Uncategorized

Mbavha yakachipiswa naamai vane mwana kumusana

28 May, 2021 - 18:05 0 Views
Mbavha yakachipiswa naamai vane mwana kumusana Insp Chananda

Kwayedza

Abel Zhakata ari kwaMUTARE

MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa anogara mumusha weSakubva, kwaMutare, uyo aive akabereka mwana kumusana, anonzi akarwisana nembavha yaida kumubira handbag rake zvikazoita kuti tsotsi iri ritize asi ndokudonhedza nhare yaro iyo yakazoshandiswa nemapurisa kumuronda kusvikira abatwa.

Mushure mekushamiswa nekurwiswa kwaiitwa naRukudzo Dzaramba, mbavha iyi, Lovejoy Gonouya (28), akabva atiza kubva panzvimbo yaaida kubira mudzimai uyu.

Pakamhan’arwa nyaya iyi kukamba yeSakubva Police Station, mapurisa akabva ashandisa nhare yaive yadonhedzwa naGonouya kumuronda.
Matikitivha akatarisa mamwe mazita evanhu vaive munhare iyi ndokufonera mudzimai waGonouya uyo akavataurira kwavanogara asingazive kuti murume wake aitsvagwa nekuda kwemhosva yaainge apara.

Gonouya akasungwa apo aive akatandara zvake nemhuri yake kuNatview Park kwaanogara kwaMutare kwakare.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Inspector Luxson Chananda, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitika pazororo reAfrica Day.
Vanoti pazuva iri, Dzaramba aifamba ave kuda kudarika St Joseph’s Bridge achienda kuSt Joseph’s Centre apo akaona kuti Gonouya aimutevera.

“Gonouya akabva angobata handbag raDzaramba achizama kuibvuta ai akatadza. Pakabva patanga kurwisana apo mumhan’ari akadhonzerana nemusungwa uyu akataba bhegi rake zvine simba. Dzambara akadonha pasi apo Gonouya akaramba achidhonza handbag iro raive rabvaruka,” vanodaro Insp Chananda.

Gonouya anonzi akazobvuta nhare yaDzambara achibva atiza kubva panzvimbo iyi asi akasiya adonhedzawo nhare yake.
Dzambara akatora nhare yaGonouya ndokunomhan’ara kumapurisa uye nyaya iyi ine nhamba dzinoti RRB4676071.
Matikitivha akabva ashandisa nhare iyi kumuronda kusvikira Gonouya asungwa kuNatview Park.

“Sezvo aive achiri kuyeuka kurwisana kwaakaita naGonouya, Dzaramba akakwanisa kumuziva semunhu aive amubira nhare yake,” vanodaro Insp Chananda.

Mukuferefetwa kwakaitwa nemapurisa, nhare yaDzaramba yakawanikwa yakavigwa pakati pezvidhinha.
“Gonouya akabva asungwa. Dzaramba akasvuuka-svuuka apo akarwisana nemusungwa uyu uye akanzi aende kuchipatara cheVictoria Chitepo Provincial Hospital kuti anoongororwa namachiremba,” vanodaro Insp Chananda.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey