Uncategorized

Mambo omhanya nebudiriro

27 Nov, 2015 - 00:11 0 Views
Mambo omhanya nebudiriro Mambo Chimombe (vakapfeka ngowani vachichera) vachibatsirana nevagari vemudunhu ravo kuvaka mahofisi evechidiki achazoshandira vemabhindauko emabasa emawoko.

Kwayedza

MAMBO Chimombe vekuBuhera vari kutungamirira mukusimudzira budiriro yemudunhu ravo, zvikuru mabhindauko emabasa emawoko.

Kwayedza nguva pfupi yadarika yakashanyira dunhu iri ndokuwana Mambo Chimombe, VaCausemore Chimombe, vari mushishi kubatsirana nevagari veko mukuvaka hofisi yevechidiki iyo ichange ichishandira vanotungamirira mabhindauko aya.

“Ini ndini sachigaro wemabasa ebudiriro muno kune vechidiki ndichitevedzerwa naConrade Nyamande uyewo Jacob Mvuto ari munyori,” vanodaro.

“Tichapedza kuvaka hofisi iyi munguva pfupi iri kutevera uye tiri kuvaka zvirugwi zvehuku zvichachengeterwa huku 5 000 panguva imwe chete. Mamwe mabhindauko atiri kuita ndeemadzimai ekusona uye tine dzimba dzekuvezera dzatiri kuvakawo pano,” vanodaro mambo ava.

Basa iri riri kuitirwa panzvimbo yemabhizimisi yeRufaro Mambo apowo pachave nenhandare yenhabvu.

“Nzvimbo ino ine chibhorani chine mvura yatinoshandisa uye pane migodhi yakadzika miviri. Tinotarisira kuti makambani emigodhi anoti Shava, Dorowa, Substar, Dinhidza nemamwe ari muno achatibatsirawo mubasa ratiri kuita,” vanodaro Mambo Chimombe.

Vanoti vane hurongwa hwekuti nzvimbo iyi ipedzisire yave muzinda unodzidziswa vechidiki mabasa emawoko zvinova zvinoenderanawo nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Pasi pechirongwa ichi, mabasa emawoko anokurudzirwa zvikuru sehwaro hwebudiriro yeupfumi hwenyika.

“Tine hurongwa hwekuti nzvimbo ino igumisire yaita Vocational Training Centre, vana nevanhu vakuru vouya vachidzidziswa mabasa emawoko.”

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey