Matuke ovakisa makiriniki

18 Mar, 2016 - 00:03 0 Views
Matuke ovakisa makiriniki

Kwayedza

VANHU vanosvika 12 000 vekuGutu Central, kuMasvingo, avo vange vari kufamba nzendo refu kuenda kunorapwa, vari kutarisirwa kubatsirikana zvikuru zvichitevera kuvakiswa kwemakiriniki matatu nemumiriri wedunhu iri, Cde Lovemore Matuke.

Muhurukuro neKwayedza svondo rapera, Cde Matuke, avo vanove zvakare Government Chief Whip, vanoti vari kuvakisa makiriniki munzvimbo nhatu dzinoti Mupata (wadhi 22), Mushayavanhu (wadhi 35) neNyamande (wadhi 11).

“Pamawadhi 10 ari mudunhu randinomirira, matatu acho anoti wadhi 11, 22 ne35 haana makiriniki nekudaro ndiri kubatsira mukuvakisa makiriniki aya,” vanodaro Cde Matuke.

Vanoti muhurongwa hwekuvakwa kwemakiriniki aya vari kushanda pamwe chete nevagari vemunzvimbo idzi.

“Vagari vemunzvimbo idzi vari kukanya zvidhina ini ndichibatsira nezvakaita sesimende uye ndakapa masaga esimende anosvika 150 pawadhi imwe neimwe,” vanodaro.

Cde Matuke vanoti chinangwa chavo ndechekuti mawadhi ose emudunhu ravo ave nemakiriniki kuitira kuti veruzhinji vabatsirike panyaya dzeutano.

“Pfungwa yekuti wadhi yoga-yoga ive nekiriniki inoenderana nechirongwa chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset, icho chakananga kuti nyaya dzeutano dzisimudzirwe muZimbabwe.”

Cde Matuke vanoti vakatangawo chirongwa chekuwanisa dzimba dzinodarika 1 000 magetsi ane moto unobva musimba remuzuva (solar) nedonzvo rekusimudzira raramo yevagari vemudunhu iri.

“Chinangwa chedu ndechekuti dzimba dzinosvika 1 000 dzive dzabatsirika pasi pechirongwa ichi gore ra2018 risati rasvika. Magetsi anobva muzuva aya anenge achishandiswa zvakaita semwenje wekuonesa mudzimba, kumaterevhizheni pamwe nemaredhiyo,” vanodaro Cde Matuke.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey