Moses Chunga @ 58 . . . ‘ndoda kusvitsa zana’

20 Oct, 2023 - 15:10 0 Views
Moses Chunga @ 58 . . . ‘ndoda kusvitsa zana’ Moses Chunga

Kwayedza

‘Munoseka kuti Bambo haagone chirungu asi kana Messi haachigone wani, chakakosha itarenda bedzi’

. ‘Tinoda tsika kwadzo’

. ‘Vana vasasika hunhu’

. ‘Ndini ndine nhoroondo’

Abel Ndooka

MOSES “Bambo” Chunga ari kufara nekupemberera – asvitsa makore 58 ekuzvarwa.

Bambo kana kuti Razorman – uyo akaita mukurumbira achatamba nhabvu – anoti kutya Mwari uye kukoshesa hunhu netsika dzakanaka nemagariro ndiko kwamuona achisvitsa makore 58 ekuberekwa.

Nemusi weChipiri svondo rino, Bambo ndipo paakasvitsa makore ekuberekwa aya.

Gamba renhabvu yemuZimbabwe iri rakazvarwa musi wa17 Gumiguru 1965.

Muhurukuro neKwayedza, Chunga anodurura zvakawanda pamusoro peupenyu hwake kusanganisira kuti vamwe vanhu vanomuseka vachiti haagone kutaura chirungu asi ari iye mutambi wekutanga kubva muZimbabwe yawana kuzvitonga kuzere akanotambira nhabvu yake kuEurope.

Anoti hunhu hwakanaka uye kunamata Mwari kwakakosha zvikuru sezvo dziri idzo nzira dzinoita kuti vanhu vachengetedzwe muupenyu hwavo.

“Munoziva chinhu chinoratidza kuti nyika yave kuenda kumagumo inyaya yekuti hatichakoshesa tsika dzedu, hunhu hwedu, magariro edu uye kutenda munaMwari.

“Mukaenda kuEurope, vanotevedzera tsika dzavo idzo vanokoshesa, manje muno tsika dzedu tiri kurasa mudondo tichitevedzera dzevamwe zvinove zvichatiparadza.

“Ini pandasvika nhasi kuchengetwa naMwari, ndinonamata uye kukoshesa kwandinoita tsika dzedu vatema nehunhu hwedu nemagariro akanaka, saka ndave kushandira kuti ndisvike kuzana.

“Zvino mazuva ano tinoona vechidiki havana rukudzo kuvabereki, havaremekedze vavakidzani, ukamutuma anoramba anokuudza nezvekodzero dzake. Kodzero dzipi iye achigara mumba mako uye achida kuchengetwa newe?” anodaro Bambo.

Moses Chunga

Bambo agara anozivikanwa kuti haataurire mangwana – anotaura zviri mumusoro make ipapo ipapo. Iwe kuzvigashira kana kusazvigashira yava nhamo yako!

“Ndinokurudzira vanoisa mitemo kuti ngavadzose mutemo wekuranga vana nekuti ndiyo yega nzira yekuti vadzoke mugwara vanyatsoti tasa chaizvo.”

Panguva yakakura Bambo, kwaive nenzvimbo dzakasiyana kwavaiswera sekuMai Misodzi Hall nekuStodart, kuMbare, uko vainotamba mitambo yakasiyana.

Moses Chunga kuridyi mugore ra2012 aenda kuBelgium

Anoti nzvimbo dzakaita seidzi hakuchina naizvozvo dzinofanirwa kudzoswa kuitira kuti vechidiki vawane kwekuswera vachivaraidzwa.

“Munzvimbo dzakasiyana ndinokurudzira vakuru veko kuti dai vasiya dzimwe nzvimbo dzekuvaka maRecreation Centers ayo vana vanoenda vachinoswera vachitamba mitambo uye kudzidza zvakasiyana sezvatakakura tichiita isu.

“Nzvimbo idzi dzakakosha zvikuru uye dzinovaka upenyu hwevana.

“Izvozvi vana havana zvavari kuita, vamwe vari kuswera vakagara vachifurirana, ndiko kusaka tiri kuzoona vanasikana vachipihwa pamuviri vachiri vadiki. Ngatirongerei upenyu hwevana vedu.”

Bambo anoti chinhu chaanonyatsokoshesa kuroora kwaakaita mudzimai wake nekuita vana vavo vashanu – vakomana vaviri nevasikana vatatu.

Anoti chimwezve chinogara mundagariro dzake kuve mutambi wekutanga kubva Zimbabwe yawana kuzvitonga kuzere kuenda kunotambira kuEurope.

Izvi zvakamuona achienda kunotambira nhabvu yake kunyika yeBelgium.

Kana nanhasi Chunga anoremekedzwa zvikuru kunyika yeBelgium nekuda kwembiri yaakaita achitamba ikoko.

Bambo anoti chimwe chinomufadza nanhasi kunwisa ka46 mumwaka mumwe chete wePremier Soccer League izvo zvisati zvazombogonekwa nemumwe mutambi wenhabvu muZimbabwe.

“Paupenyu hwangu ndakasangana nezvakawanda asi zvinhu zvakandikoshera zvisingabve mudangariro dzangu kuroora kwandakaita mudzimai wangu nekuita vana vashanu. Zvinhu zvandinokoshesa zvikuru muupenyu hwangu.

“Ndinodada kuve mutambi wenhabvu wekutanga kubva muZimbabwe tawana kuzvitonga kuzere akakwanisa kutambira kuEurope. Ndini ndine nhoroondo iyoyo, kuchiti kunwisa kwandakaita ka46 mumwaka mumwe chete inhoroondo nanhasi iri kutadzikwa kubviswa.

“Zvichatoda munamato wakasimba chaizvo kuti pazoita mumwe mutambi wenhabvu anokwanisa kubvisa nhoroondo iyi.

“Chimwezve chinhu kukunda nyaya yemitauro, vanhu vanogona kuti hee Chunga haagone chirungu asi ini ndakakwanisa kuenda kunotamba nhabvu kuBelgium kwemakore akawanda chaizvo nekusagona chirungu kwangu ikoko. Zvemitauro hazvina kana basa, Lionel Messi ishasha yebhora pasi rino asi haana kana zuva rimwe raakambotaura chirungu asi ishasha. Asi kuno tenge tichisekwa kunzi hatigone chirungu,” anodaro.

Anoti nhabvu yemuzvikoro iri kufanirwa kupihwa nguva yekutambwa zvakasimba kuti Zimbabwe ive nevamwe vatambi vanosvika padanho rake naPeter Ndlovu.

“Muzvikoro nguva ishoma iri kutamba vana nhabvu kana kudzidziswa, saka zvichatiremera kutsvaga mumwe Bambo kana Peter Ndlovu. Dai nhabvu yatambwa gore rose muzvikoro vana vagare vachidzidziswa mutambo uyu nemimwe nekuti ndiyo yoga nzira ichatibatsira kuwana vatambi vepamusoro vakawanda vemangwana,” anodaro Bambo.

Mumazuva ake, Razorman aiti kunzvenga, kumisa bhora negumbo kana nechipfuva – kana vatambi vezvimwe zvikwata zvaitamba neDynamos vaingosara vakayeva. Kana riri remugadzikirwa sepena kana “free-kick”, vabati vepagedhi vaisara vachibata mhepo bhora rotozunguza mambure.

Kunze kwekutambira DeMbare muno, Bambo akatambirawo chikwata chenyika ari keputeni wacho.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey