Marara pose-pose bodo’ 

16 Jan, 2021 - 01:01 0 Views
Marara pose-pose bodo’  Claris Mandoreba

Kwayedza

Abel Ndooka 

SANGANO reZimbabwe Sunshine Group (ZSG) riri kukurudzira veruzhinji kuti vashandise nzira dzakakodzera pakurasa marara anosanganisira mamasiki, kwete kungoakanda pose-pose sezvo kuita kwakadai kuine njodzi yekukonzera kupararira kwezvirwere zvinosanganisira Covid-19. 

Head of programmes and co-ordination kuZSG, Mai Claris Mandoreba, vanoti kurasa marara pose-pose kune njodzi huru panguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19. 

“Kuti tikunde Covid-19, hutsanana hunodiwa mudzimba dzedu uye kwatinogara. Saka vanhu vanofanira kugara vachiita hutsanana nguva dzose. Marara anofanirwa kuraswa nenzira kwayo kwete kungoakanda pose-pose nekuti zvinokonzeresa kuti Covid-19 irambe ichipararira. 

“Marara akangokandwa pose-pose zvamunoziva vana vanotambira panze saka vanogona kutambisa marara anenge akangokandwa aya nemunhu ane Covid-19. Ndiko kupararira kunenge kwave kuita chirwere uye upenyu hwevazhinji hwoenda panjodzi. 

“Saka zvakakosha kushandisa nzira kwadzo dzekurasa marara,” vanodaro. 

Vanoenderera mberi vachiti, “Masiki chaiyo munhu yaanenge ashandisa asisaide, zviri nani kuipisa pane kuikanda pose-pose nekuti dzimwe dzinogona kunge dziine hutachiona. Saka kuipisa kwakanaka nekuti munenge matouraya hutachiona kuitira kuti husazoendawo kune vamwe.” 

ZSG ine hurongwa hwekuenda kumatunhu ose enyika ichiparidza mashoko echenjedzo pamusoro penzira kwadzo dzekurasa marasa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey