Uncategorized

MAONERO EDU: Tinoda tsika dzakanaka

30 Nov, 2018 - 00:11 0 Views
MAONERO EDU: Tinoda tsika dzakanaka

Kwayedza

MARUDZI akasiyana pasi rose anozivikanwa nekuve netsika nemagariro izvo zvavanotevedzera zvinoita kuti pave nemutsauko pakati penyika nenyika.

Tsika idzi ndidzo mwongo kana kuti hwaro hwemagariro akanaka evanhu. Zimbabwe ine tsika nemagariro ayo izvo zvinogamuchirwa kumatunhu akasiyana enyika ino kubvira nakare pasi pasati parohwa nenyundo.

Dzimwe dzetsika idzi dzinosanganisira kukudza vanhu vakuru, kukoshesa hukama huripo pakati pevanyarikani vakaita semukuwasha naambuya kana muroora naatezvara.

Asi nhasi uno tsika nemagariro ane chiremera izvo zvinotarisirwa kuti vanhu vange vachiita hazvichanyanya kukosheswa.

Vechidiki havachakudze vanhu vakuru kwavari. Kana ivo vechikuruwo vari kungorasawo tsika dzakanaka.

Semuenzaniso, kare vechidiki vaisimukira munhu mukuru kuti agare pachigaro kana achinge akamira asi nhasi uno hakuna zvakadaro. Vechidiki vairemekedza zvakare vanhu vakuru nekuvapa rukudzo sezvavaiita kuvabereki vavo asi zvose izvi zvakapera.

Nerimwewo divi, kuremekedzana nekunyarana pakati pemukuwasha naambuya kana tezvara nemuroora zvave kuenda zvichipera.

Nhasi uno hazvishamise kunzwa kuti mukuwasha ari kupisa rudo naambuya vake – amai vemudzimai wake. Vamwe Vanatezvarawo vave kupengesana murudo nevaroora, kunove kurasa hunhu kusvikira pekupedzisira.

Kana pari pakupfeka nepakutaura, zvose zvarasika.

Tsika dzedu dziri kun’en’enwa netsika dzekunze.

Hunzenza hwose uhu huri kukonzerwa nekurasa hunhu uye vashoma vakazvipira kudzoreredza tsika nemagariro anokudzwa evanhu vatema. Nekudaro tinogamuchira nemawoko maviri chirongwa chiri kuitwa nemudzimai wemutungamiri wenyika, First Lady Amai Mnangagwa, chekufamba kumativi ose enyika vachidzidzisa vechidiki tsika nemagariro akanaka.

Pasi pechirongwa ichi, First Lady Amai Mnangagwa vanofamba vachiita ngano dzinove dzinodzidzisa vechidiki hunhu hwakarurama.

Kubva pasichigare, ngano dzaibatsira mukudzidzisa vanhu zvakasiyana-siyana pamusoro pehunhu hunokudzwa hwevanhu vatema.

Sekutaura kwaFirst Lady Amai Mnangagwa, vanoti kubvira kare, ngano dzaiumba hunhu hwevanhu kuti vave neruremekedzo uye ngano imwe neimwe ine chirevo chayo.

Vanoti ngano dzinobatsira zvakanyanya kuti vana vagone kuterera, kunyora nekuita zviperengo.

“Zvakakosha kuti mukure muine hunhu neruremekedzo kuvakuru uye kuti muzive tsika nemagariro,” vanodaro apo vaitaura svondo rapera pamusangano wavakaita kuGweru State Residence vachikurukura nemazana evana vakabva kuzvikoro zvakasiyana.

Vanoenderera mberi vachiti ngano ndeimwe nzira yaishandiswa mukubatanidza mhuri.

Izvi, vanodaro, zvaibatsirawo kuti vana vasanyanye kurasika vozopedzisira vave kurasa hunhu nekuita zvinonyadzisa.

Zvinhu zvinokudzwa zvikuru kuona mudzimai wemutungamiri wenyika vachizvipira kudzidzisa vechidiki tsika nemagariro akanaka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey