Mota inotakura zvitunha yabiwa parufu

27 Oct, 2022 - 16:10 0 Views
Mota inotakura zvitunha yabiwa parufu Motokari yezvitunha yabiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUNE murume asungwa kuMacheke nemhosva yekuba motokari inotakura zvitunha yeimwe kambani inoviga vafi apo yanga yaendesa chitunha kwaMurehwa.

Assistant Inspector Misheck Denhere, avo vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland East, vanotsinhira nezvekusungwa kwaSydney Chauke (27).

“Nyaya iyi yakaitika munguva pfupi ichangodarika apo mapurisa ekuMacheke vakanyeverwa nematikitivha ekwaMurehwa kuti kune murume ainge aba motokari yeFirst Mutual Funeral Services yemhando yehearse yaiva panhamo yaunza chitunha achibva aivhetemetsa akananga nemugwagwa unoenda kuMacheke. Mapurisa ekuMacheke vakabva varindira mumugwagwa weMurehwa-Macheke apo vakaona motokari iyi ichisvika pavaiva, ndokuedza kumisa asi mutyairi ndokuramba kumira apo akapoya nemugwagwa wemusango,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Mapurisa vanonzi pavakaona mutyairi aramba achitiza nemotokari iyi, vakazoridzira pfuti mudenga senzira yekumuti amire asi ndokuramba achingoenda.

Mapurisa vakazodzingirirana nemotokari iyi vakananga nekurukisheni rwemuMacheke.

“Mutyairi uyu aona kuti mapurisa vairamba vachidzingirirana naye, akazoedza kuenda kumugwagwa weHarare-Mutare Highway apo mapurisa vakazokwanisa kumuvharidzira kuti asadarika. Ipapo akabva asvetuka kubuda mumotokari ndokutanga kutiza netsoka nemusango, mapurisa vachibva vazomupfura pagumbo rekuruboshwe mushure mekunge aramba kuterera yambiro yavo,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Vanoti mapurisa vakabva vakwanisa kumusunga, motokari yemhando yeToyota Hilux GD6 single sab inokosha US$30 000 ichibva yawanikwa.

Assistant Inspector Misheck Denhere

Mumwe anoita basa rekuviga vafi mukambani yeFirst Mutual Funeral Services, VaDavis Chatezvi, vanotenda mapurisa nekushanda kwavakaita kusvikira pakuwanikwa kwemotokari inotakura zvitunha iyi.

“VaDavis Chaitezvi vakataura kuti havazive kuti murume uyu aida kunoshandise chii motokari iyo yakanyorwa kuti inotakura zvitunha, ndokutenda mapurisa nekuita kuti motokari iyi iwanikwe,” vanodaro Asst Insp Denhere.

Vanoti vane fungidziro yekuti musungwa uyu aida kushandisa motokari iyi kuita zvehumbavha sezvo pasina aizofungidzira kuti motokari yezvitunha ingashandiswe mabasa akadaro.

“Tine fungidziro huru yekuti Sydney Chauke aida kushandisa motokari iyi mumabasa ekuba nezvimwe sezvo motokari dzinotakura zvitunha dzisingamiswe mumaroad blocks. Tinokurudzira vatyairi vemotokari dzakadai kuti vadzichengetedze panzvimbo dzinoonekwa neruzhinji uyewo nekukiya madhoo kunyange mumarufu mavanenge vari,” vanodaro.

Asst Insp Denhere vanokurudzirawo makambani ane motokari dzinotakura vafi kuisawo zvinochengetedza zvakaita semichina yekuronda kwadzinenge dziri.

 

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey