‘Mhirizhonga haina kunaka, mhan’arai’

17 Dec, 2023 - 10:12 0 Views
‘Mhirizhonga haina kunaka, mhan’arai’ Muzvare Ekenia Chifamba

Kwayedza

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomiririra vanasikana, reShamwari Yemwanasikana, rabatana neUNESCO nemapazi eHurumende mukurwisa kumbunyikidzwa kwevana muZimbabwe.

Pasi pechirongwa cheOn-Wheels Anti-Bullying Campaign, chirongwa ichi chiri kupa chenjedzo kuvanasikana, vabereki nevamwe veruzhinji pamusoro pekuipa kwekushungurudzana.

Vachitaura vari kuSt Mary’s, kuChitungwiza nemusi weChitatu, Muzvare Ekenia Chifamba – avo vanova muvambi weShamwari Yemwanasikana – vanoti donzvo ravo nderekuti vanasikana vararame vakasununguka munharaunda dzakasiyana.

“Tinoramba tichifambira mberi nekushambadza kuipa kwakaita kushungurudzwa kwevanasikana nerumwewo ruzhinji kunyangwe mazuva gumi nematanhatu ekucherechedza kushungurudzwa kwevanhukadzi akadarika. Kushungurudzwa kwevanasikana kuri kukwira zvichionekwa nekuzviuraya kuri kuita vana uye vazhinji vacho vasikana.

“Kushungurudzwa kunosanganisira kutaurirwa mamiriro akaita muviri wako, hungava hutema kana hutsvuku hwechiso chako kana kusekwa chaiko,” vanodaro Muzvare Chifamba.

Vanhu vari kupihwa chenjedzo pamusoro pekuipa kwekushungurudzana

Sangano iri rinoshanda nemapazi eHurumende anosanganisira redzidzo yepuraimari nesekondari.

“Vana vanoshungurudzwa muchinyararire vozvidya mwoyo pasina wavanoudza, kunyanya muzvikoro zvose nekudzimba kana munharaunda dzavanogara. Nekuda kwekushaya wekupira dambudziko ravo, vamwe vanoguma vazviuraya.

“Muzvikoro umu vamwe vanakomana vanoitwa chingochani nevamwe vavo voramba vakanyarara inova nyaya iri muchikamu yeGender Based Violence (GBV).”

Muzvare Chifamba vanoenderera mberi vachiti: “Pane inonzi cyber bullying yemashoko atinotumidzirana panhare nepadandemutande akadai seekumhura vamwe nekutuka, dambudziko iroro ranyanya saka tinoti mhan’arai nyaya dzakadai.

“Chikamu chemapurisa cheVictim Friendly Unit (VFU) tinoshanda nacho zvakare pakupa dzidziso kuvana zvose nevabereki kuti vazive chinonzi kushungurudzwa nekumbunyikidzwa.”

Muzvare Chifamba vanoti vanotambira nemaoko maviri kuvepo kwemutemo unochengetedza kodzero dzevana weChildren’s Rights Act.

“Kune vanhu vazhinji vanotya kana kunyara kumhan’ara kumhurwa, kushungurudzwa nekumbunyikidzwa munzvimbo dzavanogara. Variko varume vazhinji vanombunyikidzwa vachinyara kubuda pachena saka muchizoona vamwe vachizoguma vazviuraya,” vanodaro.

Asst Insp Mazhambe

Vaive pagungano iri vanosanganisira Assistant Inspector Paidamoyo Mazhambe vanova coordinator weChitungwiza District Victim Friendly Unit.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey