Uncategorized

‘mapiritsi echirume ekurera mhuri bodo’

30 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
‘mapiritsi echirume  ekurera mhuri bodo’ Mapiritsi ekurera mhuri anonzi anogona kuzoshandiswa nevanhurume munguva inotevera kana ongororo iri kuitwa ikabuda

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VERUZHINJI vari kutambira nepakasiyana nyaya yekuti vanhurume vanogona kushandisa mapiritsi ekurera mhuri sezvinoitwawo nevanhukadzi.

Izvi zvinotevera ongororo iri kuitwa neUniversity of Washington Medical Centre, kuUnited States, yemapiritsi ekurera mhuri ayo anonzi anogona kuzoshandiswa nevarume kana tsvakurudzo iyi ichinge yabudirira.

Ongororo iyi yakaitwa pakati pevanhu 100 vezera rinobvira pamakore 18 kusvika 50 ekuberekwa uye pa83 vakapedza ongororo iyi, zvakaonekwa kuti mapiritsi aya anoshanda zvakanaka kana achinge atorwa nemazvo.

Mapiritsi aya anodaidzwa kuti Prototype Male Pill.

Cathrine Makanha

Kwayedza svondo rino yakaita tsvakurudzo pamusoro penyaya iyi ikawana mafungiro akasiyana.

“Semadzimai, pose patinoita pamuviri tisingatarisire varume vanotituka kuti tinokanganwa sei kunwa mapiritsi saka kuuya kwemapiritsi aya kunoita kuti varume vanwewo zvigobatsira. Kudai atotanga kupinda muzvitoro nemuzvipatara izvozvi,” anodaro Susan Mleya wekuBudiriro, muHarare.

Asi varume vashoma vari kutambira danho iri, vazhinji vacho vanopokana nazvo.

Kimpton Mushamba

“Ini handimadi mapiritsi iwayo, kana kune vanoada ngavaashandise zvavo nekuti ini ndagara ndiri munhu akazvibata. Ndakaita vana vangu nemudzimai mumwe chete kusvika ndakwegura kudai. Pamusoro pazvo, ini nemudzimai wangu hatichanyanyi kuita zvebonde uye akatoguma ura,” vanodaro Sekuru Mayimba Katembo (88) vekuNyakaringa, kwaMurehwa.

Zvisinei, vanoti mudzimai wavo akavatendera kuti vatore mumwe mudzimai mudiki sezvo asisakwanise kuvagutsa muimba huru uye vari kutarisira kuzoita vamwe vana nemudzimai uyu. Marvelous Mavhura (31) anotiwo akazvipira kukabira mapiritsi ekurera mhuri zuva nezuva kana achinge azounzwa muZimbabwe.

Fortunate Pangeti

“Sevarume, tanzwa nenyaya dzemendenenzi nekuti vamwe vakadzi vava kutozvitora sebhizinesi rekutiberekera vana kuti vagoita mari nesu. Kutaura kudai ndine nyaya dzemendenenzi ina dzandiri kudaidzirwa kumatare edzimhosva, saka kana ndichinge ndava kunwa mapiritsi ekurera mhuri ndinoziva kuti handizomitisa vana nevanhu zvisina tsarukano,” anodaro achiratidza magwaro emendenenzi aakapihwa kuti agoenda kumatare.

Vamwe vanoti vanhu vari kuronga izvi vane chinangwa chekuunza zvirwere zvinozotambudza vanhu vatema. “Vashaya zvekuita here? Inini kunwa mapiritsi ekuronga mhuri kuti zvaita sei? Hazvizotikanganisa here izvi? Kuno kuAfrica kuchasara kusina vanhu, ndiMinister here vakutumai kuzotibvunza izvozvo? Vashayei? Handiite madhakanana akadaro,” anodaro mumwe murume anoita basa rekuchinja mari mumugwagwa uyo akaramba nezita rake.

Daniel Dingani

VaTalent Maposa (32) vekuMabvuku, muHarare, vanoti hazviite kuti varume vanwe mapiritsi aya nekuti ivo vanoda kuita vana vakawanda.

“Vakadzi ndivo vanozvara nekurwadziwa vachivhiiwa kuzvipatara uko saka ivo ngavanwe. Isu varume hapana chatinobva ndokusaka vamwe vedu tisina hanya nekurera mhuri. Tinotoda vana vakawanda zvekuti tinotofara kunzwa kuti pane mwana auya achitsvaga baba vake kumusha nekuti ndizvo zvinoita kuti tinzi tiri varume,” vanodaro.

VaWilliam Sengu (35) vekuChitungwiza vanotiwo madzimai ndiwo anoita pamuviri saka ndivo vanofanira kuanwa.

VaMayimba Katembo

VaGivemore Matanhire (50) vekuChitungwiza zvekare, vanoti varume vanogona kuzoda kuita vana kunze saka kana vaine ma“small house” vanogona kuzonetswa kana kusekwa vachinzi havabereki nekuti vanenge vari kunwira mudzimai wemumba mapiritsi.

Kuchiti Mai Cathrine Makaha (46) vekuEpworth, vanoti mapiritsi aya akanaka nekuti anoita kuti varume vasazoramba vachipomerwa nhumbu dzisiri dzavo.

“Kana murume achinwa mapiritsi ekurera mhuri anokwanisa kuziva nguva yekuitisa mudzimai pamuviri yaanoda zvichienderana nekuwana kwake. Zvakakosha zvakare nekuti mamwe madzimai ane miviri inorambana nemapiritsi saka vanogona kupota vachichinjana nanababa kuti varerukirwe panyaya dzeutano.

Anna Ngwaru

“Mapiritsi mazhinji ekurera mhuri anokwidza Bp, kutemesa musoro, kutevera zvakanyanya, kuita muviri wakakura nezvimwe. Saka kuuya kwemapiritsi anonwiwa nevarume kuchareritsira madzimai,” vanodaro.

Cosmas Mupfunya (37) anoti mapiritsi aya akaipa nekuti anoita kuti vanhu varegedze kushandisa makondomu.

“Mapiritsi aya akashata, zvakakosha kuti mupe dzidziso yemakondomu kunyanya nekuti kana munhu achinge anwa mapiritsi ekurera mhuri, anobva afungawo kuti kondomu harisisina basa. Ndiri kuona makuva mazhinji pamberi apo. Vanhu vachapera chokwadi, pachafiwa apo, AIDS ichawedzera!” anodaro.

VaKimpton Mushamba (45) vanoti mapiritsi aya akaipa nekuti anogona kuzoshaisa varume simba pabonde. “Handiti madzimai anonwa mapiritsi ekurera mhuri asi zvibereko zvavo zvichizogezwa mwedzi wega-wega apo vanotevera? Ko isu varume tichange tichigezwa nei? Ndiri kuona varume vachizoita zvidumbu zvakakura uye tichagumisira tava kufamba nemahand bag semadzimai ekuisira mapiritsi.

“Pafungei kuti unenge uchida kutora kadhi rekubhengi muhomwe woona mapiritsi achidonha?” vanodaro vachiseka zvavo.

VaDaniel Dingani (40) vekuEpworth vanotiwo vakomana vechidiki vachawana mikana yekushungurudza vanasikana nenzira yebonde vachitemba nekuti vanenge vasisakwanise kuvamitisa apo vanenge vari kutora mapiritsi aya.

“Asati auya mapiritsi aya, ngapaitwe ongororo yakasimba nekuti achaunza mhirizhonga mudzimba uye kuvanasikana. Ngapazivikanwe mazera evanhu vakakodzera kutora mapiritsi iwayo,” vanodaro.

Asi Anna Ngwaru (29) wekwaRusape anoti zvakakosha kuti varume vabatsirane nemadzimai avo mukurera mhuri.

Mai Nyarai Mahachi (47) weKuwadzana Phase 3, muHarare, vanotiwo madzimai ngaangoramba achinwa mapiritsi semazuva ose nekuti zvinhu zvitsva zvine njodzi.

“Pamwe ndichavarairwa ndichifunga kuti baba vari kunwa mapiritsi ivo vasiri ndoona nhumbu tugu ini ndakura seizvi. Ko zvinhu izvi zviri kutangirei nhasi uno? Kudaika zvakauya kare zvaitambirwa uye zviri kuitwa navanani ? Sandi kuda kutiunzira zvirwere zvegomarara redundiro kuvarume vedu here uku?” vanobvunza.

Mai Fortunate Pangeti (38) vanoti havatodi kuti vanakomana vavo vanwe mapiritsi aya nekuti anogona kukonzera gomarara.

“Vana vedu vachapera kufa negomarara redundiro nezvinhu zvatiri kuda kuunzirwa nevachena izvi. Ngavasada kuita ongororo dzavo vachishandisa vanhu mhani, handizvidi ini! Tinopedzerwa rudzi takatarisa kana tikasachenjera muno muAfrica nezvinhu zvinobva America.

‘‘Ivo kunyika kwavo havazvishandise asi voti ngazviende kuvanhu vatema? Hatidi!” vanodaro.

Mumwewo murume anoti kana mudzimai wake akamumanikidza kunwa mapiritsi iye achiri kuda zvekuita vamwe vana, “ndinongoadziisa pachitofu kuti atadze kushanda tione kuti zvinozofamba sei.” Zvinoratidza kuti ruzhinji rwevanhu vakataura neKwayedza — zvose varume nevanhukadzi – havasati vogashira kuunzwa kwemapiritsi echirume ekurera mhuri vachiti zvazviri pari zvino zviri nani.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey