Uncategorized

Makunakuna: Sekuru kuroora muzukuru

02 Apr, 2015 - 21:04 0 Views
Makunakuna: Sekuru kuroora muzukuru

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MURUME wekwaNjelele, kuGokwe, wekugara nemuzukuru wake – anova mwana watete – achimuita mudzimai kwemakore maviri vachiita makunakuna akaripiswa mombe mbiri nembudzi mbiri nedare ramambo weko. Bothwell Tasara (35), uyo anova muzvinabhizimisi panzvimbo yeGokwe Growth Point, aigara naFlorence Mapfumo Chinyama (29) semukadzi wake.
Asi dare raMambo Njelele rinoti vaviri ava vanofanirwa kurambana.

Nyaya iyi yakapinda mudare raMambo Njelele, VaMisheck Njelele (51), nemusi weChina svondo rapera, Bothwell ndokuripiswa achinzi akasvibisa dunhu. Bothwell akaudza dare iri kuti akatora Florence kumuita mudzimai wake nekuti akanga asinganyatsoziva hukama hwaiva pakati pavo, izvo zvakatorwa nedare seje-e nekuti vabereki vavo ihanzvadzi nehanzvadzi vemudumbu umu. Mambo Njelele vanoti Bothwell akapa chichemo chekuti haana mari yekutenga mombe nembudzi idzi ndokuti aigona kutengesa kombi yaainayo kuti akwanise kuwana mari yacho.

Dare iri rakakurudzirawo vaviri ava kuti vagovane midziyo yavo nepakati uye kuti Florence aifanirwa kudzokera kumba kwavo musi wakatongwa nyaya iyi.

Zvakaonekwa mudare iri kuti Bothwell akambunyikidza Florence sezvo akadanana naye ari mwana mudiki zvikuru. Vehukama vaivapo vakabuda pachena kuti vakamboedza kudzivisa vaviri ava kuti vasiyane asi zvakaramba.

Mambo Njelele vanoti vachapfuudza nyaya iyi kudare raShe Mukoka kunova kunobva mhuri yekwaTasara kudzinza raBothwell kuti ipedziswewo maringe netsika dzeko.

Muhurukuro neKwayedza, Bothwell, uyo ane bhizimisi rekubika sadza nezvimwe zvekudya, akatsinhira kuti ari kugara nemuzukuru wake semukadzi nemurume.

“Nyaya iyi handina kumboiramba, ndinoiziva. Zvakaitika zvakaitika imi muri venhau handigone kutaura nemi,” akadaro apo aitiza kutorwa mufananidzo.

“Ko nhaimi mufananidzo wava wei futi? Ndizvo zvakaipa izvi, regai ndichanotongwa namambo.” Makunakuna aBothwell nemuzukuru wake anonzi akatanga apo airwarirwa nemudzimai wake uyo akazoshaika. Anonzi akazonokumbira Florence kuvabereki vake kuti achengeta vana vake sezvo amai vacho vaisakwanisa kubika nekuita zvimwe nekuda kwekurwara.

Vaviri ava vanonzi vakabva vatanga kudanana apo mudzimai waBothwell airwara kusvikira akazofa mugore ra2012 vachibva vatorana zvachose.
Bothwell mwana waVaGenesis Tasara uyuwo Florence ari mwana waRonia Tasara, vanova vatete vaBothwell.

Hanzvadzi yaFlorence, Soul Mamvura (57), anoti nyaya iyi inonyadzisa zvikuru.
“Bothwell ndisekuru kwandiri. Mwana wehanzvadzi yaamai vangu, Florence ihanzvadzi yangu mwana wemunin’ina waamai. Vaviri ava vakaroorana ndinovati kudii? Vanoda kurohwa vanhu ava,” akadaro Mamvura.

“Bothwell akatora Florence apo mudzimai wake mukuru, Mai Tanya, vairwara ndokunotanga kugara vose paGokwe Centre. Ambuya ava vafa, vaviri ava vakabva vatanga kugara vose. Shuwa here kugara nemuzukuru wako?

“Nyaya iyi yaitika, vana sekuru vedu nanaamai avo vaisanganisira David Tasara, Moses Tasara, Misheck Tasara, John Tasara, Ronia Tasara, Gina Tasara, Bettina Tasara, Sarah Tasara, Jane Tasara nevamwe vehukama vakaungana kuti vaviri ava vasagare vose semudzimai nemurume asi vakaramba kuterera,” akadaro Mamvura.

Anoti nyaya inovanetsa semhuri ndeyekuti mukadzi wekutanga waBothwell, uyo akazoshaika aimbovawo zvakare musikana wababa vake, VaGenesis Tasara. Anonzi akaroora mukadzi uyu zvakare baba vake nevamwe vehukama vasingade.

“Bothwell akagara akadaro uyu,” akadaro Mamvura. Akaenderera mberi achiti baba vaBothwell vakazofa vaine shungu dzekuti mwanakomana wavo akavatorera musikana wavaida kuroora. Mukoma waBothwell, VaWilly Takavarasha (85), vanoshora zvakaitwa nemunin’ina wavo vachiti makunakuna.

“Handizive kuti munin’ina wangu akashaya vakadzi here munyika yose. Takamboedza kumudzivisa akatadza kutiterera,” vakadaro.
Mashoko avo akatsigirwa naVaMudhune Takavarasha (46) vachiti hunhu hwaBothwell hwakafumuka.

Mambo Njelele, VaMisheck Njelele (51), vanoti havatendere tsika dzakadai mudunhu ravo. Dadirai Tachiona, anova mukoma waFlorence akashorawo vaviri ava achiti vakakanganisa hukama hwevanhu vemhuri iyi.

“Florence munin’ina wangu uyu Bothwell ndisekuru, handizive kuti ndoti kumunin’ina wangu here ambuya kana kuti ndoti kuna Bothwell babamukuru. Vakashereketa vanhu ava, ndini dangwe mumba manaFlorence,” akadaro Dadirai.

Mufundisi wechechi yeInternational Ministries kuGokwe, VaMushambi, vakati kana mubhaibheri chaimo makunakuna haabvumirwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey