Matare ovakwa kune veruzhinji

29 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
Matare ovakwa kune veruzhinji President Mnangagwa vachivhura zviri pamutemo dare reEpworth Magistrates' Courts apo Chief Justice Malaba nevamwe vaive vakatarisa.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUTUNGAMIRI wenyika President Mnangagwa vanoti mapurisa pamwe chete nevematare edzimhosva vanofanirwa kurwisa zvakasimba nyaya dzehuwori uye kushandiswa kwezvinodhaka sezvo izvi zviri kukanganisa budiriro yenyika.

Vachitaura nemusi weMuvhuro uno apo vaivhura dare idzva redzimhosva reEpworth Magistrates’ Courts, President Mnangagwa vanoti zvakakosha kuti mapurisa, vabati vemitemo neveruzhinji munharaunda vabatane mukurwisa nyaya idzi.

Vanoti pane hurongwa hwekuvakwa kwemamwe matare erudzi urwu munharaunda dzine veruzhinji munzvimbo dzakadai seCowdray Park neEmgwanini, kuBulawayo, Makoba, kuGweru, Mucheke kuMasvingo, Sakubva neDangamvura, kwaMutare uye Glen Norah, Mabvuku neBudiriro, muHarare.

“Matare edzimhosva akadai anofanira kuvakwa nekukurumbidza. Zvekare tinoshora nyaya dzehuwori nekushandiswa kwezvinodhaka, zvikuru nevechidiki avo tinotarisira kuti ndivo vanobata remangwana renyika. Kutora zvinodhaka ndiko kumwe kuri kukonzera kuwanda kwemhosva dzinoparwa munyika,” vanodaro.

President Mnangagwa vanoenderera mberi vachiti:

“Hakuna nyika inofamba zvakanaka kana isina mutemo, saka kuvapo kwezvivakwa zvematare edzimhosva munzvimbo dzinogara veruzhinji kunovarerutsira nekuti mhosva dzose dzinoparwa munharaunda dzinobva dzatongwa nenguva yakafanira uye hazvizoremedzi mamwe matare.

“Vanhu vemuEpworth vava kukwanisa kutongerwa munharaunda yavo zvinofambirana nezvirongwa zveDevolution uye zvinangwa zvebudiriro munyaya dzezvivakwa zveVision 2030.”

Dare reEpworth Magistrates’ Courts

Vanoti kana nyika ichinge iine kufambiswa kwemitemo kwakanaka, zvinoitawo kuti vatsigiri vekunze vauye nehuwandu kuzovhura mabhizimisi muZimbabwe.

“Kuvakwa kwematare edzimhosva munzvimbo dzakatsaukana munyika kunoratidza mabasa ebudiriro uye matare aya achange achishandisa ruzivo rwechizvino-zvino rweindaneti zvinoita kuti mhosva dzitongwe nenguva. Bumbiro remutemo wenyika rinoti munhu wose ane kodzero yekuchengetedzwa nemitemo nokudaro kuvakwa kwematare edzimhosva kuzadzikiswa kwekodzero idzi uye Hurumende ichatsigira zvakasimba zvirongwa izvi,” vanodaro.

Vachitaurawo pachiiiko ichi, Chief Justice Luke Malaba vanoti kuvakwa kwematare akawanda kuchabatsira kuti mhosva dzitongwe nemazvo izvo zvinofambirana nedingindira regore rino rinoti: “Matare nekusimudzirwa kwekufambiswa kwemabasa uye kufambiswa kwawo nemazvo.”

“Donzvo redu nderekuona kuti nzvimbo dzose dzine ruzhinji rwevanhu dzive nematare edzimhosva kuitira kuti nyaya dzose dzitongwe nenguva uye zvinobatsira mukurwisa nyaya dzehuwori,” vanodaro CJ Malaba.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey