Uncategorized

Michato yoparara

31 Dec, 2020 - 00:12 0 Views
Michato yoparara Mambo Makope

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MAMBO Makope vekuMvurwi, kuMashonaland Central, vanoti gore rino wananano dzine chitsama mudunhu ravo dzaparara zvichitevera matambudziko ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19.

VaJacob Mapirinjanja, avo vanova Mambo Makope, vanoti kune nyaya dzinodarika makumi mashanu dzakapinda mudare ravo kubva mwedzi waKurume kusvika Zvita dzevarume nevakadzi vari muwanano avo vanonetsana, honzeri chiri chirwere cheCovid-19.

“Covid-19 yakakonzera matambudziko mazhinji muvanhu, zvikuru kune vakaroorana. Madzimai nevarume vari kushungurudzana mudzimba nekuda kwekuti chikafu chashomeka mumhuri. Vamwewo varume vanobva pamba vachitiza mhuri, mamwewo madzimai achiitawo zvimwe chetezvo nekudaro dzimba dzakawanda dzakaparara,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti kubva pakatanga chirongwa chekuti veruzhinji vagare kudzimba senzira yekuedza kumisa kupararira kweCovid-19 (lockdown), nyaya dzekurambana nekurwisana mudzimba dzakawanda mudunhu ravo.

“Sezvo vanhu vasisaungane, nyaya idzi dzinounzwa kudare tichishevedza varume nemadzimai nevafakazi vaviri kubva kumhuri yemudzimai neyemurume. Nyaya idzi dzinoramba dzichiwanda uye kusvika izvozvi tave kubvumidza kugara matare apo takaona kuti nyaya dzevanhu vakarambana dzasvika makumi mashanu.”

Mambo Makope vanoti kana vachienzanisa mhosva dzekurambana dzavatonga mudare ravo nemamwe makore akadarika, dzaisadarika shanu mudunhu ravo rose.

“Tikatarisa mumabhuku edu ekutonga kwatinoita mhosva, mugore rakapera ra2019 kunongova nemhuri dzinokwana shanu dzakauya dzichiti vanoda kurambana nekuda kwezvikonzero zvakasiyana. Panyaya idzi, nhatu dzacho varume ndivo vakauya vachiti havachada vakadzi uye mbiri dzacho madzimai akakwira kudare vachiti havachada varume kuburikidza nekusachengetwa nekurohwa,” vanodaro.

Mambo Makope vanoenderera mberi: “Munguva ino yeCovid-19 kune nyaya dzemadzimai vari kupomerwa kuita chipfambi uyewo varume vacho vari kutizira kudzimba dzeshamwarikadzi vachisiya mhuri dzoga.”

Mambo Makope vanoti dare ravo sezvo riri rechivanhu, havana masimba ekurambanisa vari muwanano nekudaro vanoguma vokurudzira vanenge vachida kurambana kuti vaenda kumatare epamusoro.
“Tiri kuedza kuyananisa mhuri idzi kuti dzisarambane asi vamwe vacho vanokakavara vachiti havachada.

Seimwe yatakagumisira kutonga, mudzimai wacho akabuda pachena kuti haachada zvemba achiti kuramba achigara nemurume uyu mumba zvakangofanana nekumuvharira muimba imwe chete neshumba kuti adyiwe,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti mudunhu ravo kune dzimwe nhubu dzine katsika kekubika doro risingabvumidzwe nemutemo vachiritengesa nekudaro vari kushanda pamwe chete nemapurisa kuti vanhu vakadai varangwe.

“Kune vanoita misikanzwa yekubika kachasu nekuhodha rimwe doro risingabvumidzwe rinobva kunyika dzekunze rinodhaka vanhu zvekutadza kuziva zvavanoita nekudaro mhirizhonga dziri kuwanda dzinoita kuti vanhu varambane vana vosara vachitambura.”

Vanoti vari kushanda zvakare nemasangano akazvimirira nechinangwa chekuti vanhu vagarisane zvakanaka munharaunda.

“Tichibatsirwa nemasangano akazvimirira anoona nezvekugara kwakanaka kwemudzimba, tiri kufamba tichiparidza kuti vanhu vagare zvakarurama uye tichibatsiranawo nemapurisa,” vanodaro

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey