Uncategorized

Mimba nehanzvadzi tugu . . .Handirambane Nasisi: bhudhi

03 May, 2019 - 00:05 0 Views
Mimba nehanzvadzi tugu . . .Handirambane Nasisi: bhudhi Tilda naJacob Mandeya

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MWANAKOMANA nemwanasikana vagere nevabereki vavo mumba mumwe chete kwaChikwaka, kuGoromonzi, vari kuita makunakuna ayo asiya sisi vava nemimba yabhudhi iyo yatova nemwedzi mitanhatu uye vaviri ava vari kubheja vachiti hazviite kuti varambane.

Jacob Mandeya (22) nehanzvadzi yake Tilda Mupfundirwa (20) vose vari kutsidza kuti yadeuka yadeuka — pasvika rudo rwavo hapachaita kuti varambane.

Chipini ichi chiri kuitika pamusha paVaFrancis Mandeya (60) avo vanogara mubhuku raTaomera kumapurazi eRemainder of Belvedore.

Amai Munemo — Jane Shonhiwa

Reparance Madora

Jacob mwanakomana waVaMandeya kuchiti Tilda mubvandiripo — mwana wemukadzi waanouya naye apo anoroorwa nemumwe murume — Mai Reparance Madora (46).

VaMandeya nemudzimai wavo Mai Madora vava nemakore anodarika 14 varoorana.
Pachivanhu, Jacob naTilda ihanzvadzi nehanzvadzi dzakazara uye pamutemo, zviri kuitwa nevaviri ava imhosva kunyangwe zvazvo Mai Madora vachinzi vava kuti musikana uyu mwana wemunin’ina wavo.

Kudanana kwemukomana uyu nehanzvadzi yake kunonzi kwakatomboita kuti vaviri ava vapihwe imba yavo semurume nemudzimai, pashure ndokuzopatsanurwa senzira “yekurangwa”.

Kune mashoko anoti Mai Madora – nekuda kwekushaya mbereko naVaMandeya – ndivo vakaita “dhiri” rekufurira Tilda kuti adanane naJacob senzira yekuti ivo vawane magariro pamusha apa sezvo vasina mwana wavakabereka nemurume wavo.
Kwayedza payakashanyira mhuri iyi, yakawana Jacob naTilda vaperekedzana semurume nemudzimai kunonyoresa mimba yemakunakuna iyi kuMarondera Hospital.

VaMandeya vanonzi vakaita vana gumi nemudzimai wavo uyo akaenda anova ndiye amai vaJacob kuchiti Mai Madora vanoti havana kumbobvira vakaita mwana. Zvisinei, mashoko ari kufamba munzvimbo iyi anoti Mai Madora ndivo vakarunzira Tilda naJacob kuti vadanane senzira yekuti vatsigise wanano yavo sezvo ivo vasina mwana mumusha umu, kunyangwe zvazvo ivo vari kurambisisa nyaya iyi.

Mumwe muvakidzani wemhuru iyi – uyo akakumbirisa kuti zita rake risaburistwe – anoti Mai Madora ndivo vakaronga kuti Jacob naTilda vadanane.

“Amai ivavA ndivo vaitovatuma vari vaviri kumagadheni kuma4 dzemangwanani nechinangwa chekuti vawane nguva vari vose. Isu vana ava taitovaona vakawaridza zambiya vakagarirana pamakumbo.

“Uyu Jacob aitova nemusikana wake waaida kuroora asi amai ava vakasvika pakumutorera foni yake vachiti asataura naye asi achingoita zvaTilda chete. Vana ava vakatopihwa imba yavari kugara vose pamusha ipapa,” anodaro muvakidzani uyu.

Asi, Mai Madora vari kuramba nyaya yekuti ndivo vakafurira Tilda naJacob kuti vadanane kuitira kuti ivo vawane magariro pamusha apa semunhu asina mwanapo.

Vopa divi ravo panyaya iyi, Mai Madora vanoti:
“Vana ava vakanyatsodanana voga. Ini pamwe ndainge ndisipo ndiri kwaMutare kunhamo, saka maziso angu angaona zvinosara zvichiitika kuGoromonzi here? Ndingati Tilda huya uroorwe nemwana wemurume wangu? Ko, kana akabara mwana ndinenge ndomuti chii?

“Amai vaJacob vakatoinga nyaya iyi pano vachibva kwaMurehwa vakazviramba izvi vachiti angatochengeta hake mwana kwete kuroora hama uye ini handina kana kumbovapa vana ava imba. Hama dzose nemadzikoma ake vakazviramba.

“Tilda ndaimuudza kuti iyi ihanzvadzi, regerai zvamuri kuita nekuti muchatiitira makunakuna. Asi iye airamba achiti haana zvaari kuita namukoma Jacob. Ndikaona kuti kana ndikada kuita kikiri-kikiri nevana vemazera aya ndinosungwa nemutemo.”
Mai Madora vanoenderera mberi: “Tilda ndakamutora gore rapera paseri achibva kwaMutare mushure mekushaya kwevabereki vake. Amai vake vainzi Hellen Mwaningiseni Musiringofa-Chando avo vakashaya muna2014. Ndipo ndakamutora mwana uyu kuti ndizomuchengeta kuno senherera achitsvaga basa semunhu akasiira chikoro panzira.

“Vana ava vaishereketera musango, ini handina chandinoziva. Asi murume wangu aimboti haasi kuona mafambiro akanaka pakati pevana ava. Takatombovatsiura asi Tilda ndiye aigara achifonera Jacob kuti amuchingure paaiuya ku“off” achibva kubasa kwake.”

Pane mashoko anoti mudzimai uyu anozvambaradza kurova murume wake asi Mai Madora vanozviramba zvisinei nekuti vanobvuma kuti vakambomhan’arirwa kumapurisa eko nemaitiro aya. “Tasvika kumapurisa kuye, baba vakaramba zvekuti ndinovarova nyaya ichibva yangoraswa,” vanodaro Mai Madora.

Jacob anonzi akagumira Grade 7 apo Tilda akazvika Fomu 2 nekuda kwekushairwa mari dzechikoro. Amai Madora vanoti Tilda aimbodanana nemurume wemunhu wemunharaunda mavo vakatombomutsiura mushure mekunge murume uyu atuma vana vake nehuku zvichinzi musikana uyu ape amai vake vagodya paKirisimasi. Vanotizve vakapotsa varambwa nemurume nekuda kwemakunakuna ari kuitwa nevana vavo aya.

“Zvino nhasi kana vangodzoka kuchipatara kwavaenda kunonyoresa, havapagare pano. Ndinoda kuvadzinga nekuti handinganzi ini ndakabatsiridza wanano yavo. Ini ndiri kutonetseka kuita mbereko uye ndingati mwana wangu huya uroorwe pano ini ndisina kana kubvisiwa sendi repfuma? Ndoti Tilda huya tisangane pano panhamo yakadai?

“Ndakatozonzwa zvekudanana kwavo apo Tilda anga atova nenhumbu ine mwedzi mishanu,” vanodaro amai ava vachibongomora kuchema nehasha.

Mumwe muvakidzani wavo, Jane Shonhiwa (40) kana kuti Mai Munemo, vanoti vakatomboshevedzwa naVaMandeya kuti vazotsiura maitiro aJacob naTilda.

“Inyaya yevana vakashereketa nekuti vana vanoita zvose zvose. Asi izvi hazvina kunaka nekuti zvinonyadzisa zvisinei nekuti vanoti mitupo yavo yakasiyana, chokwadi ndechekuti vana ava ihanzvadzi nehanzvadzi. Ndokusaka zvichinzi mugoni wepwere ndeasinaye,” vanodaro Mai Munemo.

VaMandeya havana kubatika sezvo vainzi vainge vaenda rwendo kudhorobha.
Kwayedza yakazotevera kuMarondera Provinvial Hospital uko kwainge kwaendwa Jacob nemudzimai wake Tilda kunonyoresa mimba – kusikero. Vaviri ava vakadurawo zviri pamwoyo yavo kana pari panyaya dzerudo.

“Hatina kuita makunakuna nekuti hatina hukama uyu ane dzinza rake ini ndine rangu.
“Nhasi taroorana, mai vake ini ndinamai vangu asi sekugarisana ndozvatakaziviswa kuti Tilda ihanzvadzi yangu,” anodaro Jacob

Nekune rumwe divi, Tilda anoti ane hurongwa hwekuripa amai vake pane zvavakaita.
“Pane chinhu chakapotseka pane zvatakaita sevana. Pandakaunzwa kuno namhamha, vakanditi Jacob ndibhudhi ini ndiri sisi wake. Ndinorwadziwa kuti vave kuitwa chiseko nezvatakaita uye havaizvitarisira saka ndikawana mari ndichavaripa nekuti ndakatadzira amai vangu.

“Asi, hatisi kuzorambana kana kuita chekaukama kunyangwe zvazvo vakatiisa pamurango wekuti timbomira bonde, mumwe nemumwe ombogara oga. Tatova nemwedzi miviri tichirambidzwa kusangana,” anodaro Tilda asina kana nyadzi.
Vaviri ava vanoti rudo rwavo zvose nekusangana vaiitira pamba pavo ipapa.

Tiudzei zvamunofunga nenyaya ino pa: 0714 200 007

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey