Makore 15 achirambidzwa kuona mwana

10 Dec, 2022 - 13:12 0 Views
Makore 15 achirambidzwa kuona mwana Gogo Loveness Nyandoro

Kwayedza

Arron Nyamayaro

MUMWE mudzimai wemuZimbabwe anogara kunyika yeUnited Kindgom anonzi ave nemakore 15 achirambidza aimbove murume wake kuona mwanasikana wake.

Izvi zvinonzi zviri kukonzerwa nekusawirirana kwevabereki vemusikana uyu, Coleen Nyandoro naMunyaradzi Mwanjira, izvo zvave kukanganisa mwana wavo, Chelsea (17).

Mwanjira naColeen vave nemakore maviri varambana.

Amai vaColeen, Gogo Nyandoro, vanonzi vapindarawo muhondo yekunetsana kwevaviri ava nekuda kwemuzukuru wavo.

Gogo Loveness vanoti kune vanhu vane chitsama vavanofungidzira kuti vari kutumwa naMunyaradzi vari kuuya kwavari vachida kuona muzukuru wavo.

“Upenyu hwangu huri panjodzi nekuda kwekurwa kwaColeen nevanozviti baba veChelsea,” vanodaro Gogo Loveness.

“Ndinomuti vanozviti baba nekuti haana kumbobhadhara kana mari yeroora.

“Ini ndini ndanga ndichichengeta Chelsea kubva aine makore maviri okuberekwa.

“Iye zvino ava nemakore 17, uye mumwe munhu ari kundishaisa hope achiti mwana wake?

“Akarerwa nani? Nhasi ave mwana wake, ambokurira kupi? Anopenga chete murume uyu,” vanodaro.

Gogo Loveness vanoenderera mberi vachiti: “Anga achitumira vanhu, vamwe vachiti vanobva kumahofisi epamusoro, vamwe vachiti mapurisa.

“Akataura nevashandi vebazi resocial welfare achindipomera mhosva yekushungurudza mwana uyu nekumuvharira mumba.

“Hakuna zvakadaro. Ndomushungurudza sei ini ndakamuchengeta kwemakore ese aya?

“Chelsea agere zvakanaka chose uye ari kupinda chikoro kuUK.

“Haana kumbodzingwa kuUK sezvaari kuudza vanhu.

“Ndakutotya kuvhurira vanhu gedhe nekuti vanhu vatumwa pano vawandisa.”

Vanoti vakambonetsana nemapurisa epakamba yeWaterfalls Police Station nekuda kwenyaya iyi.

Zvakadaro, Munyaradzi anoti Chelsea akadzingwa kuUK uye ari kugara akavharirwa naGogo Loveness.

“Coleen ave kundirambidza kuona mwana wangu zvichitevera kuparadzana kwatakaita,” anodaro Munyaradzi.

“Akaroorwa nemumwe murume anogara kuUK uye ndiye akamubatsira kuona kuti handikwanise kutora mwana wangu nenzira dzemutemo.

“Mwana wangu akamanikidzwa kugara naGogo Loveness, uye ari kushungurudzwa nekunyimwa kodzero yake yekudiwa nevabereki vose.

“Hapana kushungurudzwa kwekodzero dzevana zvakanyanya kudarika zvavari kuita kumwanasikana wangu,” anodaro Munyaradzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey