Mudzimai ane barika revarume 2

02 Jul, 2022 - 10:07 0 Views
Mudzimai ane barika revarume 2 Mollen Gamira

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

MUDZIMAI wekuita barika revarume vaviri ndokugara navo pamwe chete kwemwedzi yakawanda, murume chaiye wekutanga asati “achangamuka” kuziva nezvazvo, akazopfochomeswa kudzingwa pamusha pake kuDora kwaMutare.

Mudzimai uyo ave kugara nechikomba chake achimirira kuzobara mwana wake.

Mambo Zimunya vanotsinhira nyaya yerudo pakati paMollen Gamira nemurume wake Washington Bvirindi, wemubhuku raBvirindi pamwe chete nechikomba chake, Tafadzwa Manomano wekubhuku rekwaChitiyo.

Nyaya iyi yatova mudare raMambo Zimunya apo Gamira akarega kuuya pakutanga.

“Handina kuona kuti sei ndaifanira kuenda kudare hama dzangu dzisipo. Vaifanira kudaidzirawo dzimwe hama dzangu, zvikasadaro handife ndakatsika kudare ikoko,” anodaro.

Zvabuda mudare iri kuti Gamira naBvirindi vakakomborerwa nevanasikana vatatu uye mudzimai uyu anonzi ane pamuviri pechikomba chake.

Mambo Zimunya vanoti maitiro aGamira ari kuvakatyamadza zvikuru sezvo aidanana nekugara nevarume vaviri ava panguva imwe chete.

Mambo Zimunya

Mudzimai uyu anonzi akatanga kudanana naManomano munaKukadzi, mushure memwedzi mishoma abva nemurume wake kuSouth Africa.

Gamira anonzi akazotanga kugara nechikomba chake munaKubvumbi mushure mekuziva kuti ava nepamuviri.

“Varume vaviri ava vanoshanda pakambani imwe chete, saka mumwe wacho paainge asiri pabasa, Gamira aigara naye. Izvi zvinonyadzisa uye hazvibvumidzwe kuti mukadzi aroorwe nevarume vaviri panguva imwe chete.

“Varume vaviri ava havana kuziva kuti vainyengerwa. Bvirindi aifunga kuti mudzimai wake ainge ari pabasa sezvo aimboshanda pane rimwe bhawa repaChikosi Business Centre, kuRowa,” vanodaro Mambo Zimunya.

Kwayedza yaziviswa kuti Manomano aifunga kuti Gamira aive ane mwana mumwe chete.

“Paaishanyira murume wake Bvirindi, ainyepera Manomano kuti ari kuenda kunoona mwana wake,” vanodaro Mambo Zimunya.

Zvisinei, Gamira anonzi akazoita munyama apo Bvirindi akamutevera kubasa kwake ndokuzoona kuti aitogara naManomano.

Bvirindi anonzi akazoenda pamba panogara Manomano kakawanda nechinangwa chekudzosa mudzimai wake kumba, asi zvakakona n’anga murapwa achida.

Tafadzwa Manomano

Vatatu ava vakazoshevedzwa kudare raMambo Zimunya apo Bvirindi akabva apa Gamira midziyo yake yose achiti muchato wavo waparara.

Zvisinei, mushure memavhiki mashoma izvi zvaitika, Bvirindi anonzi akatevera Gamira achimunyengerera kuti adzoke kumba.

Asi Gamira ari kutsika madziro achiti haachada nezvaBvirindi.

Mudare raMambo Saunyama, mudzimai uyu anozviramba kuti akatakura pamuviri paBvirindi.

“Akatokundikana kuita bonde pandakapedzisira kumushanyira izvo zvaitonyadzisa zvakanyanya. Anenge aive akadhakwa.

“Ngaasiyane nekunyepera vanhu kuti ndakatakura mwana wake,” anodaro Gamira.

Apo Kwayedza yakashanyira pamusha paBvirindi kuDora nemusi weChina chadarika, Gamira akawanikwa akazorora zvake.

Anoti aive angoshanyira vana vake uye aizobva pamusha apa zuva raitevera.

“Ichokwadi kuti ndakabva pamusha kutanga kwegore rino ndichinoshanda kune imwe night club uko ndakasangana naManomano. Panguva iyi ndaive ndichiri muwanano naBvirindi.

“Pakutanga, ndaivhara varume vaviri ava vose ndichivatora sevarume vangu zvakaenzana asi iye zvino ndasanduka uye ndave kugara naManomano.

“Pandakadanana naManomano, ndakamunyepera kuti ndaive nemwana mumwe uye kuti handina murume. Takawirirana kuti ndisiye basa rangu remunight club tigogara tose.

“Ndakabvumirana nazvo ndokubva tatanga kugara semurume nemudzimai,” anodaro Gamira.

Bvirindi akawanikwa asipo pamusha pake uye nharembozha yake yaisabatika.

Manomano anotiwo ane hurongwa hwekutsvaga gwaro redziviriro kudare sezvo ari kupomera Bvirindi kuti ari kumushungurudza pose paanomuona zvichitevera kumutorera kwaakaita mudzimai wake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey