MaWarriors achatamba neNigeria neSouth Africa

13 Jul, 2023 - 22:07 0 Views
MaWarriors achatamba neNigeria neSouth Africa Warriors

Kwayedza

Abel Ndooka

CHIKWATA chenhabvu chenyika chemaWarriors nhasi chaiswa muboka rimwe chete nezvimwe zvinoti Super Eagles yekuNigeria, Bafana Bafana yekuSouth Africa, Benin, Rwanda neLesotho muGroup C rekurwira kuenda kuWorld Cup 2026.

Zvichitevera kubviswa kwakaitwa zvirango zvainge zvakatemerwa Zimbabwe neFIFA kwemakore maviri adarika, maWarriors ave kukwanisa kutamba nedzimwe nyika uye mitambo yawo yekutanga ichange iri kurwira kuenda kuwmWorld Cup 2026 iyo ichatambirwa kuUSA, Canada neMexico.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey