Mbavha 5 dzaba dziine mazipanga

22 Feb, 2023 - 08:02 0 Views
Mbavha 5 dzaba dziine mazipanga Insp Nobert Muzondo

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MAPURISA ekuManicaland ari kutsvaga chikwata chembavha shanu dzaive dzakapakata mazipanga (machete) avo vakaba panzvimbo mbiri husiku humwe chete kwaMurambinda, kuBuhera, nemusi weChina svondo rapera.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Nobert Muzondo, vanotsinhira nyaya iyi vachiti vanhu vaviri vakarasikirwa nemari inodarika US$500 pamwe nenharembozha.

Vanoti kusvika pari zvino, hapana ati asungwa nekuda kwenyaya iyi.

“Musi uyu pakati pehusiku, chikwata chevarume vashanu vaive vakavhara kumeso kwavo vakapaza pamusha waVaJoseph Vhatamu pedyo neMurambinda Growth Point. Vakazomurova vasati vatiza neUS$500 nenharembozha mbiri.

“Muhusiku humwe chete uhwu, makororo aya akanorwisawo VaClayton Gwama avo vaienda kuzvitoro zveGurajena. Vakavatorera nharembozha yavo neUS$40 vasati vanyangarika murima,” vanodaro Insp Muzondo.

Nyaya mbiri idzi dzakamhan’arwa paMurambinda Police Station.

Insp Muzondo vanokumbira veruzhinji vane ruzivo rwekuti makororo aya asungwe kuti vataurire mapurisa ari pedyo navo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey