasi harigute. Zvaiitwa nemuchinda uyu pakati penhandare zvaiva zveshura chaizvo. “Jubilee” akange aine mamwe mazita emadunhirirwa – “The Headmaster” kana kuti “Mwalimu” nepamusana pekugona kwake. Aiti pasi, oti mudenga, pose hapana aimutorera chikumba. Dai bhora raitaura, ringangai raipupura zvikanzwikwa munguva yaJoel!

Joe “Kode” Mugabe: Munhu wose aitanga kumuona muchinda uyu aizvibvunza kuti kamhumhu kakadaro kangatambe bhora? Kwete ndiyo yaiva mhinduro yekutanga. Asi nekuzoramba wakamutarisa, waibva wamedza mate. Iro simba rekungoramba achimhanya nhandare yose waishaya kuti raibvepi.

Stanford “Stix” Mtizwa: Vakuru vakati “Chirimumusaka chinozvinzwira . . .” Zvinoda kunzi, “chinozvionera”.

Muchinda uyu – kana nanhasi – achiri kuita maminimini kumitambo yema”boozzers”. Chirevo chekuti, “Chinokura chinokotama” chatadza kushanda pana “Stix”. Akange – ruregerero achiri – nyanzvi yekunzvengesa. Pakuzvambura mapena nekutonhodza chikumba pachipfuva, achiri chiwororo chaicho.

Stanley “Sinyo” Ndunduma (mushakabvu): Vatsigiri ve”Makepekepe” vaipera mate vachiridza mheterwa kana “Sinyo” abata bhora, opwititika kuenda mberi ari kurudyi kwenhandare. Muchinda uyu aisaneta, uye zvekubvarura mambure zvaiuya nyore kune nyanzvi iyi, iyo yakave “Soccer Star of the Year” mumakore a1981 na1985.

Shakeman Tauro (mushakabvu): Muchinda uyu akanga asingadi kuona munhu ainzi goalkeeper mberi kwake . . . aimuparadza! Shungu dzake dzaiva dzekunwisa uye aiti akapotsa “cross” kana kuti ikabatwa nagoalkeeper, iye ainopaikira mumambure.

Friday “Breakdown” Phiri: Pamwepo naShakeman, “Breakdown” kana kuti “Amayenge” aiti kana aine bhora, oridza mutsindo akananga mberi.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey