Mudumbu mangu munotamba

24 Mar, 2017 - 00:03 0 Views

Kwayedza

MUBVUNZO:

Sekuru, ndaita dambudziko remudumbu nemakumbo. Makumbo angu anopisa pasi petsoka achirwadza. Izvi zvakatanga pandakasangana nemumwe mukadzi wandinofambidzana naye. Tisati tasangana, takaenda kunotorwa ropa kanokwana kashanu maresults akabuda ari nagetive. Pandakasangana naye rimwe rezuva ndisina kudzivirira, ndakatanga kurwadziwa kunhengo yangu ndichiburitsa zvinenge hurwa kana mukaka. Ndakaenda kwachiremba ndikapihwa treatment asi nanhasi hazvina kupera.

Dambudziko rimwe ravepo nderekuti mudumbu mangu munokwata nekurira. Pandakadzokera kwachiremba nedambudziko remudumbu iri, chiremba akati igas rakawandisa ndakanyorerwa mishonga yandakashandisa asi hazvina kusanduka. Chingava chii?

MHINDURO:

Vazukuru vangu chinzwai dambudziko rine mumwe wenyu uyu. Wakaenda kwachiremba asi hapana zviri kusanduka. Zvakatowedzera mudumbu mako mukatanga kukwata. Chamunofanirwa kuziva ndechekuti kune zvimwe zvirwere zvisingarapike kwumachiremba ekuzvipatara asi kuchivanhu.

Unogone kurota uchiita bonde nemudzimai kana murume kuhope, kudya chikafu chokukachidza, iwe womuka uchirwadziwa nepahuro kana nemudumbu. Kurwara kwakadai kunouya nenzira dzisiri dzaMwari asi kuti kunokonzerwa nehushereketwa.

Izvozvi zvichida pane vari kushandisa ropa rako kuita mari, kutora masimba avanoda kwauri. Iwe nekuti simba rako riri kushandiswa, unonzqwa muviri kurukutika, makumbo nemudumbu zvichirwadza.

Ndinofara kuti unoti wakaenda kwachiremba asi zvikashaya basa. Nokudaro zvava pachena kuti unofanirwa kutsvaga rubatsiro kuchivanhu.

Enda kuvanhu vanoita zvechivanhu unobatsirwa nguva ichiripo. Unokwanisa kuenda kumahofisi eZinatha uko uchaudzwa kune munhu anogona kukubatsira asi ungwarire vaya vemanyepo.

. Bvunza Kwayedza pa: 0714 200 007 kana 0775 421 949 kana 0715 942 183.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey