‘Mudzimai anondirovesa nemamonya’

18 Sep, 2023 - 17:09 0 Views
‘Mudzimai anondirovesa nemamonya’ Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MURUME anogara kuMabvuku, muguta reHarare, anoti ari kuoneswa ndondo neaimbova mudzimai wake uyo anogara achimurova uye kumutsvagira mamonya anomurwisa.

Izvi zvabuda mudare reHarare Civil Court apo Tapedzisa Makuna amhan’arira Loouisa Muvi achiti haadi kuti asvike kubasa kwake.

“Mudzimai uyu handichagare naye saka ndaikumbirawo kuti asasvike kubasa kwangu achiita ruzha achindikanganisa mashandiro uye asapote achitsvaga mamonya kuti andirove,” anodaro Makuna.

Anoenderera mberi achiti: “Akandimanikidza kunogara naye kumba kwake ndokutora midziyo yangu ndiri kubasa kuSouth Africa achiti zviri nane kugara tose pane kuti abhadhare rendi kuMabvuku. Zvino sezvo ndisisamude, ndave kudawo mbatya nemidziyo yangu nekuti tatadza kugarisana uye handichadi nezvake.”

Makuna anotiwo Muvi chidhakwa chemakoko.

“Mudzimai uyu haana kuvimbika nokuti pese pandinoenda kuSouth Africa nebasa, mazuva ose anopinda mumba husiku akadhakwa. Ndinoita basa rekutyaira mabhazi saka nguva zhinji ndinenge ndisipo, kuti ndizozive nyaya iyi musikana webasa ndiye aindiudza nguva dzaanopinda mumba kana ndisipo. Zvakare akatengesa motokari yangu ndiri kubasa,” anodaro.

Muvi anoramba zvose zvaitaurwa naMakuna achiti ndiye anotomurova.

“Mumwe musi akada kundipisira mumba apedza kundirova ndisina kupfeka, vavakidzani ndivo vakazomhanya kuzondibatsira. Handina kumbotsvaga mamomya asi kuti ihanzvadzi dzangu dzakauya naamai vangu kuti dzizotiyananisa akazorwisana nadzo,” anodaro.

“Motokari yaari kuti ndeyake ndeyangu yaakasvika ndinayo, ndiri kutoona kuti murume uyu ndiyo tsika yake yekudanana nevakadzi vane zvinhu zvavo ozoda kuvasungisa. Ane imwe nyaya yakabva mudare manje-manje iyo akasungisa mumwe mukadzi zvakare achiti akamubira, itsotsi murume uyu,” anodaro.

Mutongi Sharon Mashavira vakapa Makuna gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey