Uncategorized

MAONERO EDU: Iwe zvibate zororo rino

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
MAONERO EDU: Iwe zvibate zororo rino

Kwayedza

NGUVA iya yezororo rePaseka kana kuti Easter iyo inofarirwa nevakawanda yasvika. Vazhinji vanotora mukana wezororo iri kuti vange vachitandara kana kushanyira mhuri neshamwari.

Zororo iri rinodiwa nevazhinji nekuti rine mazuva akawanda zvekuda kufanana neepanguva yeKirisimasi pakupera kwegore.

Panguva yezororo rePasika, vamwe vanoripemberera vari kumachechi, vamwe vanochata kuchiti vamwewo vanoita zvimwe zvakasiyana.

Kune vamwe vanotora mukana wezororo iri kushanyira nzvimbo dzinoyevedza dzakasiyana zvinova zvinhu zvinokudzwa zvikuru.

Asi nyaya inosuwisa ndeyekuti gore roga-roga kune vanhu vanofa nekuda kwetsaona dzemumigwagwa idzo dzinokwanisa kunge dzichidzivirirwa kana vatyairi nevamwe vanoshandisa migwagwa vakatevedza mitemo pakufamba.

Somuenzaniso, gore rapera vanhu vanosvika 19 vakafa mutsaona dzemumigwagwa kumativi mana enyika pakazosvika musi weSvondo wezororo rePaseka iri. Zvinosuwisa kuona vanhu vakawanda kudai vachirasikirwa neupenyu munguva pfupi-pfupi yakadai.

Mapurisa anoti zhinji dzetsaona idzi dzinokonzerwa nevatyairi vanenge vachimhanyisa motokari, kutyaira zvisina hanya apo vamwe vanodarika dzimwe mota panzvimbo dzisina kukodzera sepanenge pasina kujeka kana kuti mutyairi asingaone zvinenge zviri mberi kwake.

Vamwe vanotyairawo vakadhakwa izvo zvinoita kuti vapedzisire vapinda mutsaona.  Chimwe chinokonzera tsaona imotokari dzinenge dzisina kukodzera kufamba mumigwagwa kana kutakura vanhu zvakadarikidza.

Hongu, nguva yezororo rePaseka ndeyekufara asi zvakakosha kuti veruzhinji vazive kuti kangoma kana koririsa kanenge kave pedyo nekuparuka. Tine chivimbo chekuti, semakore ose, sangano reTraffic Safety Council of Zimbabwe richabatana nemapurisa eZimbabwe Republic Police kukusha mashoko echenjedzo kuvatyairi pamwe neveruzhinji mumigwagwa pamusoro pamafambiro akanaka.

Mapurisa pamwe neveTSCZ vanogara vachiyambira vatyairi vedzimotokari nevamwe veruzhinji nguva dzose nezvemafambiro anotarisirwa mumigwagwa asi chinoshamisa ndechekuti kune vamwe vanoramba vakaisa zvimiti munzeve. Dzimwe dzetsaona idzi dzinoitika panguva yehusiku nekudaro zvakakosha kuti vatyairi nevamwe vafambi vaite nzendo dzavo kunze kuchakachena. Zvakakoshawo kuronga rwendo nguva ichiripo kwete kuti munhu azomhanye-mhanye nguva yapera.

Upenyu hwemunhu hunokosha nekudaro hunofanira kuchengetedzwa uye zvinorwadza kuona vanhu vachifa vana vachisara dzave nherera nekuda kwetsaona dzemumigwagwa idzo dzinokwanisa kudzivirirwa. Kune vamwe vanofarisa zvekusvika pakurwisana munguva yezozoro zvinove zvinhu zvisina kunakaka. Vanhu ngavafare murunyararo uye voti fare-fare tindike.

Hazvina kunaka kuti munhu azopedzisa Paseka ave mutirongo amirira kuendeswa kumatare edzimhosva mushure mekunge apara mhosva.

Kune vamwewo vanodya mari yose panguva yezororo, mhuri yosara ichitambura uye vana vopedzisira vave kutadza kudzokera kuzvikoro.

Zvakakosha kuziva kuti Paseka inouya ichidarika uye upenyu hwemangwana hunofanira kurongerwa.

Tinokushuvirai zororo rakaropafadzwa uye rine runyararo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey