Uncategorized

Mimba kwemwedzi 9 . . .

29 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Mimba kwemwedzi 9 . . .

Kwayedza

 ‘Handi kekutanga kuzviita’

MUNYAYA inoshamisa zvikuru, mukadzi wechidiki wekwaZiki, kuBikita, anoti aita pamuviri kanodarika katatu — pekutanga ndokuzvara chinhu chainge zidatya rinonzi dzetse kana kuti kamba asi nekune rimwe divi chichiita senyama yerwatata.Mimba dzake nhatu dzinoonekwa kumakiriniki nekuzvipatara asi dzinozongotsakatika, imwe yacho yakangonyangarika yava nemwedzi mipfumbamwe.

Mai Vimbai Rusakaniko (35) avo vanogara mubhuku rekwaChokureva — vane fungidziro yekuti zviri kuitika kwavari izvi mabasa ehuroyi.

Mudzimai uyu ane vana 4 nemurume wake, VaHerbert Chabata (38) uyo waakaroorana naye mugore ra1999 uye anoti ave kugara achingotya nekuda kwezvaasangana nazvo izvi.

“Panhumbu dzandakaita, pane imwe yakasvika mwedzi 9, iyo ndakanga ndanyoresa kuchipatara cheMutare (General Hospital). Ndakazosununguka chinhu chinenge zidatya redzetse kana kuti kamba asi nerimwe divi chichiita senyama yerwatata. Izvi zvakatishamisa zvikuru.

“Dzimwe nhumbu mbiri dzakabva ndokuzoita ichangobva iyi, iyo yakasvika mwedzi mipfumbamwe zvakare ikazongotsakatika ndave kuda kunosununguka. Handina kubuda ropa kana kuita chii, dumbu rakangoserera zvekusara pasisina chinhu,” anodaro mukadzi uyu.

Anoenderera mberi achiti: “Gore rino mumwedzi waKubvumbi, ndakaenda kukiriniki yeMutikizizi ndikanotariswa ndikawanikwa ndiine pamuviri. Ndakazogara mimwe mwedzi mitatu ndokudzokera zvakare uko ndakanonzi nevakoti ndainge ndisisina mimba. Ndakazoendeswa kukiriniki yeMukore mushure memazuva apo ndakanonzi ndiende kuchipatara cheSilveira Mission Hospital uko ndakasvikako nemusi wa19 Mbudzi ndikanzi ndaiva nepamuviri paiva nemwedzi 8.”

Mai Rusakaniko vanoti vachingobva kuchipatara uku, dumbu ravo rakatanga kudzikira zvinoshamisa apo vakazodzokerako mushure memazuva vakanotorwa scan ikaratidza kuti vakanga vasisina pamuviri.

“Ndaonekwa kuti ndakanga ndisisina pamuviri, machiremba vakanditora ropa rikaendeswa kuchipatara cheMasvingo. Ndakanzi ndimirire kwemazuva matatu kuti ndizoona zvichabuda, apo zvakabuda zvakaratidza kuti ndaisava nemimba.

“Ndipo pandakazonzi nditsvage mari inoita U$80 yekuti ndigezwe chibereko nekuti zvandinenge ndabviswa zvacho zvizoendeswa kuchipatara chekuBulawayo (Central Hospital) kuti zvinoonekwa kuti dambudziko rangu riri papi,” vanodaro.

Vanoti vachakangomirira kuti vawane mari yekuti vagezwe chibereko neimwe yacho yekuti zvavachabviswa zvinoongororwa kuBulawayo.

“Ndinotsvagawo mari iyi kuti ndibatsirwe nekuti handizive kuti matambudziko akadai aya achandisvitsa kupi. Ndafamba mun’anga nemaporofita ndichinzi kuroyiwa, asi hapana chavari kundiyamura nacho.”

Mai Rusakaniko vanoti mateneti, tumbatya nemanapukeni zvavakanga vatenga kugadzirira nhumbu iyi vakazvichengeta.

“Vana vangu vari kunzi vanodyiwa vari mudumbu nevaroyi. Saka ndave kutya kuti vakashaya vana vekudya ndarega kuita pamiviri, vanoguma vauraya inini,” vanodaro.

Murume wavo, VaChabata vanoti vari kurwadziwa nekuda kwedambudziko rine mudzimai wavo.

“Ichokwadi, akambosununguka chinhu chaiita serwatata, sedatya kana kamba icho chaisanzwisisika. Chakazopiswa kuchipatara cheMutare. Ndinofunga kuti uku kuroyiwa chete,” vanodaro.

Vanoti vari kutsvaga rubatsiro kune vose vanokwanisa, kungave vechivanhu, kumaporofita kana kune avo vanovawanisa mari yekuenda kuchipatara.

VaElijah Chabata (63), vanova tezvara vaMai Rusakaniko, vanoti vanofambawo kwakasiyana voga vasina muroora wavo uko vanotaurirwa kuti imhepo dzemusha dzinokonzera izvi.

VaElijah Chabata

VaElijah Chabata

“Hatisati takwanisa kufamba nevakarahwa vedu nekuda kwenyaya iyi, tinongofamba toga tichingobata kuti imhepo dzemumusha. Inyayawo yatotinetsa kuti muroora akambozvara chinhu chinenge datya kana kuti nyama yerwatata, nhasi nhumbu yasvika mwedzi 9 yave kungotsakatika. Zvave kutityisa,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa nemudzimai wavo, Mai Sofia Muzhira (57), vachiti: “Tinokumbira kune vanokwanisa kubatsira muroora wangu vamuyamurewo nekuti hatizive kwazvichasvika.”

Pamusha apa panonzi pane varoora vana asi mumwe chete uyu ndiye ane dambudziko iri.

Mai Sofia Muzhira

Mai Sofia Muzhira

“Vamwe varoora havana dambudziko rakadai, zvisinei kuti vanovhiiwa pakusununguka kwavo,” vanodaro Mai Muzhira.

Kune vanoda kubatsira vanogona kuridza nhare dzinoti 0773 731 075, 0717 244 656, kana 0773 770 235.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey