Uncategorized

Mambo vakarohwa parufu

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Mambo vakarohwa parufu

Kwayedza

MAMBO Chivero vekuMhondoro, kuMashonaland West, vakarohwa senyoka yapinda mumba zvose nemwanakomana namabharani wavo mukuru nevanhu vaive parufu kudunhu ravo nguva ichangodarika.

Mambo ava vainge vashevedzwa neimwe mhuri yainge yafirwa kuti vanogadzirise makakatanwa aivepo.

Mambo Chivero, VaBrown Shopo (65), mwana wavo Price Shopo nemunyori wedare ravo mukuru, VaSilent Kaseke (43), vose vanonzi vakarohwa parufu rwaJoseph Kunaka, mubhuku raChipashu.

Mapurisa ekudunhu iri vanotsinhira nezvekurohwa kwamambo ava. Mambo Chivero vanoti vakarohwa panhamo iyi mushure mekunge vakokwa kunogadzirisa makakatanwa ekwaifanirwa kuvigwa mutumbi wemushakabvu.

Mushakabvu Joseph aive nebarika remadzimai maviri uye paakarwara madzimai ake anonzi akaramwidzana kumupepa izvo zvakazoita kuti azonofa achichengetwa nemwanakomana nemuroora wake.

Murume uyu paakafa, pakamuka makakatanwa ekuti ovigirwa kupi pakati pekwavahosi, kwanyachide nekumwanakomana wake akange amupepa.

Izvi zvakazoita kuti Mambo Chivero vashevedzwe kuti vagadzirise nyaya iyi. Mambo Chivero vanoti vakasvikoti hazvaikwanisika kuti Joseph achemerwe nekuvigirwa kumba kwemwanakomana wake, vachiti pachivanhu izvi zvakafanana nekurambanisa mushakabvu nemadzimai ake.

Vanoti vakati Joseph anofanira kuchemerwa nekuvigwa kumba kwemukadzi wake mukuru kana mudiki, anove mashoko akabva amutsa bongozozo parufu urwu.

“Ndakarohwa sutu yose ikazara madhaka, ndikakuvara nekuzvimba kumeso nemusoro. Vanhu vakandirova vanodarika 8.

“Ndakazobva parufu apa ndichitiza pamwe chete nemwana wangu naVaKaseke mabharani wangu. Mambo kuiswa ruwoko chokwadi? Pasi rapinduka,” vanodaro Mambo Chivero.

Vanoenderera mberi vachiti: “Nyaya iyi takaimhan’ara kumapurisa epaMarisamhuka. Asi vanhu ava tinoda kuti vazotongwa mudare, ringava rangu kana remadzishe kana madzimambo akandikomberedza saNyamweda, Mashayamombe, Rwizi kana kwaZvimba,” vanodaro.

VaKaseke vanotsinhirawo nyaya yekuti vakarohwa vose naMambo Chivero apo vaiva parufu.

“Mutumbi waJoseph wakaita makakatanwa makuru kuti wovigwa kupi sezvo murume uyu aiva nemadzimai maviri — mukuru anga akavakirwa kwaChidyausavi, kwaNyamweda, kozoti mudiki ari kwaChipashu, kwaChivero.

“Pakarwara murume uyu, madzimai aya akatanga kukandirana nyoka mhenyu vachiramba kumupepa apo akazotorwa nemwanakomana. Izvi zvakazoita kuti pakufa kwake pamuke makakatanwa, mwanakomana achida kuviga baba vake oga uye vasina kupinda mudzimba dzanaamai vake,” vanodaro VaKaseke.

VaKaseke vanoti pakarwara Joseph, akatorwa nemwakomana wake — Remigious Kunaka — kusvika pakufa kwake ari kwaChipashu.

“Mutumbi wake wakaendeswa kumochari kuHarare. Vanhu vakazoungana kudzimba dzakasiyana, vamwe kumadzimai vamwewo kwaRemigious.

“Apa vamwe vaiti ngaavigwe nekuchemerwa kumba kwemwana akamupepa asi vamwewo vachiti aifanirwa kuenda kumba kwemudzimai wake mudiki kana kumukuru,” vanodaro VaKaseke.

Mambo Chivero vanonzi vakazoshevedzwa kuti vagadzirise gakava iri apo vakazorwiswa.

“Vanhu ava vakambenge vabvumirana kuti achemerwe kumba kwemwanakomana mutumbi wake wozongoendeswa kumba kwemudzimai mudiki uchipfuurira kumakuva,” vanodaro VaKaseke.

Paiedza Mambo Chivero kugadzirisa gakava iri, zvinonzi vamwe vanhu vaivepo vakatanga kuvatukirira.

“Ipapo pane mumwe akashevedzera nezwi raiva pamusoro achiti, ‘Iwe Brown Shopo hausi mambo, uri sarapavana. Ibva wabuda hako munyaya iyi’.

“Mambo vakazopindurawo vachiti, ‘Zvino kana ndisiri mambo chitunha ichi muchaona hachichavigwa kuno, endai nacho kwamunoda’. Ipapo mambo vakabva vatanga kurohwa vakapunzikira pasi mumadhaka sezvo kwainaya.

“Mwana wavo, Prince akaedza, kupindira ndokutangawo kurohwa nezvibhakera, mbama nebhutsu,” vanodaro VaKaseke.

Prince anonzi akazotizira mumba akanohwanda kuseri kwebhokisi raiva nemufi apo vanhu ava vakamupindira imomo ndokuramba vachimurova.

VaKaseke vanoti vakaedza kurandutsira Mambo Chivero kuti vasarohwe asi vakazvidenhera – naivowo vakatanga kurikitwa nemhomho yevanhu ava.

“Ndakadzipwa mweya ukatombopera, ndikazopunzirana pasi nevanhu ava tikagarana matunduru. Uyuwo Prince akazodhonzwa kubva mumba maiva nechitunha ndokunokandwa mugomba reguva raicherwa achinzi achipedzisa iye nekuti mwana wamambo,” vanodaro VaKaseke.

Mutumbi waJoseph unonzi wakazovigwa kwaChipashu asi vamwe vanhu vatoparara nekuda kwemhirizhonga iyi. Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vanotsinhira nyaya yekurohwa kwaMambo Chivero vachiti iri kuferefetwa.

“Handisati ndava nezvakakwana asi mashoko anoti mambo ava vakarohwa panhamo. Nyaya iyi iri kuferefetwa,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey