MaLady Chevrons opinda muhondo

19 Aug, 2021 - 15:08 0 Views
MaLady Chevrons opinda muhondo

Kwayedza

Abel Ndooka

MURAIRIDZI wechikwata chenyika checricket chevanhukadzi chemaLady Chevrons – Adam Chifo – anoti vatambi vake vakagadzirira kurwa semvumba apo vacharwira tikiti rekuenda kumitambo yeWorld Cup.

Svondo rino, maLady Chevrons ari kutanga kubandana neThailand munyika muno mumitambo mina yeOne Day International Series uye kana yapera zvikwata zviviri izvi zvichabva zvatanga kutatsurana mumitambo mitatu yeTwenty20 Series.

Achipedza kusangana neThailand, maLady Chevrons achazosimuka akananga kuBotswana munaGunyana uko achanokwikwidza mumutambo weInternational Cricket Council (ICC) Women’s T20 World Cup Africa Qualifier.

Abva kuBotswana, munaMbudzi chikwata chenyika ichi chichange chiri pamusha apo chicharwira tikiti rekuenda kumutambo weICC Women World Cup uyo uriko gore rinotevera kuNew Zealand.
Chifo anoti chikwata chake chine basa guru rekubata mumitambo yavakatarisana nayo uye vari kushanda nesimba kuti vagokunda mumitambo iyi yose.

“Tange tichishanda nesimba nguva pfupi yadarika tichigadzirira mitambo yatakatarisana nayo. Tinoda kuenda kumitambo miviri yeWorld Cup.

Asi iye zvino tinombotanga tambopedzerana neThailand iyo tiri kusangana nayo kutanga svondo rino,” anodaro.

Chikwata chake change chiri mukembi masvondo adarika kubva chakapihwa mvumo nesangano reSports and Recreation Commission kuti chitange gadziriro dzacho dzemitambo iyi uye chiri kugara mubio-secure bubble izvo zviri kutenderwa panguva ino kuti zvikwata zvemitambo yakasiyana zvitevedzere apo nyika iri kurwisa denda reCovid-19.

Bio-secure bubble zvinoreva kuti vatambi, varairidzi nevamwe vose vanenge vachiona nezvemutambo vanogara kwavo voga vasingasangane neveruzhinji nedonzvo rekudzivirira kupararira kweCovid-19.
“Tave nevhiki tiri mukembi mubio-secure bubble. Bio-secure bubble inobatsira zvikuru nekuti tinenge tichigara pamwe tichishanda zvakasimba pasina zvimwe zvinotidzorera kumashure basa redu ratinenge tichiita,” anodaro Chifo.

Mutambo wemaLady Chevrons neThailand uchatambirwa kuTakashinga Cricket Club uye uchange usina vatsigiri vanotenderwa kupinda kuzoona zvikwata izvi zvichitatsurana sezvinodiwa pasi pemitemo yekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey