Makore 46 achiswera nekurara nevarwere

09 Feb, 2023 - 13:02 0 Views
Makore 46 achiswera nekurara nevarwere Mai Lucia Hamandawana Godzongere

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

VARAPI vakakosha muupenyu hweveruzhinji nekuti vanoita kuti vari mumabasa akasiyana nevamwe veruzhinji vakwanise kugara nekushanda zvinoendeka kana vachinge vaine utano hwakanaka.

Svondo rino Kwayedza inokurukura nemumwe murapi wechidzimai uyo ava kuenda pamudyandigere mushure mekushanda kwemakore 46 achichengetedza utano neupenyu hweruzhinji.

Mukadzi abata basa rinoyemurika uyu ndiMai Lucia Hamandawana Godzongere (65) vanova mudzimai weaimbova mushamarari panhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Cooperation (ZBC), Maguire Mike Godzongere.

Maguire Godzongere akamboshanda zvekare kuParliament of Zimbabwe uye avawo pamudyandigere.

Vaviri ava vanobva kuChiweshe uye vakaropafadzwa nevana vatanhatu vanoti Trevor, Terence, Simbarashe, Tendayishe, Isheunesu naTadiwanashe.

Mai Godzongere vanotenda rutsigiro rwemurume wavo nemhuri uye vamwe vose vavakasevenza navo kwemakore 46 adarika.

“Mubasa rehurapi, unosangana nezvinhu zvakasiyana, zvinofadza zvose nezvinosuwisa. Ndaifara kwazvo kana varwere vaya vanenge vauya vasisina tariro neupenyu vachinge vanaya kana kuti madzimai auya akazvitakura akadzokera kumba zvakanaka vabata vana vavo. Aiwa, anenge ari makorokoto ega-ega.

“Asika, pane kusuwa kunowanikwa muzvipatara kana vanhu vakarasikirwa nehama yavo uye zvaindiremera kuti ndotangira papi kuti ndivataurire kuti mudikani wavo ashaya,” vanodaro.

Mai Godzongere vanoti tsaona huru isingabvi mundangariro mavo ndeapo tangi remafuta edzimota rakaputika munzvimbo yeSunningdale, muHarare, vanhu vakauya muchipatara vakatsva zvakaipisisa.

Mai Lucia Hamandawana Godzongere vari pabasa

“Waitoona wega kuti zuva haridoki uine vanhu ivavo saka pamwe pacho taitogara taudza hama dzacho kuti dzigare dzakagadzirira nekuti ndizvo zvainge zviripo. Izvi zvaibatsira kuti zvive nyore kwavari kana vachinge vazogashira shoko risingafadzi.

“Asi pamwe taizofara taona mumwe munhu anenge auya pasina tariro yeupenyu ava kubuda muchipatara akagwinya. Chakakosha mubasa rose kushanda nesimba uye kuzvipira nekuva nemwoyo werudo,” vanodaro.

Mai Godzongere vanoti vakatanga kufundira mabasa rehurapi pavakasvitsa makore 18 ekuberekwa musi wa6 Ndira 1958.

“Ndakadzidzira zveurapi pano paSally Mugabe Central Hospital (yaimbozivikanwa seHarare Hospital kana kuti kuGomo). Ndakapedza zvidzidzo zvangu zveurapi mumwedzi waNdira 1979 ndikamboshanda kwekanguva mushure mekuzomiswa ndaita pamuviri,” vanodaro.

Vanoti vakazodzokera kubasa musi wa1 Kukadzi 1980 vakashanda nesimba kusvika vazoenda pamudyandigere musi wa15 Ndira gore rino.

Panguva yavakanga vari pabasa, Mai Godzongere vanoti vaikwidziridzwa muzvigaro uye vakaitwa Sister-in-Charge weMedical Ward mugore ra1990.

“Mugore ra1997, ndakapihwa chigaro chaClinical Matron weMaternity Hospital. Muna2022 ndakakwidziridzwa kuitwa Night Superintendent weMaternity Hospital.

“Izvi zvinotevera kunge ndambosimudzirwa kuva Duty Matron mugore ra2004.”

Mai Lucia Hamandawana Godzongere vachiri vadiki

Mumwedzi waChikunguru 2009, vakaitwa Principal wechipatara chose chinova chigaro chavakaramba vakabata kusvika vazoenda pamudyandigere.

Panyaya dzefundo, Mai Godzongere vane zvitupa zvinotevera: Registered General Nurse 1976 to 1979, Registered Midwife 1982, Nursing Administration 1994, Reproductive Health 2000, BSc Nursing neZOU muna2005, MSc Nursing majoring in Maternal and Child health muna2009 neUZ.

Murume wavo anofara nekuropafadzwa kwavakaitwa naMwari muupenyu hwavo kuburikidza nekuve nemhuri pamwe chete nemabasa ekuriritira mhuri iyi.

“Tine vazukuru 15 uye chizukurubvi chimwe chete. Tinotenda Musiki nenguva yavakatipa kuti tinge tichishanda zvakanaka tichiriritira mhuri yedu.

“Hongu, apo neapo zvairema asi chandinofara nacho mukushanda kwatakaita muHurumende ndechekuti takakwanisa kurera vana vedu zvakanaka vakaenda vose kuchikoro uye takatengawo musha wedu nedzimotokari tikaita dzekuchinjanisa. Pano pachipatara patigere takapihwa imba ine makamuri 20 saka woregedza kutenda here pakadaro?” vanodaro.

VaMaguire Mike Godzongere

Maguire akaroora mudzimai wake uyu anova maDube Chishongo muyera mbizi munguva yehondo yerusununguko rweZimbabwe vakapinda musvitsa tsvene uye vaitsigirana zvikuru mumabasa avo.

“Mazuva iwayo kwaive nemitauro yekuti kana ukaroora nesi waroora nzenza, zvikuru vaya vaipinda basa manheru (night shift). Zvaitonzi paya paunomuperekedza uchinomusiya pachipatara, panenge pachitova neimwe motokari yakamumirira kuti izomutora kuti vaende kunofara.

“Asi muongororo yangu ndakatozoona kuti ose aya aiva menyepo sezvo panguva iyoyo vazhinji vakanga vasati vava kuzvitambira kuti madzimai ange achiendawo kumabasa sezvaiitwa nevarume. Saka vaida kuvadzikisira,” vanodaro.

Maguire anoti varapi vanoshanda manheru havana zororo nekuti vanhu vanorwara pane ipi zvayo nguva wotonzwa musuwo wava kugugudzwa.

“Ndaitomukawo ndichivaperekedza amai kuchipatara kuti vanorapa nekuti pamwe pacho vaifonerwa pakati pehusiku kuti paita mudzimai ari kurwadziwa nemimba anoda kubara totoenda tose kuti vanobatsira murwere. Ndinokurudzira varume vari kunze uko kuti vatsigire madzimai avo ari mumabasa.

“Madzimai anobatsira zvikuru nekuti kana ukamira uri woga sababa dzimwe dzenguva zvinhu hazvikwani mumba. Pamwe ndaitosara nevana pamba vachimhanya kubasa uye kuenda kuchikoro kuti vavandudze dzidzo yavo. Kutsigirana kwatinoita ndiko kwaita kuti tisvike patiri pano nhasi, kusiya basa muHurumende muutsvene kusvika tachembera kudai,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey