Uncategorized

Mhuri dzinorarama mumhirizhonga

15 Jun, 2018 - 00:06 0 Views

Kwayedza

Danai Chirawu—

NYAYA dziri pamusoro pemhirizhonga hadzisi itsva muZimbabwe, dzagara dzinotaurwa kwete maringe nezvemutemo asi mumagariro evanhu zuva nezuva.

Chinoshamisa ndechekuti nyaya dzine chekuita nemhirizhonga hadzisi kuderera, zvisinei nekumhan’arwa kwadzinoitwa kumapurisa dzichizoendeswa kumatare edzimhosva.

Nyaya idzi, dzakawanda dzacho dzinosanganisira kushungurudzana kwevadikani muwanano.

Mhirizhonga inoitwa nenzira yekutaura kana kurwisa munhu, inowanzoitwa kuvanhukadzi, uye inokanganisawo raramo yevana.

Muhurukuro dzinoitwa dzakawanda munyaya dzemitemo maringe nemhirizhonga yemudzimba, hazviwanzotariswa kuvhiringidzwa kunoitwa vana nemhirizhonga iyi asi ichikanganisa zvikuru raramo yavo.

Nguva pfupi yadarika, dare reHigh Court raive nenyaya yakatongwa neJustice Tsanga, iyo yakatarisa kushungurudzika kunoitwa mupfungwa kumwana anenge akurira mumhuri ine mhirizhonga.

Munyaya iyi, musungwa aive auraya mudzimai wake achishandisa mawoko, demo nesimbi.

Huchapupu hwakapihwa nevana nevavakidzani hunoburitsa kuti mhirizhonga yakadai yaigara ichitika mazuva ose uye yaitorwa sechiitiko chenguva dzose.

Zvakabuda mudare iri kuti musungwa akakiya musuwo wemba ndokuuraya mudzimai wake apo vana vake vaive mumba umu, mumwe ane makore mashanu ekuberekwa neane maviri.

Vana vaviri ava vakawanikwa vakagara vachiratidza kuti hapana chavaiziva vari mudivi reropa paive nemutumbi waamai vavo.

Vamwe vana vakuru vemumhuri iyi vaive vaenda kunotsvaga rubatsiro kuvavakidzani vavo sezvavaigara vachiita mazuva ose, asi izvi hazvina kutadzisa murume uyu kuita humhondi uhu.

Mukupa mutongo munyaya iyi, mutongi akataura pamusoro pekushungurudzika mupfungwa kunoitika achiti, “Kushushikana kunokonzerwa nekuona kushungurudzana kunenge kuchiita vabereki kunotaridzika kumwana nezviratidzo zvakasiyana. Zviratidzo izvi zvinosanganisira munhu kuda kugara oga pamwe nekuve nepfungwa yekuda kuzviuraya. Matambudziko anokanganisa mwana nekuda kwemhirizhionga anogara nawo kweupenyu hwake hwose.

“Asi matare anoramba kuti atarise nyaya dzine chekuita nezviratidzo zvemwana zvinobva pakushungurudzwa uku. Kuchengetedza vana ava, matare anofanira kusandura maonero awo otarisawo zvinoitika kumwana anenge aona mhirizhonga ichiitika.”

Mutongi anoti kushevedzwa kunoitwa mwana kuti azopa hufakazi hwemafiro akaita amai vake kunomutsa ndangariro idzo anenge achiri kunetsekana nadzo mupfungwa.

Zvakadai, madzimai akawanda akapihwa magwaro edziviriro kumatare ekuvachengetedza kwemakore mashanu mushure mekushungurudzwa nevadikani vavo vanoti magwaro aya haabatsire zvachose nekuti vanongoramba vachishungurudzwa asi iwo vanawo.

Mubhadharo wekushungurudza mumwe munhu haunganzi unofanira kuve pasi-pasi se$50 kana maawa mashoma-shoma munhu achishanda achifondoka pasina muripo (community service).

. Kana paine zvamunoda kubvunza kana kuziva munogona kutibata padandemutande rinoti [email protected], kufona panhamba dzehotline dzinoti 0782 900 900 kana dzetoll-free 08080131.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey