Mari yejuju yazara mutabhu

27 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Mari yejuju yazara mutabhu

Kwayedza

 ‘Yawandisa, handichaziva zvekuita nayo’ r ‘Vanhu ndibatsirei zvinhu izvi zvindisiye’

 ‘Handina mushandi anotambira pasi peUs$1 000’   ‘Bhutsu ndine 300’

MUKADZI anogara mumusha weshoroma muHarare anoti atambudzwa nemari yemishonga kana kuti yejuju, iyo yawanda zvava kutomutyisa sezvo achizongoona yazara zvekupfachukira mutabhu (tub) yake yekugezera.

Svondo rino mukadzi uyu akazvipira kutaura dambudziko rake kuKwayedza achiti imba yake iri kuBorrowdale yazara mazimari emaUS$ bedzi ayo aanongoona achiita zvekufashukira muimwe tabhu yemumba make.

Chiri kukonzeresa izvi mukadzi uyu anochiziva – mishonga yaakanotora kuimwe n’anga yekuMozambique asi iye ndokutyora mhiko dzaakapihwa. Zvino anoti haachada, haachaziva zvekuita nemari iyi nekuti yawandisa!

Mukadzi anongoda kuzivikanwa saShylet (40) bedzi uyu anoti ashaiswa zano  nemazimari emaUS$ aya zvekuti ave kutsvaga rubatsiro kune veruzhinji.

Mapfekero aShylet anoratidza kuti munhu ane “tunhu twake”.

Mifananidzo yetabhu izere mari iyo yakafukidzwa machira matsvuku erudzi rweretso, pamusoro pacho paine hari ine chuma nendiro yemuti, umo mune kadende zvose zvichinzi zvizere nembeu yevanhurume neropa revanhu zvinotaura zvakawanda pamusoro peupenyu hwemukadzi uyu.

Mari yakazara mutabhu apo padivi payo paine hari yakavharwa nembiya ine kadende pamusoro izvo zvinonzi zvizere nembeu yevarume neropa revanhu.

Mari yakazara mutabhu apo padivi payo paine hari yakavharwa nembiya ine kadende pamusoro izvo zvinonzi zvizere nembeu yevarume neropa revanhu.

Kuratidza kuti ishoroma zvedi, mubhadha waShylet, mhando dzeshangu dzake zvose nembatya zvinopa mucherechedzo wemunhu agere tatata.

Asi handizvo, Shylet anoti haachada zvose izvi nekuti mari haichamira kubuda mutabhu yake.

“Handichazvida zvemari yemishonga izvi. Ndazopfidza kwete zvekutamba. Imari hwai inongoramba ichibuda, zvekugara tub yakazara? Ndanzwa!” Shylet akaudza Kwayedza nemusi weMuvhuro svondo rino.

Nekuda kwekuti anozviti anozivikanwa nevanhu vakawanda muZimbabwe nekunyika dzakaita seSouth Africa, uko kwaaine dzimwe dzimba nemabhizimisi, mukadzi uyu anoti haana kusununguka kudurwa nezita rizere munhau yedambudziko rake.

Shylet akamboenda kunhepfenyuro yeStar FM achiti anoita mari nembeu yevarume vaanoshinha navo, iyo yaanokohwa, oichengeta mukadende kanogara kazere kari muzihari, umo inozodyiwa nezvidhoma nenyoka.

Nemusi weChishanu wadarika, Shylet ainge ambokumbira kutaura neKwayedza vari mumotokari yaaive nayo, yemhando yepamusoro, achiti kubva zvaakaenda kuStar FM, dambudziko rake ratokura sezvo mari iyi isisamupe zororo – iri kungowanda.

Shylet anoti akaenda neshamwari yake kun’anga yekuMozambique uko akanopihwa mishonga yekuti mbatya dzake dzemabhero dzaaitengesa dzimhanyirirwe nevatengi.

Anoti akapihwa mhiko yekuti azodzokera kun’anga iyi nemari yaainge awana mushure memasvondo matatu izvo asina kuita.

Izvi anoti zvakaitika chipo chemakore makumi maviri adarika uye ndokunzi nen’anga iyi haafanirwe kuroorwa kana kuita mwana asi kungopota achishinha nevarume avo vaanotorera mbeu yavo achinoisa muhari nemukadende kumba kwake.

Dzimwe dzeshangu dzemhando yepamusoro dzaShylet.

Dzimwe dzeshangu dzemhando yepamusoro dzaShylet.

Zvisinei, Shylet anoti haachada zvese izvi sezvo ave kuda kuroorwa nekuitawo mwana.

Apa ari kungoona mumba mazara mazimari.

“Zvinhu izvi handichazvida, ndapfidza. Ndinoitwa mukadzi nezvidhoma pasina zororo.

“Mhiko dzandakapihwa dzakaoma zvikuru, dzekuti ndinofanirwa kushinha nevarume vakawanda avo ndinotorera mbeu yavo iyo inozodyiwa nezvidhoma kuti mari iyi irambe ichiuya,” anodaro chiso chake chichiratidza kuvhiringika.

Anoti mari iyi haichamunakidza kudya sezvo yave kumushaisa mufaro.

“Nyaya yekusaroorwa imwewo yandinetsa nekunzi ndisaite mwana. Handichazvida, asi hazviregereke nyore. Ndinogona kana kufa ndokusaka ndiri kutsvagawo vangandibatsire.”

Anoti kunyangwe aine mari yakawanda, haangoipa vanhu vose-vose sezvo paine mhiko dzinofanirwa kutevedzwa nevanhu vaanopa mari yake.

“Mabhizimisi angu ari kufamba zvikuru, mari iri kuzara mutabhu zvekupfachukira asi handichaziva zvekuita nayo. Yangu mari handiise kubhanga, ndinobatsira vamwe vanoida uye vanobvuma mhiko dzangu dzandisingagone kukutaurirai,” anodaro.

Shylet anoenderera mberi achiti: “Ndinoshandisa hari mbiri, hombe inenge iine ropa rinounzwa nezvidhoma nediki yandinoisa mbeu yevarume vandinoshinha navo, iyo inogara yakazara. Ndizvo zvinodyiwa nezvidhoma nenyoka zvinondipa mari.

“Hari idzi dzinovharwa nemachira matsvuku sekutaurirwa kwandakaitwa nen’anga uye zviri mumba isingavhurwe dhoo.”

Shylet, uyo anozviti inherera, anoti akambotanga kuita zvechipfambi achiri mudiki nekuda kwekuoma kweupenyu.

“Pandakadzokera kun’anga iya, yakanoramba mari yangu ichiti ndakanonoka kudzokera sezvayaida. Ndipo n’anga iyi yakandiramwira zvose.

“Ndine dzimba dzinodarika gumi muHarare uye ndine mabhizimisi, nedzimwe dzimba nemotokari dzakawanda kuSouth Africa,” anodaro.

Shylet anoti imba yake yaanogara kuBorrowdale yakakura zvikuru. Kudzimwe dzimba dzake dzose hakugare hama, asi vashandi vatorwa bedzi.

“Imba yangu yandinogara kuBorrowdale ine dzimba 13 dzine matabhu nema ‘en-suite’ nezvose zvinowanikwa mudzimba dzakanaka. Asi tabhu inoita mari imwe chete, kutaura kuno yakatozara nema ‘USA’ (US$).

“Panguva yoga-yoga mutabhu umu munenge muine mari inodarika $10 miriyoni pedyo nehari nemachira zvemhiko dzangu. Ndaisiti ndikangoomberera, mari iyi yaibva yatanga kuwanda. Asi izvozvi yave kungowanda kunyangwe ndisina kuomberera.”

Shylet anoti mari iri kuzara mutabhu iyi ari kuibvisa achiisa mune dzimwe dzimba uye maUS$ bedzi sechibvumirano chaakaita nen’anga yekuMozambique.

“Vashandi vangu muno nekuSA vanodarika 100 pamwe chete, avo vandinotambirisa mari ine mumvuri. Mushandi wangu wemubindu anotambira mari inodarika $1 000 zvichikwira uye zvinoenderana nemabasa avo. Asi havafanirwe kutaurira vamwe vanhu kuti vanondishandira. Anenge angodaro chete zvinhu zvangu zvinozviziva, obva abuda basa oga nekuda kwezvaanoona pamba zvinomutyisa. Imi (veKwayedza) hamufanirwe kuzviona kana kuzviziva,” anodaro Shylet achiramba kuti vatori venhau vameme imba yake yemuHarare ine mabasa ose aya.

Shylet anoti tabhu iyi kana yazara nemari, pane zvaanonzwa mumuviri wake, angave masikati kana husiku.

Anoti anobva atuma vashandi vake vana vaanonyanya kuvimba navo pakati pevose, kuti vabvise mari iyi mutabhu voiisa mune dzimwe dzimba uko kwainochengetwa yakaputirwa nemachira matsvuku.

“Mutabhu iyi handimo mandinogezera sezvo ndiine mamwe. Ndine masofa, mibhedha, mawodhiropu, mbatya nebhutsu zvepamusoro.

“Asi ndinorara muimba imwe chete iyo ine tabhu inoita mari, dzimwe dzimba dzose hadzigare vanhu. Varume vandinoshinha navo vakandipa mari ndinoisanganisa neinobuda mutabhu,” anodaro Shylet akapfeka nguwani yezuva nemagogorosi.

Kubva paakabuda panhepfenyuro achiti ane mari yakawanda, anoti kune vanhu vane chitsama vari kumuridzira nhare vachida kuziva zita rizere, kwavangamuwane uye nekunowanikwa n’anga yakamupa mishonga yekupfuma iyi.

“Ndine vanhu vakawanda vari kundiridzira nhare vachida kuziva kune n’anga yakandipa mushonga uyu. Asi ndiri kuramba kuvaudza nekuti zvinozovatambudza mangwana.

“Ndine vamwe vanhu zvakare vane mbiri vandinopa mari iyi pachena. Imari chaiyo kwete zvemasaramusi zvinofungwa nevamwe asi handizive kwainobva ini.

“Handitenge zvinhu zvevanhu nemari iyi, zvandakatenga zvakakwana ndichazotaurirwa nezvikwambo izvi kuti chitenga zvimwe,” anodaro.

Shylet anoti vashandi vake vanogara kudzimba kwavo voga, kumabhoisikai.

Kune dzimwe dzimba dziri muHarare nekuSouth Africa kwakangozara midziyo uye kunogara vashandi chete pasina vanhu vanoraramo. Anoti anoenda achinoona nekurara kudzimba idzi nguva nenguva.

Mukadzi uyu anoti pavarume vaanoshinha navo vose, hapana anokwanisa kuona mamiriro akaita mumba make sezvo pasina anosvika kutabhu inozara mari.

“Ndikabuda kunze kwegedhi ndichityaira motokari yangu, murume wese wandinotarisana naye, kunyangwe achifamba netsoka kana ari mumota, anotondida chete nekuda kwemishonga yandakatemerwa nyora. Vamwe ndinovakwidza mota yangu ndoenda navo kumba kwangu, chandinoda imbeu yake.”

Shylet – uyo akaita hurukuro ino neKwayedza pedyo neimwe hotera huru iri muguta reHarare – akaramba kuti vatori venhau vanoona dzimwe dzedzimba nemabhizimisi ake achiti, “Munozoonesesa”.

Shylet haana kuda kubuda pachena kuti sezvo mari iyi iri kuwanda ichizara tabhu, chii chiri kunyanya kumunetsa nekuti fungidziro ndeyekuti anotofanirwa kunge achifara kuti zvinhu zvake zviri kumufambira.

“Muchiri kuda zvekuti titaure tese here kana kuti hamuchada? Ndauya ndoga, zvino zvamave kubvunza izvi zvabva kupi? Ndinoda kubatsirwa hongu, kwete zvekuti muongorore pamba pangu. Izvozvi zvakwana,” anodaro Shylet achiratidza kusafara nezvainge zvodiwa nemutori wenhau uno. Mukadzi uyu anoti ane shangu dzinodarika mapeya 300, mbatya dzakawandisa, midziyo isingaverengeke, motokari nezvimwe zvinhu zvaanotenga kunze kwenyika.

Kana hama dzake dzikamubvakachira, haadi kuti dzirare pamba pake.

“Ndinoti kuvanhu vanoda mari vari kundinetsa, veduwe handipe mari vanhu vose-vose. Ndine vangu vane zvatinoitirana zvine mhiko neni,” anodaro.

Kune vanoda kubatsira Shylet vanomubata panhamba dzinoti 0773 188 290.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey